Uncategorized

Kutendererwa nenhunzi hakusi kuora

06 Jul, 2018 - 00:07 0 Views

Kwayedza

IMBWA HAIHUKURE SADZA

DAI hasha dzaiverengwawo pachaverengwa mavhoti esarudzo yegore rino, Cde Kutuka vaihwinha sarudzo zvisina anopikisa. Kwese kwese, asi kunyanya muHarare vanhu vazhinji vave kungotaura foshoro, zvekuti dai rough yaive bhutsu, kutaura kuno dai yatotsveyama ichipinza jecha nepasi kana uchifamba.

Ichokwadi zvatinodya hazvisirizvo zvatinoda kudya, uye kana nyika yedu kune vamwe haisiriyo nyika yavanoda.

Asi nyika yedu inonaka sei kana isu vagari vayo tave kuita  kunge vanhu-mhuka?

Ndiri kutya kuti kuvava kuri kuita mukanwa mevanhu vazhinji muHarare kunogona kuita kuti kana naivo vatadze kumedza mate avo.

Hasha dzinenge dzembada dzave kutenderedza misoro yevanhu zvekuti vave kugara vakachenama sembwa uye vakasimudza misoro semhakure.

Asika, chiso chine maziso akatsvuka kuti pirirviri nemuromo unopopota zvinoratidza mhuka ine hasha iri kuyedza kubvarura kuti ibude mumwoyo manyahasha. Panoshama munhu ane hasha dzakatsvuka kunge marasha emoto, dai mashoko ake aibuda achibhururuka seshiri zvekuti aionekwa nevanhu vese, vamwe vanhu vaizoonekwa kuti vanotaura nyoka, zvipoko nezvidhoma.

Ndakaona mumwe mukomana wechidiki achidhiraivha mota yake zvemufirimu, achityora mitemo yemugwagwa nekuisa hupenyu hwevamwe munjodzi nekuti aifamba achitotsaukirwa nemota dzaibva kwaakanga akatarisa, uye kusiriko kwaaifanirwa kufambira. Akazoti amira pakashata, vanhu vakada kumubvunza kuti akanga achizviitirei, asi akatuka vanhu kunge agarwa neshave rechimbwamupengo.

Handizive kuti vanhu vakarutsa mwoyo yavo vakasiya marutsi panzvimbo yemwoyo riinhi. Asi kuora nekunhuhwa kwehunhu hwevamwe vanhu muHarare kunouraya kana nenhunzi dzese.

Ichokwadi hatigone kushandura mamiriro ezviso zvedu kuti zvifanane nezviso zvezvidhori zvine makanda anotsvedzerera. Tinogona kunwa mapiritsi ekuti titsvuke tive maYellow bone – asi kana ganda ratsvuka munhu wemukati anoshanduka here?

Hongu, tingade vhudzi refu rina Barbara, tigoda mazamu makuru anenge aMary nekaSlim body kanenge keModel, asi munhu haasi kunze, asi mukati. Kana newe unozviziva kuti pane nguva yaunoti waputikira vanhu kunge suweji, unonzwa munhu wemukati achikutsiura kuti wanyanya.

Nhai iwe, ndiwe here kana kuti pane mumwe ari mauri? Hunhu hwako ndehwako here kana kuti ndehwemumwe munhu? Uri hembe dzemubhero here dzatinopfeka asi dzichitaura kuti pane vamwe vakatombodzipfekawo vakadzisiya dzine buri refodya kana kunhuhwa kusingapere?

Kana Mwari vakakusarudza kuti uve munhu, chingovaratidzawo kuti uri zvawakasikwa uri. Mwari vane tarisiro yekuti iwewe munhu wavo upote uchizvitarisa mugirazi reshoko ravo uchibvunza kuti ndichiri munhu here. Unogona kufamba uchifunga kuti uchiri munhu, asi iwe watove chinhu, chiruma!

Asi ufunge, ndine chinhu chimwe chete chandinoziva pamusoro pako uye chausingandipikise. Chinhu ichi ndechekuti kare wakanga usiri zvauri nhasi izvi. Nhasi wave zvauri nekuda kwekuti wakanyima Mwari chanzi yawakapa mafesi ako, yawakapa doro nembanje.

Wakapa kunyepa chanzi, wakapa porno chanzi, ukapa chipfambi chanzi. Ehe wakabvuma kupihwa rimwe zita risiri rako, ukazvigashira. Kubvuma kupihwa rimwe zita: Ninja Danger, Fire D, Super T, Ganaz G, asi uchiramba kudaira zita rako rinozivikanwa naJesu.

Ufunge, uri chingwa kwete mafufu. Uri kutendererwa nenhunzi, asi hausati waora. Jesu akamutsa Razaro ave nemazuva mana afa. Mupe chanzi akumutse. Hasha dzako hadzidzime moto weGehena.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>