Kusina amai hakuendwe

24 Oct, 2014 - 09:10 0 Views
Kusina amai hakuendwe

Kwayedza

cathrineKUNZI uri hwenya kwese mimba yebere unenge waudzwa kuipa kwemaitiro ako ekuti unofadza waunaye nguva iyoyo, mangwana unomuka wasanduka wava kutaura zvimwe zvisirizvo zvawakataura.
Nyika ino yeZimbabwe inozivikanwa pasi rino nekubata vashanyi kana vapoteri vanenge vabva kune dzimwe nyika zvakanaka uye nemufaro.

Hatitarisire vanhu vasiri vemuno pasi, pangave panzvimbo dzemafaro, parufu kana muzvipatara.
Ndopa muenzaniso wemuzvipatara, nyangwe uri mushanyi kana mupoteri mishonga vanongopihwa semwana wemuno muZimbabwe vasingatarise kuti wabva kupi.

Rwendo runo tataura takanangana nevapoteri kana vashanyi nekuti munhu wese unotofambawo kune dzimwe nyika ungadai une mishonga yaunonwa kana kuti unogona kusangana nehurwere uri kwaunenge uri ikoko kurapwa hakufanirwe kubvunzwa chitupa chako kana kuti kwaunobva semusungwa kana kunge munhu asvika parodhi bhuroko. Nzvimbo iyoyi inenge ine mapurisa ndipo paunobvunzwa rezinesi rekutyaira kwete muchipatara.

Zvinonzi uyo ane mudumbu muri kumhanya ndiye anotsvaga gonhi rechimbuzi nekuti hakuna mutano anoenda kuchipatara.

Hurumende yeBotswana yakava nekushandura kuudzwa kwayakaitwa  mutemo nedare reHigh Court yemunyika mavo kuti vanofanirwa kupa vashanyi vari muhusungwa vanorarama neutachiona hweHIV maARV.

Bepanhau remuBotswana rinonzi The Botswana Gazette rakaburitsa mashoko akataurwa nemutauri webazi rezvekudzivirirwa kwenyika, nhau dzemitemo nekuchengetedzwa kwenyika (Ministry of Defence, Justice and Security) anonzi Samma Tabudi ekuti hurumende iri kutarisira kupikisa mutongo wekuti vanhu vasiri vemunyika imomo vanorarama neutachiona hweHIV vapihwe maARV.

Vashanyi vari muhusungwa neveNGO inozivikanwa seBotswana Network on Ethics Law and HIV-AIDS (BONELA) vakabudirira mukupikisa hurumende yeBotswana mukusapa kana kusarura vashanyi vari muhusungwa munyika mavo kuti vasapihwe maARV pachena nekudaro iyo hurumende yeBotswana, kuburikidza negweta ravo,

yakatumira magwaro kumagweta ari kumiririra vashanyi vari muhusungwa kuti vari kuda kupikisa mutongo wainge wapihwa nedare reHigh Court.

Kuita uku kuri kunzi kuri kubva kuvakuru vehurumende vari kuti zvinovadhurira senyika kuti vape vashanyi vari muhusungwa maARV pachena.

Nyaya yasvika pakadai nekuda kwevarume vaviri vemuZimbabwe vari muhusungwa kuBotswana neveBotswana Network on Ethics Law and HIV/AIDS (BONELA) vakaendesa hurumende iyi kudare rezvemutemo pamusoro pekusapihwa maARV vari mujeri.

Varume ava ndiDickson Tapela naMbuso Piye avo vari kushungurudzwa nekunyimwa maARV nehurumende yeBotswana.

Mutongi wedare reHigh Court yeBotswana Justice Bengbame Sechele vakati donzvo iroro rekusapa vashanyi vari muhusungwa maARV rinokanganisa kodzero yavo yekurarama izvo zviri mubumbiro remutemo reBotswana.

Vakaenderera mberi nekuti bvumirano yehurumende yekuti vasungwa ava havafanirwe kuwana maARV kubva kwairi haina maturo nekuti ibasa rayo kuona kuti vasungwa vawana rubatsiro mune zvehutano.

Justice Sechele vakati AIDS pachayo hachisi chirwere asi kuti zvirwere zvakawanda zvekutapurirana zvinenge zvamomotera kumunhu ane HIV asisina simba mumasoja ake ekurwisa zvirwere mumuviri make.

Nhamo nemunhu hazvisiyane, ndizvo zviri kuitika kunyika yeBotswana iyo yatakavakidzana nayo iri kuti kumunhu asiri wemo ari muhusungwa anorarama neutachiona hweHIV asapihwe maARV kutaura kuti kwavari vatokutongera rufu nekuti kana usisamwe maARV nekuti uri mujeri chii chinozoitika kwauri?

Chinenge chasara rufu chete ndosaka ndati kusina amai hakuendwe.
Zvakanaka kudzidza kubva kuZimbabwe iyo inopa mushonga kumusungwa wese pasina kuti unobvepi.

Wenyu:[email protected]

Share This:

Sponsored Links