Kutama: rwendo rwemakore 100

20 Mar, 2015 - 00:03 0 Views
Kutama: rwendo rwemakore 100

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
CHIKORO cheKutama Mission, icho chiri kwaZvimba kudunhu reMashonaland West, chichapemberera kusvitsa kwacho makore 100 kubvira pachakavambwa nemusi weSvondo 22 Kurume.PaKutama ndipo pakadzidza mutungamiri wenyika President Mugabe.

Vachitaura nezvechiitiko ichi, Brother Aaron Mazhambe, avo vanova murongi nemukushi wemashoko wemhemberero idzi, vanoti gadziriro dzemutambo uyu dzave padanho repamusoro.

Vanoti pazuva iri pachaitwa mitambo yakasiyana ine chekuita nedzidzo pamwe nekuratidzira zvinhu zvinoenderana nedzidzo (Education Expo) nezvemabhizimisi (Business Expo).

“Mutambo uyu waifanira kuitwa nomusi weMugovera asi takasandura zuva kuti uitwe nemusi weSvondo. President Mugabe, avo vanova Patron weKutama Old Boys Association (KOBA), ndivo vachange vari muenzi mukuru,” vakadaro Brother Mazhambe.

Vakatsanganura zvekare hurongwa huchange huripo pazuva iri.

“Tichatanga nekuzarurirwa nemunamato (Holy Mass) munguva dzemangwanani naBishop Dieter Scholtz vekuChinhoyi Diocese. Mushure, President Mugabe vachizotipakurira mashoko,” vakadaro.

Chikoro cheKutama Mission chiri mudunhu raMambo Zvimba, chinhambwe chipfupi kubva muNorton.

“Chikoro cheKutama chakavambwa mugore ra1913 semuzinda wekunamatira chichitungamiririrwa naFather John Loubiere avo vaive muJesuit Roman Catholic Priest. Pakazoonekwa kuti kunze kwekunamata, vanhu vakange vachida zvekare dzidzo pachibva pavambwa chikoro chepuraimari.

“Father Jerome O’Hea vakazouya mugore ra1931 vachibva vabatsira mukufambiswa kweKutama Mission,” vakadaro.

“Vakazoona kuti zvakange zvichivaremera kuita basa redzidzo iri vari voga vachibva vadaidza maMarist Brothers kuti vange vachivabatsira. Mugore ra1939, chikwata chekutanga chemaCanadian Brothers chakauya chichitungamurirwa naBrother Patrick Luis vakachibva vaenderera mberi nekusimudzira chikoro ichi.”

Brother Mazhambe vanoti Father O’Hea vakaunza shanduko huru apo vakavaka chipatara chaibatsira veruzhinji panova pakabva nhoroondo yechipatara chinodaidzwa kunzi Father O’Hea Memorial Hospital, icho chiri pedyo nechikoro cheKutama.

“Kuburikidza nekushanda pamwe, munzvimbo iyi makave nechipatara, chikoro uye kereke zvinova zvinhu zvakakosha muupenyu hwevanhu,” vakadaro.

Brother Mazhambe vanoti chinhu chavanotondera  munhoroondo yechikoro ichi kupasa kwakanyanya kwaiitwa nevadzidzi.

“Bvunzo dzainyorwa pachikoro ichi dzeMteric dzaibva kuSouth Africa saka mugore ra1959 vana vakapasa zvikuru zvekuti vanhu vakafungira kuti bvuzo dzakange dzabudiswa nerweseri vadzidzi vakaonera asi handizvoba, kwaive kugona kudzidzisa uye chido chekudzidza chaive nevana.

“Mugore ra1979 hondo yakange ichitsviriridza kukafa vanhu vakawanda panzvimbo iri padyo yeMagaranzvimbo. Chikoro ichi chakanzi chaifanira kuvharwa asi paishaikwa nzira kwayo yekuti vadzidzi vanzi vaende kumba nokudaro vakasarudza (mabhunu) nzira yekuvharisa pombi dzaifambisa mvura yaienda kuchikoro kuitira kuti vadzidzi vadzokere kudzimba sezvo chiri chikoro chebhodhingi,” vakadaro.

Vanoti panguva iyi, vamwe vadzidzi ndipo pavakazobva pachikoro ichi vave kuenda kune zvimwe zvakaita seWest Hood, kuKambuzuma muHarare uko vaidzidza vachibva kudzimba.

“Izvi zvakabva zvaomera vadzidzi nekuti kudzidza uchibva kumba kwaireva kuti waizotsvaga dzimba dzakugara dziri pedyo nechikoro uchibvisa mari yerendi, kukwira mabhazi nezvimwe. Rakange rave basa guru zvekare kuti vadzidzi vatangise kudzidza upenyu hwemudhorobha uhwo vakange vasina kujaira,” vakadaro.

Brother Mazhambe vanoti President Mugabe vakafunda nekudzidzisa pachikoro ichi kuma1940 pamwe nevamwe vadzidzi vakaita saClara Magwaze.

“Rudo rwaCde Mugabe mudzidzo rwakadzika nekuti kana nanhasi uno vachiri kungodzoka pachikoro ichi vachibatsira nenzira dzakasiyana kuti chinge chichisimukira. Munguva pfupi yadarika, vakatipa chipo chemabhazi vakavakisa zvekare mahositera 86 ane zvose zvinodiwa mukati,” vakadaro.

 

Share This:

Sponsored Links