‘Kusaita mwana haisi mhosva’

19 Jan, 2018 - 00:01 0 Views
‘Kusaita mwana haisi mhosva’

Kwayedza

Lizzy Mushoriwa
Mudzimai wekutendera murume wake kuita chipari anoti akazvisikira moto muziso sezvo ave kugara achishungurudzwa achida kudzingwa pamba. Patience Chiwenga akaendesa Samuel Munemo kudare reHarare Civil Court achiti haasi kudya rinopisa nekufurufushwa.

“Baba ava handidi kuti vandidzinge pamba patakavaka tose. Ndaishingirira ini ndichishanda tichivaka tose imba asi nhasi ava kundidzinga nekuti handina mwana apa iye akatondiroora ndiine mwana wangu. Kunditi ndatadza kumuitira mwana inini?” anodaro.

“Iye nemukadzi wake vanondituka uye kundishungurudza. Ndainge ndatoti vagare havo asi iye otoda kundidzinga. Ndibatsireiwo Changamire, anoti ini ndinofanira kubva iye ogara nemukadzi ane mwana nekuti ini handina mwana naye,” anodaro Chiwenga. Munemo anopikisana nechikumbiro chemudzimai wake.

“Ndinopikisana nazvo, iye mukadzi uyu ndiye akatoti roora mumwe mukadzi akuitire mwana. Ko, nhasi ave kurwadziwa nei? Iye ndiye anotondidzinga achiti ndikasabva ndichabva ndave chitunha, zvino ndakazobva ndikanogara nemukadzi wangu iye anenge achingofona achiti mwana wandinaye nemukadzi wangu haasi wangu.

“Mubvunzei kuti kubva zvandakabva kumba ndakambomufonera kana kumutuka here? Anonyepa,” anodaro.

Mutongi Larzin Ncube akapa Chiwenga gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links