Kutamba mukati medutu

18 Sep, 2014 - 18:09 0 Views
Kutamba mukati medutu

Kwayedza

Catherine Murombedzi Kurarama Neutachiona hwe HIV
(Chikamu chechipiri)  
SEKUVIMBISA kwandakaita svondo rakapera nhasi tinonzwa mashoko ekusimbisana kubva kumukomana wechidiki.
Dick mukomana ane makore makumi maviri nematatu ekuberekwa. Nhasi uno anoshanda nesangano reAFRICAID Zvandiri semudzidzisi, pachirungu peer counsellor. Dick anoti anotenda amai vake avo vakamurera vakamudzidzisa kuzvimiririra.

“Amai vangu vaigaronditaurira kuti ndinofanira kuzvimiririra ndega uye ndisanyanyovimba nevanhu. Vaiti ndaifanira kumira semunhu kwete kuzunguzika serutsanga. Nanhasi ndinotenda kukurudzirwa kwakadai nekuti apo ndakange ndasara ndava ndega ivo vaenda kunyika dzimu, upenyu hwakasanduka, asi ndinotenda nhasi dzidziso yavaindipa yakazondibatsira,” akadaro Dick tiri pamusha weZvandiri kuAvondale, muHarare.

Dick anoti baba namai vake vakasiyana iye aine makore maviri ekuberekwa. Akazovaonazve ava nemakore gumi nemana kamwe chete. Anoti baba vake vanogara kuBulawayo.

“Baba vangu ndakavaona kamwe chete. Kurambana namai hazvaireva kurambana neni. Havana kuita hanya neni. Ndaimboziva dzimwe hama dzababa asi mugore ra2005 pakatsvaira muRambatsvina vakatama vakaenda kwandisingazive nanhasi. Naivowo havana kuita hanya nekudzoka kuzondiona. Vamwe vangati tsvaga baba vako asi zvigondibatsirei? Ndakakura ndiri zai regondo mumhuri kana neshamwari chaiwo ndakaiwana kusvondo nekuno kusangano reAFRICAID Zvandiri,” Dick akataura nezwi rine kusuwa.

Dick, uyo anove mumwe wevadzidzisi makumi maviri nevashanu vanoshandira muHarare kusangano iri, anogara mumusha weMbare uko anonamata kusvondo yeRoman Catholic.

“Ndiri muKatorike uye ndiri mumwe wevatungamiriri vevana vechidiki musvondo medu. Mushure mekushaya kwakaita amai vangu, ndakawanikwa ndisina munhu aindibhadharirira mari yechikoro. Vaindichengeta ndivo vakati zvaive nani kuti ndiregere chikoro asi ini semunhu aida kunyora bvunzo dzeO – Level ndakaenda kusvondo kwangu ndikavaudza chichemo changu. Vakandibhadharira mari yetemu iyoyo vakazoona kuti ndainge ndanyoreswa paBEAM iyo inobhadharira nherera nevanoshaya,” akadaro Dick.

Dick anopa kutenda kukuru kune vamwe amai vanogara munharaunda yake. Anoti amai ava vaive nehanya neupenyu hwake naizvozvo pavakamuona aperezeka vakada kuziva kuti chaive chii.

“Ndinoda kupa kutenda kwakanyanya kune vamwe amai vemunharaunda medu avo vaimboshanda semukoti kare asi vave pamudyandigere. Amai avo vandinototora saamai vekubereka vakaona ndisingafare uye ndakaperezeka vakandibvunza kuti sei ndaive ndakauna-una. Ndakavataurira kuti ndainge ndisinganzwe zvakanaka.

Vakandikurudzira kuti ndiende kukiriniki ndinoongororwa ropa. Ndainge ndava nemakore gumi nematanhatu naizvozvo ndakaenda kukuriniki ndakasvikoti ndinoda kuongororwa ropa vakandirambira vachiti ndiri mudiki ndaifanira kuuya nemunhu mukuru. Ndakaita nharo ndikaona sisita mukuru pakiriniki avo vakazondibatsira.

Zvakabuda munhau iyi ndoZvandiri nhasi,” akadaro Dick.
Dick anoti zvakamutorera masvondo akati kuti asati agona kuudza kana munhu mumwe asi rimwe zuva akarovera mwoyo kudombo ndokuturira zvaimuremera kuna mainini vake.

“Kushaya kwakaita amai ndakasara ndichigara nemuni’nina waamai. Ndakazoudza mainini kuti ndainge ndaonekwa kuti ndine utachiona hweHIV. Ivo semunhu aive asina ruzivo rwakakwana vakandikurudzira kunyarara uye kuti ndizvikanganwe sechinhu chisina basa. Vakati ndaisafanira kutaurira chero munhu, zvaive zvedu tiri vaviri,” akadaro.

Dick anoti haana kuda kutorera mushonga pakiriniki yemunharaunda yake naizvozvo akaenda kuNewlands Clinic uko akabatsirwa mugore ra2009.

“Ndaisada kuonekwa ndichitora mushonga pakiriniki iri pedyo nekumba naizvozvo ndakaenda kuNewlands Clinic ndikaiswa pachirongwa chekunwa maARV mugore ra2009. Semunhu aive asina aimukurudzira, ndakaita chinepfu ndikamira kunwa mushonga mushure megore. Mukupera kwa2010, ndakarwara zvakaipa ndikadzokera kuNewlands Clinic uko vakanondidzidzisa uye kundisanganisa neAFRICAID Zvandiri. Ndakadzoserwa pamushonga wechipiri une simba uye nhasi ndinodzidzisa vamwe njodzi yekurega kunwa mushonga sezvakatarwa navakoti,” akadaro Dick.

Dick anoti nhasi uno anonorwisana nekuda kupedza kusarurwa kwevanorarama neutachiona hweHIV.“Ndinoda kuona kubatwa kwakaenzana kwevanorarama neutachiona hweHIV. Ndinosuwirazve kuti vana vakasunungukwa vaine utachiona vazive kuti havasi vega muhupenyu uhu. Ini nekuda kwekubuda pachena ndine musikana wekusvondo kwangu uyo ndinodanana naye. Hatiite bonde uye iye aitoramba kuti ndine utachiona hweHIV.

Ndakazouya naye kuno kusangano reZvandiri uko akazobvumba kuti ichokwadi.”
Vana vakaberekwa vaine utachiona hweHIV vasvika zera rekuti vachiwanana naizvozvo isu semvura ngativabvumidze kuva hove vagone kushambira.

Wenyu:cathymwau [email protected]

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey