Uncategorized

Kuti chipoko here?

29 May, 2015 - 00:05 0 Views
Kuti chipoko here?

Kwayedza

CHIPOKO kana kuti dzangaradzimu chemumwe akambogara humbambo hwekwaNyamande, kwaGutu, uyo aive mukuru muchechi yeZion Christian Church asi ndokungotsakatika chipo chemakore 13 adarika chatendererdza vanhu misoro sezvo paine vanoti vari kuona murume uyu akapfeka mbatya dzaaive nadzo pavakamushaya.

Murume uyu, Tarwireyi Rashamira (87), ndewekumhuri yekwaRashamira iyo inogara mubhuku raDenhere.

Hama dzake dzinonzi dziri kufamba kun’anga nemaporofita dzichiudzwa kuti mupenyu uye kuti kushaikwa kwake kune chekuita nekushandiswa kwemishonga munyaya dzehushe.

Rashamira anonzi aitungamirira chechi cheZCC kwaNyamande, kwakare kwaGutu, uye akashaikwa mugore ra2002 apo akanga aenda kuBulawayo kunotora gwaro rekufa kwemudzimai wake.

Mwanasikana wemurume uyu, Elinah Rashamira (41), anotsinhira nyaya yekutsakatika kwababa vake uye kuti vari kuonekwa kunzvimbo dzakasiyana asi vakapfeka mbatya dzavakashaikwa nadzo, idzo dzinonzi hadzina kubvaruka. “Baba vakashaikwa nemusi wa13 Gunyana 2002 vari kuPumula South kuBulawayo. Vakanga vaenda kunotora death certificate raamai, Juliet Merata Rashamira, avo vaiva vashaya gore rimwe chete iri ikoko kuBulawayo. Kubva ipapo havana kuzodzoka kumba.

“Asi pane mashoko anoti baba vari kuonekwa kunzvimbo dzakasiyana, kusanganisira iko kuBulawayo, kuChivhu nekuno kumusha vachingova nembatya dzavo dzavakashaikwa vainadzo uye dzisati kubvaruka,” akadaro Elinah.

“Pakashaika baba kuBulawayo uku, kwaiva nemumwe mukoma wangu, Marudana Rashamira (43), achiroja. Asi ivo baba vaiva kumba kwehanzvadzi yangu Shadreck Rashamira, uyo ava mushakabvu. Vanonzi vakabva pamba vachienda kunozvibatsira kusango ndokusadzoka,” akadaro.

Pamba apa panonzi paiva nehanzvadzi yemudzimai waShadreck anonzi Desmond Mashayi, uyo anonzi akazoridzira nhare Shadreck. Panguva iyi, zvinonzi VaRashamira vanonzi vakamboonekwa kekugumisira kuLuveve.

“Baba hapana dambudziko reutano ravaiva naro. Kubva ipapo kusvika zvino tiri kufamba kumaporofita nekudzin’anga tichingonzi vapenyu. Chinonetsa ndechekuti sei vasingadzoke kumusha kana kuenda kune dzimwe hama kana vasingade kudzoka pano pamusha,” akadaro Elinah.

Murume uyu akabereka vana vapfumbamwe nemudzimai wake avo akasiya vari vapenyu vose asi pari zvino kwafa vatanhatu kuchisara vatatu vanoti Elinah, Stella naMarudana.

“Nyaya yekuonekwa kwavo iri kunetsa, vanongoonekwa nevatorwa bedzi avo vanovaziva. Vanototaura navo. Pazororo reEaster radarika, vakaonekwa kuChivhu vakatotaura zita ravo chairo, kuti vanonzi Tarwireyi Rashamira, vachiti vakarasika vaenda kuBulawayo kunotora matsamba ekufa kwaamai. “Vanonzi vakati kumusha kwavo ndekuno kwaGutu uko vakati havadi kudzoka kana kudzokera kunopinda chechi yeZion. Vachinzi vakati vakanga vave kuda kupinda Johane Masowe uye kwavaigara ikoko vanonzi vakati ndivo vava Mambo Nyamande. KuChivhu kwakazoenda vanhu kunotsvaga vakavashaya.”

Elina akaenderera mberi achiti: “Pavakaonekwa kuChivhu, kwakaenda mukuwasha, Severanos Chakano naOscar Rashamira, kunovatsvaga asi vakasvika vachinzi vakanga vabva vachienda kusina anoziva uye vanonzi vanogara vachionekwa kumapuroti eko.”

Anoti baba vake vanonzi vanotaura kuti ndivo Mambo Nyamande zvinova zvinopindirana nekuti vakamboita musarapavana pahushe hwekwaNyamande. VaRashamira vanonzi pavari kuonekwa vanenge vakapfeka mbatya dzechechi yeZCC idzo vaive vakapfeka pavakatsakatika.

Vanonzizve vakamboonekwa kuBulawayo nekuTsholotsho pakati pa2006 na2009. Mhuri iyi painofamba vanoti vanoudzwa kuti murume uyu akagadzirwa pahukama kuti atsakatike.

VaRashamira vanonzi vakamboita sarapavana pahushe hwekwaNyamande mugore ra1984 zvichitevera kufa kwababa vavo, VaMereta Rashamira.

“Isu tinoti nyaya yehushe ndiyo yakaparira baba vedu. Zvakanga zvanzi husagarwe kusvikira kwapera makore 25. Nekuda kwaizvozvo, vose vakagara hushe uhwu vaingoita mwedzi mitatu vobva vafa,” akadaro Elinah.

Sekuru vavo, VaMereta Rashamira vabereka baba vavo, ndivo vaiva Mambo Nyamande.

Pamusha apa pangosara varoora shirikadzi sezvo vanakomana vepo vana vakashaya. Vanakomana vakashaika ndevanoti Gift Rashamira, Gilbert Rashamira, Shadreck Rashamira naAdious Rashamira uyo akafa muna2011.

“Mafiro edu pano ane chekuita nenyaya iyi,” akadaro.

Muroora wepamusha apa, Mildred Muringaniza (48), anoti chinhu chinorwadza ndekuti havasisina kana munhurume pamusha.

“Tinongorota baba vachidzoka tichitaura navo, hamheno kuti vapenyu here sezvo vachionekwa, kana kuti vakafa,” akadaro.

Vanoti vanofamba nababamudiki, VaNisson Rashamira, munyaya dzose dzekuda kunzwa kuti zvakamira sei.

Munin’ina waVaTarwireyi Rashamira, VaJohn Rashamira (70), vanoti havana ruzivo rwakanyanya pamusoro pekushaikwa kwemukoma wavo uye vanoti pazvakaitika ivo vaiva kuHarare.

“Ndaingonzwa kuti vamboonekwa kuTsholostho nekumwe kwakawanda, handizive kuti munhu mupenyu here kana kuti mumvuri wemweya wake uri kuonekwa. Ndinongonzwa vamwe vachiti vanovarota. Mumusha medu muno mune makakatanwa ehushe nekuti pavakabva kuno vaiita sekunge vakanga vave kurasika pfungwa. Tine imwe hama zvakare inorasika njere,” vakadaro. “Izvozvi ndine hurongwa hwekuti tiungane nanasisi Selinah Rashamira nevamwe kwaChitsa tione kuti tingaite sei. Hanzvadzi dzangu igumi nemukoma asara, Tongesai Rashamira,” vakadaro.

Mutauriri wemapurisa munyika, Chief Superitendent Paul Nyathi, vanoti vanoda nguva yekuti zvitsvagurudzwe kuti nyaya yekushaikwa kwemurume uyu yakanhan’arwa kumapurisa here.

Elina ari kukumbira veruzhinji kuti paine vanokwanisa kududzira kuna baba vake vavabatsire nekuridza nhare panhamba dzinoti 0774 306 884.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey