Kususukidza rungano

29 Jul, 2016 - 00:07 0 Views

Kwayedza

Munyarardzi Gunduza

Zviitiko zvinosusukidza rungano:

13. Ndezvipi zviitiko zvishanu zvaungati ndizvo zvinoita kuti rungano rwuri muna Museve Usingapotse rwufambire mberi sezvarwakaita? Tsigira mhinduro yako zvizere. [25]Chiitiko chekuramba kwaPondai kuti Mambo Chakaingesu vadzidzise mwanakomana wavo, Karinge kudeketera midzimu chinoita kuti rungano rwufambire mberi sezvarwakaita. Zvinoonekwa Mambo Chakaingesu zuva ravanoshevedza machinda avo padare vachida kuasuma nezvenyaya yekuti vakanga vafunga kuti vaende kunodzidzisa Karinge kupira midzimu yavo kuninga yemadzimambo asi Pondai anopikisana nazvo achiti Karinge aive mwana mudiki kuti azive zvekuninga iyi. Izvi zvinoita kuti Pondai abve pamusha asina kuoneka vanhu vedunhu kana mudzimai wake, VaMasariranhamo achipotera kwaMambo Mupambi vosara vachinetseka zvikuru nekunyangarika kwake.

Chimwe chiitiko chinosusukidza rungano kunyeperwa kwaMambo Mupambi naPondai kuti aive neumambo hwakapambwa naMambo Chakaingesu. Zvinobuda paanobvunzwa naMambo Mupambi chikonzero chaakanga afambira ndokuvaudza kuti aida rubatsiro rwemauto ekurwisa Mambo Chakaingesu vakapamba umambo hwake asi ari iye aida kutovabvutira umambo. Izvi zvinoita kuti Mambo Mupambi vazopa Pondai tsori, Marizani naKunjerekunjere kuti vanosora dunhu raMambo Chakaingesu.

Tinoenderera mberi svondo rinouya.

. Zvinyorwa izvi zviri mubhuku rakanzi Ongororo yeNhetembo neMabhuku Shona O-Level.

TAMBAOGA MWANANGU

7. Ndezvipi zvinoitwa nevatambi vanotevera zvinoita kuti rungano Tambaoga Mwanangu rwuenderere mberi? (a) VaZinwamhanga (b) VaPfumojena (c) VaTakanongwa (d) VaMombeshora (e) Chigiya [25]

Vanyori munofanira kupa zvinoitwa nevatambi zvakakosha (cause) zvinozokonzera zvimwe zvinhu kuti zviitwe (effect), rungano rwuchibva rwaenderera mberi. Tangai nekuratidza kuti mutambi anobuda ari ani murungano (identification). Semuenzaniso: (a) VaZinwamhanga vaiva munin’ina waMambo Mupakaviri; vanoita kuti mauto anotorwa kuChirichoga kuchengetedza pamuzinda zvinokonzera kuti Tambaoga anyumwe nanyakutumwa VaMombeshora vanotanga kutiza pavanoona museve mutsvuku uri pakati pedenderedzwa reropa munzira.

Munofanira kudoma zvinhu zviviri kana kupfuura zvinoitwa nevatambi nezvazvinokonzera zvacho kusvika mapedza vatambi vari pamubvunzo. Cherechedzai mumwe mubvunzo unotevera; Sarudza vatambi vashanu muna Tambaoga Mwanangu ugotsanangura zvinhu zviviri zvinoitwa nemumwe nemumwe wavo zvinofambisira rungano mberi. Mubvunzo uyu hauna kusiyana neuri pamusoro apo pamapindurirwo awo asi chasiyana chete mabvunzirwo.

8. Tambaoga anofambisa rungano Tambaoga Mwanangu mberi nenzira dzipi? Tsigira nezviito zvake zvisere. [25]

Mubvunzo uri kuda zvinhu zvisere (8) zvinoitwa naTambaoga zvinosusukidza rungano. Munofanira kutanga nekudoma chaanoita, mopa tsigiro yacho inobva murungano. Zvadaro, mozojekesa zvinoitwa nechinhu ichocho kuti rungano ruenderere mberi. Semuenzaniso; anomuka achienda kuchikomo cheMaringa kwaive nechitunha chababa vake. Tinozviona paanonzwa izwi rababa vake, VaMupakaviri richimumutsa rutatu akarara mugota make ari kuhope ndokuzoenda kuMaringa kwaanonoona chitunha chavo. Izvi zvinoita kuti azokwanisa kuviga chitunha chababa vake muninga yekuMaringa. Zvimwe zvaanoita kuzviviga seri kwesasa, kubata mhembwe, kunyepa kuti ropa raive pamuviri pake nderemhembwe nezvimwewo.

9. Tambaoga Mwanangu rungano runoburitsa ushingi neumhare hwaTambaoga. Rondedzera zvaanoita zvinoburitsa ushingi neumhare uhwu. [25]

Munofanira kutsanangura ushingi neumhare (ungwaru) hunoitwa naTambaoga murungano. Zvimwe zvingadomwe; ushingi – kuviga baba vake, VaMupakaviri ari ega, kupinda muninga maityisa ega, kugara ega musango siku nesikati, kushaya munhu waakaudza nezverufu rwababa vake zuva raabva kunovaviga kuninga yekuMaringa; umhare – kushandisa madenderedzwa eropa nemuseve mutsvuku pakati kuvhima mhondi dzakaponda baba vake, kuzviviga seri kwesasa ndokugadzira chiumbwa panzvimbo yaairara mugota make, kunyepa kuti ropa raive pachipfuva pake nderemhembwe, kushandisa mutauro wakavanda pakutsvaga mhondi dzakaponda baba vake, kutiza achienda mumasango aive pedyo nemusha.

 

. Mhinduro dzemibvunzo iyi dzizere dziri mubhuku rinonzi Mhinduro Yeuvaranomwe Mabhuku neNhetembo: Shona O-Level (Revised Edition).

Share This:

Sponsored Links