Uncategorized

Kuti zvifambe . . .mambo akatenga chitunha chemunhu

23 Mar, 2018 - 00:03 0 Views
Kuti zvifambe . . .mambo akatenga  chitunha  chemunhu Mambo Chinhamora

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MURUME wekwaMambo Mangwende, kwaMurehwa — uyo anozviti muroyi wemandiriri — svondo rapera akawanikwa aine mapfupa emunhu mumba make, ndokudura kuti ndeechitunha chemuzukuru wake icho akatengesera Mambo Chinhamora vekuDomboshava, kuGoromonzi, avo vaananoti vaida kuchekeresa mufi uyu kuti vasimudzire bhizimisi ravo.

Nyaya iyi yakabuda pachena apo Happisson Chirimudondo (54) wemubhuku raMutandagayi, kwaMukarakate, akasungwa nemapurisa eko mushure mekuwanikwa aine mapfupa emunhu ayo ange achigara nawo mumba make kwenguva refu.

Mabhonzo emunhu akafa. Mufananidzo: Google.com

Gure iri rakafumuka apo vemhuri yekwaChirimudondo vanonzi vane zvaivanetsa zvine chekuita nechivanhu, izvo zvakazovatuma kuti vanobvunzira kumuporofita anobva kwaFaro, kuMacheke.

Vakafanobata chigaro chemutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland East Province, Assistant Inspector Tendai Mwanza, vanotsinhira nyaya iyi vachiti nemashoko ake mbune, Happisson ari kureurura kuti akatengesa mutumbi wemunhu kune vaimbova Mambo Chinhamora, mushakabvu VaSimon Chidziva, avo vakazoshaika mugore ra2015.

“Sekutaurwa kwazvo, muporofita anonzi Taurai Nyamanjerere akashevedzwa achinzi agadzirise zvainetsa mumhuri iyi. Anonzi akasvikotanga kubvunza nezvekufa kwemwana ainzi Rashid Gamuchirai, uyo ava musikana uye ari muzukuru waChirimudondo.

“Zvichitaurwa zvinonzi mwana uyu aiva aroyiwa naHappisson Chirimudondo, mutumbi wake achibva azoufukunura, ndokuenda nawo kuna vaiva Mambo Chinhamora uko vakaenda nawo kun’anga kuti vanogadzirirwa mishonga yekuti bhizimisi ravo asimukire — vaite mari yakawanda,” vanodaro Asst Insp Mwanza.

Asst Insp Mwanza

Kuti nyaya izosvika kumapurisa, Asst Insp Mwanza vanoti svondo rapera Happisson akanongedzwa nemuporofita uyu uye anonzi haana kuramba nyaya iyi sezvo akabva atsanangura mafambiro azvakaita kubvira pakufa kwemwana uyu — uyo anonzi aiva chirema — kusvikira pakunofukunura uko akaita chitunha, ndokunochitengesera Mambo Chinhamora.

Panonzi pane hukama pakati paChirimudondo namambo mushakabvu uyu uye musungwa uyu haasati audza mapurisa kuti akabhadharwa sei.

Mwana uyu anonzi akafa makore akadarika asina kurwara. Happisson anonzizve ari kudura kuti muroyi wemandiriri uye huroyi uhu akasiirwa nababa vake, mushakabvu VaElijah Chirimudondo avo vakashaika mugore 2009.

“Chirimudondo pachiitiko ichi, akataura kuti baba vake ndivo vakamupa zvombo zvekuroyesa zvinosanganisira mupurwa, girazi rekuona zvinouya, simbi dzepfuti yakare dzinoshanda — izvo zvose zvinonzi zvaizofanirwa kupihwa kumumwe wevana vaHappisson Chirimudondo (zita rake tinaro),” vanodaro Asst Insp Mwanza.

Pazvinhu zvaanonzi aishandisa kuroya izvi, mupurwa unonzi wakazobiwa nevamwewo varoyi mumwedzi waNyamavhuvhu gore rapera.

VaGeorge Kandiyero

Kuburikidza nembiri yake yekuroya, Happisson anonzi anoti akazokumbirwa nevaiva Mambo Chinhamora avo vaiva nebhizimisi paChabwino, mumugwagwa unobva muHarare uchienda kuShamva, vachiti vaitsvaga munhu wekuchekeresa.

Mambo vava mushakabvu ava vanonzi vakaudza Happisson kuti vaida mwana mudiki, inova nguva yakazofa Rashid Gamuchirai nenzira dzisinganzwisisike.

Happisson anonzi akazoenda oga ndokunofukunura mutumbi wemwana uyu, uyo akazonovigazve muguva idzva mubindu rake apo akazoshevedza vaiva Mambo Chinhamora ndokuufukunura zvakare, vachibva vaenda nawo kumusha kwamambo.

“Murume uyu anoti iye naMambo Chinhamora vakazotakura mutumbi uyu ndokuenda nawo kumba kwamambo ava kwaChinhamora uko vakazodarikira nawo kun’anga, asi ari kuti na’nga yacho yakanouramba ichiti yaisada chitunha chemunhu akaremara, asi kuti chemunhu ane mitezo yakakwana,” vanodaro Asst Insp Mwanza.

Vaviri ava vanonzi vakazoshaya kuti voita sei nemutumbi uyu vachibva vazoenda kunoukanda murwizi rwaMunhenga, kuShamva.

Happisson anoudza mapurisa kuti paakatakura chitunha ichi, akasiya mapfupa maviri kumba kwake nekuda kwehanganwa, ndokuzogara nawo kusvika nyaya iyi yakazofumuka svondo rapera.

Mapfupa aakasara nawo aya anonzi imbabvu dzemunhu nerimwewo bvupa risati razivikanwa kuti nderepai.

Pakafumurwa nyaya iyi, vanhu vakabva vanomhan’ara kumapurisa ekwaMurehwa zvikaita kuti Happisson asungwe.

“Chirimudondo akasungwa nemapurisa edu kutaura kuno, mapfupa emunhu ayo aiva akachengeta mumba make akawanikwa nemapurisa uye ari kubatsira mukuferefetwa kwenyaya iyi.

“Murume uyu ari kupomerwa mhosva yekutamba neguva nechitunha, n’anga yakanga yanyengera vaiva Mambo Chinhamora naChirimudondo kuti vaite nyaya iyi haisati yazivikanwa,” vanodaro.

Zvichakadai, mapfupa aya akaendeswa nemapurisa kumochari achimirira kuongororwa namachiremba uye anotarisirwa kuzovigwa zvine mutsigo kana izvi zvapera kuitwa.

Asst Insp Mwanza vanoyambira n’anga dzine tsika yekunyengera vanhu kupara mhosva nechinangwa chekuda kupfuma.

Vanoti imhosva huru kutamba neguva kana nechitunha.

“Mhosva zhinji dzekuuraiwa kwevanhu vachinzi vachekereswa zvinokonzerwa nen’anga uyewo tinoti kuvanhu, kupfuma hakubve mukuchekeresa kana kudeura ropa revanhu, kana kubata twana chibharo kana kurara nehama. Upfumi hunobva mukushanda wabuda dikita,” vanodaro.

Vachitaurawo pamusoro penyaya iyi, VaGeorge Kandiyero – avo vanova mukuru wesangano rinomirira vanaita zvechivanhuu, reZinatha – vanoyambira, kunyanya n’anga dzinofurira vanhu kuti vafambise mabhizinesi avo nekuchekeresa kana kurara nehama kana vana, vachiti vakadaro vanoda kusungiswa uye vodzingwa musangano ravo.

“N’anga dzose kunze uko tinoti musafurire vanhu kuti vadeure ropa muchivati ndiko kuti mabhizinesi avo asimukire. Iyemiwo vanhu musanyengerwe kuita zvinhu muchiziva kuti muri kupara mhosva dzakadai,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey