Kutsiga hari izere dzungu

08 Oct, 2015 - 16:10 0 Views

Kwayedza

KWAVE kupisa kudai, kana misoro inopisa zvakare. Vamwe vanopedzisira vatakura kana kutakudzwa hari dzizere dzungu rega rega. Unozvishaya kuti ko zvava zvipi munhu ave kuita maitiro amusinganzwisise, wozvibvunzawo zvakare kuti kana makambofambidzana, makange muchifambidzana pachokwadi here kana kuti pane vamwe vakange vaine hunyakose mukombe une buri.

Unouzadza nemvura kana hwomusungwa, asi paunenge uchinwa kudaro, imwe inenge ichirasikira pasi, woti chawagona hapana jeri reBindura.
Regai ndisarova imbwa ndakaviga mupini. Pakutanga, ndakambofunga kuti munhu wenyama, saka vane kodzero yokurwadziwa nokuti nzira yawakafamba kwamakore makumi mana anoraudzira, haingogumi kunge wange uri kufamba mumwena.

Asika, mukudzidziswa gwara romusangano, vana veZanu-PF vaiziva zvinogoneka nezvisingagoneke, uye vaizivawo kuti gwara romusangano harisi rokuti kana zvaramba ndinobva ndaramwa zvachose.

Vaitevedza nzira yavakafamba nayo votsvaga kuti ndepapi pavakarasikira, vogadzirisa. Kana zviri zvokuti vanhu havana kuwirirana mumashoko, vana mutongi gava vainge varipo, kwete kuita chiramwa chegurwe.

Iko kushaya kuzvipa nguva yokuzeya zvawasangana nazvo zvinoita kuti vamwe vange vagara vachida kukuparadza vaite madiro aJojina newe. Shoko raMwari rinoyambira wani kuti, “Munhu mumwe nomumwe anofanira kukurumidza kunzwa, kunonoka kutaura nokunonoka kutsamwa.”

Mukwende anobvunzisisa zvakare vaimbove mutevedzeri womutungamiri wenyika, Mai Joice Teurai Ropa Mujuru, kuti zvechokwadi vashinga kuti nhoroondo yavo semurwi wehondo yorusununguko izobuda iine zvatiri kuona izvi?

Hataive nehanya nazvo dai Mai Mujuru vakati zvandaburitswa muZanu-PF ndotanga zvangu ndega navamwe vangu, asi vari vanhu vari kutevedza gwara reChimurenga chakavapa hwaro nechengo chohutungamiri; Chimurenga chakarwisa vapambepfumi navasvetasimba.

Ko zvino bereka mwana tiende navanhu vanopikisana nomwongo weChimurenga – ivhu – inorevei nhai Mai Mujuru? Kutsiga hari izere dzungu zvaita seiko?

Makati bato ramuchaumba rinonzi People First, asi kuratidza kuti makwidzwa ndege yamashanga kana kutakudzwa hari izere dzungu navanhu vamunofunga kuti vane rimwe chete nemi, aimbove chipangamazano chaMorgan Tsvangirai, mutungamiri weMDC-T, Maxwell Zeb Shumba akabva ati ave kusiyana naTsvangirai, ave kutangisa bato rake rinonzi “ZimFirst” (Zimbabwe First).

Semataurirwo azvinoitwa kumitambo, vanoti ndiko kunonzi kutambwa 2-0; kudyiwa wakasvinura samatemba. Shumba akazviita muchangoburitsa gwaro renyu rokuvamba People First.

Asi, Shumba ari kukuitai “bhora musango” 2018 asati asvika. Ko iwo musiyano paPeople First neZimFirst uri papi? Kana kuti People First neZimFirst zvimwe chete?

KachiMDC kokuti musangano unoita zvidimbu-zvidimbu kakabva kapinda muPeople First musati matombosvika kana kupi zvenyu.
Takanzwa nemumwe mutori wenhau, Jealousy Mawarire, kuti mune vatsigiri jahwi. Ndizvo zvavari kuda here kana kuti kungoti zvazvaita, chero zvichirwisa Zanu-PF naPresident Mugabe?

Toyambukira kuukama hwenyu naTsvangirai neMDC-T. Amai Mujuru vacharamba nokupiko zvakataurwa nemudzimai womutungamiri wenyika Amai Grace Mugabe gore rapfuura kuti MDC yakaumbwa mumba mavo?

Zvinorambika sei kana uchinzwa kuti pasina nguva vabuda muZanu-PF vari kunzi vave kutoita hurukuro dzokubatana neMDC-T?
Zvinorambika sei kana vari pedyo naTsvangirai vachitaura kuti sungano yaramba yave zinyeke-nyeke nokuti pane makakatanwa pakati paMai Mujuru naTsvangirai okuti achave mutungamiri womubatanidzwa uyu ndiyani, pakati pavo vari vaviri, uyewo kuti pane makakatanwa okuti kana vakabatana zvechokwadi, zita rebato richazonzi chii?

Hamheno imi vaverengi kana muine mibvunzo gumi nefararira saMukwende. Nezuro chaiye vanaMai Mujuru, Didymus Mutasa, Rugare Gumbo vaiti Tsvangirai anotsigirwa nenyika dzakaita seUnited States of America neBritain, asi nhasi vavemowo mumutsetse vakabata kandiro kavo.
Rakapepeta rikasiya tsengwa!

Pamwe zvingabatsira kana Mai Mujuru vakambodzora ndangariro zvishomanana kuna September 15 2008 – zuva rakasainwa chibvumirano cheGlobal Political Agreement pakati peZanu-PF, MDC-T neMDC, kuHarare International Conference Centre.

Vachiri kuyeuka here kagamuchirwo kavakaitwa navatsigiri veMDC pavakapinda muHICC? Kana kuti yaive fungira mumoyo rwendo rwembwa? Vatsigiri veMDC vaikuonai semhandu, icho chokwadi chiri pasi pehana. Nhasi zvasanduka here? Vakaenda kuZBC, vanazvo zvakaitika musi iwoyo, kubvira vanhu vachipinda kusvika pamharadza musasa.

Nhasi dzangove ngano. Vanhu vaive muHICC vakatambisa nguva vachipedzera tsvimbo kumakunguwo, nokuti People First, MDC-T, ZimFirst noudambu-dambu hwavo huri hwese nomumvura nomumvura.
Chegore rino!

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>