Kushandisa fananidzo murondedzero

30 Mar, 2018 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga
DONZVO redu muchirongwa chino nderekuda kugadzira ugo hwemwana kuti husimbaradzwe uye hugoburitswa kubudikidza nekunyora rondedzero kana zvimwe zvinyorwa zvechiShona zvakadzama. Mukuita izvi, tinoedza chose kupa vana zvombo zvekushandisa kuti hunyanzvi uhu hugobuda zvakanaka.

Vavariro ndeyekuti mwana agogona kukwikwidzana nevamwe vana vachanyora bvunzo nguva imwe chete naiye. Nemawandiro anenge akaita vana vanonyora bvunzo idzi munaGumiguru, zvinotoda mwana anenge akabikwa akaibva kuitira kuti goho rake rigova rinofadza.

Pazvombo zvose zvandakataura muchikamu chapfuura zvaisanganisira nyaudzosingwi, madimikira, zvipauro nefananidzo, ndakati batei tsumo asi rwendo rwuno ndaona zvakakodzera kuti nditore fananidzo nekuti dzinoita kuti muverengi nemunyori vafambidzane pamwe chete.

Chinoita kuti vaviri ava vafambidzane pamwe chete ndechekuti fananidzo dzinoratidza mamiriro chaiwo akaita chinhu. Dzinobatsira pakuti dzinoita kuti muverengi aumbe mufananidzo mumusoro make maererano nechinhu chinenge chiri kutsanangudzwa.

Toti tinenge tichida kutaura pamusoro pemunhu anga akasimira nguwo. Masimiriro aya anogona kunge akanaka kana kuti asina kunaka. Fananidzo dzega ndidzo dzinogona kuburutsa zvazviri chaizvo sokuti kana zvaive zvakanaka toti, “Akange akachena sengirozi kana kuti semwenga ari pasvitsa.” Unobva watovaka mufanaidzo wemunhu anga akapfeka zvakanaka kunge akazvarwa nazvo.

Kana masimiriro asina kumira zvakanaka tinogona kufananidza tichiti, “Akanga akazviputira samakumbi ari kubva kumakuva kana kuti mijivha yaiita seiri pachigutsa.”

Kana pari kuda kutsanangudza tsvarakadenga yemusikana panokandwa fananidzo dzinoratidza humhiza hweMusiki mukusika munhu. Ndipo patinonzwa zvonzi, “Mwanasikana waVaChimuti yaiva nyeredzi chaiyo, svusvura ndadya mhodzi yechingwa. Miromo yake yaiva chichekererwa seshereni uye musoro wake wainge wakaurungana sehurungudo, iwo maziso acho akatenderera senyimo dzesiko. Mazino ake aiva akati wekee kuchena semukaka.” Zvirokwazvo unobva waona kuti paiva nezvechisikana apa.

Kana zvakanangana nechipurunyenye chemusikana dzirikowo fananidzo dzinoburitsa hupukandipemwenje hwacho sokuti, “Aiva namatama akatuta sechigwiti chakapfunda nyemba, iwo mazizino epamberi dzichinge mbezo dzaVaMuchawaya. Iwo maziziso aigara akaudyurwa kunge emombe yadzipwa pajoki naiwo mazivhudzi akati nyangarara kunge mufushwa wepanhamo. Kana zviri zvenzeve hatichataura, naiko kutiza musoro kwadzainge dzakaita kunge mahwani emuriwo wezifodya.” Idi chairo unobva watoona mufananidzo wechitokwadzima chemusikana kubudikidza nefananidzo.

Kana toda kuratidza kutsamwidzana kwavanhu tichishandisa fananidzo tinotopira mashavi nekuti tinenge tichida kufamba nemuverengi achiona zvandiri kunyora ini mumufananidzo yaanobuditsa mumusoro make.  Tinogona kunyora tichiti, “Vaviri vakanga vakafutirana kunge handira dzasangana pamunhanga, iwo maziso akati piriviri kutsvuka seemakudo adya chiwirowiro.  Marume aifemera pamusoro sematatya avhundutswa. Mazitanda emaoko ainge akakungwa zvibhakera zvoita kunge matsvimbo ehorikotyo idzo tsinga dzakati tare tare nemaoko kunge nzira dzekumazhanje.”

Fananidzo dzinoba pfungwa dzemuverengi kudziita dzemunyori nekudaro goho harizonetsa kubuda rakanaka. Dzimwe fananidzo dzatingaita ndedzekuti, “kuti mhuno fengu fengu kunge matende asina mvura” kana uti “kudyira kufa sembuyo.”

Hatibatisisei mashandiro efananidzo kuitira kuti tiwedzere hudzamu hwezvinyorwa zvedu.

Share This:

Sponsored Links