Kutamba mukati medutu guru

12 Sep, 2014 - 09:09 0 Views
Kutamba mukati medutu guru

Kwayedza

TREE OF LIFECatherine Murombedzi
KAZIWAI, ini ndinonzi Loyce Maturu ndiri musikana ane makore makumi maviri nemaviri okuberekwa. Ndinoshanda nesangano rinoona nevana rinonzi AFRICAID Zvandiri semudzidzisi wevamwe vana (peer counsellor).
Kutama-tama kwaive hunhu hwangu hwechipiri, kwete nekuti ndaida asi kuti ndaingoenda kuzororo ndoudzwa ndaveko kuti handichadzoki. Ndairara ndichisvimha asi hazvaishandura chinhu.

Kuwanikwa ndichikura ndichiti pano ndagara, pano ndatamiswa zvakabva pakushaikirwa nevabereki ndichiri mudiki.

Mugore ra2000, amai vangu vairwara vakashaya vakasiya munin’ina wangu mutevedzeri wangu achirwarawo.

Pasina svondo akatevera zvikandibaya mwoyo. Baba vakashaya kare handitozivi ndaive mudiki zvakanyanya.

Rwendo rwekuti ndizogona kutaura kuti ‘Ndozvandiri’ rwakanditorera makore matatu.

Naizvozvo ndinonzwisisa kune vachiri kunetseka kugamuchira kuti vari kurarama neutachiona hweHIV.

Ini ndakaziva kuti ndine utachiona mugore ra2004. Ndairapwa kuNewlands Clinic uko ndakaitwa CD4 count ndikawanikwa iri 500. Ndakaiswa pamushonga wecotrimoxazole sezvo mapiritsi aya aizobatsira kuti ndisabate utachiona hwakaita sechikosoro cheTB, manyoka kana mhezi.

Ndakazotanga kunwa maARV muna 2009 mushure mekunge ndaita herpes padumbu.

Mugore ra2010, seAFRICAID Zvandiri takawana mubairo weAuxillia Chimusoro wesangano rainge rabata basa zvakanaka mugore iri.

Takafara zvikuru kuti nyika yainge yaona basa redu uye isu tainge tave kunzi AFRICAID Zvandiri.

Zvandiri yakabva muvana nekuti takati izvi ndizvo zvatiri, tinorarama neutachiona hweHIV kubva mukuzvarwa.

Kubva kumubayiro uyu, amai vesangano redu Mai Tadiwa vakatibvunza kuti taida kushandisa mubairo wedu sei, takasarudza kutsikisa CD.

Isu tinoimba nekuita mitambo naizvozvo takatsikisa CD redu rinonzi ‘How to dance in a storm’ iro rakaita kuti vanhu vati vana ava ndivanani, vanoita nezvei uye pamusana pei? Takamutsa yatinoti paChirungu awareness yevana vakaberekwa vaine utachiona hweHIV.

Muimbi anozivikanwa kuti Baba Shupi akagamuchira kushanda nesu akaitwa Ambassador weAFRICAID Zvandiri.

CD redu rinoridzwa kumitambo mikuru yeAIDS, kuICASA rakashandiswa uye rinowanikwa paYOUTUBE nezita rimwechete ‘How to dance’.

Mukati mekurwisa rusarura rwekurarama neutachiona hweHIV, mukati mebishi iri nematambudziko, isu takadzidza kuimba nekutamba.

Tinotarisira nyika isina rufu kubva mehurwere hweAIDS, nyika isina kusarurwa nekusiyiwa kunze kwevanorarama neutachiona uye kuti hakuna hutachiona hutsva huchazopararira. Panhau iyoyi hatidi kuonazve mwana achaberekwa aine utachiona hweHIV. Zvakaitika nguva yedu kusati kwava nemishonga. Nhasi uno hatichadi kuona izvi.

Ini ndine tarisiro yekuwana wandinodanana naye kuti azondiroora. Ndinoda mhuri yakakura, vana vashanu. Pari zvino ndinaye wandiri kuwadzana naye.

Zvandiri handizvivanze naizvozvo ndinotaura. Vanhu vazhinji vanoramba kuti ndinorarama neutachiona hweHIV vanofunga kuti ndinonyepa asi nekuda kwemaARV ndiri mutano kufanana nemumwe mwana wese.

Zvakadaro, munyori uno akapotsa adonhedza misodzi yekusuwa zvese nekufara nekuti AFRICAID Zvandiri yarera nekuburitsa vakundi. Svondo rinouya tichanzwa kubva kumukomana akange aramwa upenyu asi nekuda kwedzidziso kubva kuAFRICAID Zvandiri nhasi imhare uye mutano.

Share This:

Sponsored Links