Kutengeswa kwefodya kwononoka

13 Feb, 2015 - 09:02 0 Views
Kutengeswa kwefodya kwononoka

Kwayedza

MWAKA wekutengeswa kwefodya wegore rino unonzi unganonoka kutanga sezvo fodya yakawanda ichiri diki zvikuru nekudaro nguva yekuti ichitemwa nekupiswa haisati yakwana.

Mwaka wekutengeswa kwechirimwa ichi unonzi ungangotanga muna Kurume kusiyana nemamwe makore apo unotanga muna Kukadzi.

Kwemwaka mitatu kana mina yakadarika, kutengeswa kwefodya kwaiwanzotanga pakati pemwedzi waKukadzi sezvo varimi vazhinji vainge vatotanga kare kupisa fodya yavo.

Zvakadai, fodya yemwaka uno iyo varimi vakarima nemvura yekudenga zhinji yacho inonzi haisati yave kusvika padanho rekutemwa ichipiswa.

Chamangwiza wesangano rinomirira varimi vefodya reTobacco Industry and Marketing Board (TIMB), Dr Andrew Matibiri, vanoti fodya zhinji yakarimwa nemvura yekunaya yakanga ichiri diki zvikuru.

Vanoti nyanzvi dzavo dzinoona nezvekurima dzaiva dzichiri kutenderera kumatunhu akasiyana kuvarimi vefodya munyika dzichiongorora mamiriro ezvinhu.

“Nyanzvi dzedu dzichiri kutenderera munzvimbo dzakasiyana kuvarimi dzichiona kuti chirimwa chedu chakamira sei asi zvinotaridza kuti mwaka uno tichanonoka kuvhura misika yedu inotenga fodya nekuda kwemvura ichiri kungonaya zvakanyanya,” vakadaro Dr Matibiri.

Vanoti mazuva ekuvhurwa kwemisika yekutengesa fodya achaziviswa mushure mekunge kwaitwa musangano webhodhi ravo svondo rinouya.

Zvakadaro, Dr Matibiri vanoti varimi vazhinji vanorima fodya vachidiridzira vakanga vave kupisa chirimwa ichi.

“Mwaka uno wekutengeswa kwefodya uri kutarisirwa kutanga mumwedzi waKurume kunova kunonoka nemwedzi panguva iyo tinowanzovhura misika yedu,” vakadaro Dr Matibiri.

Fodya yemunyika muno inotengeswa nenzira mbiri apo vanozvirimira vanotengesa kumisika yakazvimirira, kozotiwo varimi vanobatsirwa kurima votengesa kumakambani anovabatsira.

Varimi vazhinji vanonzi vanga vave kufarira kubatsirwa nemakambani sezvo zvichiita kuti vakwanise kutengesa chirimwa chavo nemari yepamusoro.

Mwaka uno pane kutyira kwekuti huwandu hwefodya hungangodzikira munyika nekuda kwekuramba kuri kuita mvura ichinaya.

Mwaka wapera, varimi vanobatsirwa nemakambani vakarima fodya yakasvika makgs 165,5 miriyoni chinova chikamu che76,5 percent.

Nerimwewo divi, varimi vakazvimirira vanonzi vakarima fodya iyo yakaendeswa kumisika inokwana makgs 50,7 miriyoni chinova chikamu che 23,5 percent.

Nyanzvi dzezvekurima dzinoti kurimwa kwefodya kwaiva kwakakwira zvikuru mugore ra2000 apo kwakarimwa makgs 236,6 miriyoni ndokuzodzikira zvakanyanya muna 2008 pakarimwa makgs anosvika 48 miriyoni chete.

Share This:

Sponsored Links