Kusaoneka kwehiv hazvireve kupera kwayo

11 Jul, 2014 - 14:07 0 Views
Kusaoneka kwehiv hazvireve kupera kwayo

Kwayedza

cathrine
MUHUPENYU zviri nyore kuti makorokoto kumwana anenge azvarwa kwete iye wega asi kupembera nekufarira vanhu vaviri wekutanga anova amai nekuti mutoro mukuru kutakura nhumbu kwemwedzi mipfumbamwe nekuti vamwe vanorasikirwa nehupenyu panguva iyi, wechipiri anova mwana atanga rwendo rwehupenyu panyika pasina anoziva pahuchagumira saka tinoti makorokoto nekuti anenge auya panyika pasina zvipaingaidzo.

Pakuguma kwehupenyu vanhu vanouya zvakare apa misodzi nekuridza mhere ndiyo inenge iri nyaya.
Nhangaruvanze yesvondo rino yakanangana nerwendo rwehupenyu rwekuti kana warwutanga warwutanga unofanirwa kurupedzisa hazvinei kuti runorema sei. Murwendo rwekurarama nehutachiona hweHIV harwudi vanozvifadza nenhema icho chokwadi chichitaura kuti hakuna mushonga uri kurapa chirwere ichi chichipera zvachose asi kuti mushonga uriko wemaARV unongodzikisira utachiona pasi nekupa simba kumasoja ari mumuviri wako kuti akwanise kurwisa vavengi vanenge vachida kuvhiringidza muviri wako.

Shoko iri hapana asina kurinzwa kuvanhu vanorarama neutachiona hweHIV nyangwe kune vasina HIV shoko iri rakasvika nekwavari zvakare.

Kune munhu ari kunwa maARV zvakatarwa asingamboita achimira akanoongororwa ropa nhasi kana kuti akanoitwa inonzi viral load kuda kuona kuti huwandu hweutachiona hweHIV hwava papi vamwe vanenge vava pachinhanho chekuti utachiona hweHIV hauchaoneka iyo inonzi undetectable viral load pachirungu.

Ipapa ndipo panotangira bongozozo rese vamwe vanobva vati vaponeswa kumachechi avo vachitaura kuti nekutenda kwavo vanunurwa kubva kuHIV asi kuti utachiona hunenge husisaoneke mumuviri mavo pavakaitwa viral load. Vamwe vanobva vatoti havana kumbobvira vakatapurira HIV nyangwe mukaenda navo kunoongororwa ropa vanosvikoonekwa vakachena.

Mai Judith Mutangirwa vanova development practitioner anoshandira rimwe sangano vakati vanoshushikana nenhau iyi.
“Panoda kunyatsotsanangurwa kuti chinombonzi viral load chii. HIV viral load testing kuda kuziva kana kuona kuti munhu wega-wega ari kushandisa maARV kuti ari kumufambira sei uye zvinotaurwa kuti viral load inofanirwa kuitwa pamunhu ari kunwa maARV kamwe chete pagore.

Kuongororwa kweviral kwese kune pazvinogumira zvekuti hutachiona hunenge hwasvika pahusisaoneke inonzi ‘the limit of detection’.
“Muno muZimbabwe viral load inobvira pa100 copies kana millilitre zvichidzika haichaoneki asi izvi hazvirevi kuti munhu haasisina HIV asi kuti utachiona hwadzika zvekusaoneka chete,” vakadaro Mai Mutangirwa.

Hero shoko risingavhikike, musazodyiwa netsananguro hakuna anoramba kuti kubata kwaMwari kuriko asi paHIV musatambe nemadhaka pasina mvura.

Hapashaikwe vanoti nedzinoparadza madyiwa nenguva HIV haisati yava kurapika zvekupera mumunhu mira nehupenyu hwako nekunwa maARV nguva dzakatarwa.

Wenyu:[email protected]

Share This:

Sponsored Links