Kutyaira zvisina hanya

05 Dec, 2014 - 09:12 0 Views
Kutyaira zvisina hanya

Kwayedza

Ernest Muchena
VATYAIRI vakawanda vanowira muna taisireva votongwa nemhosva yekutyaira zvisina hanya. Vamwe vacho vanochema nerekuti “Ndaisaziva veduwe-e”.

Pamutemo wedare haukwanise kumira mudare uchiti “ndaisaziva” wobva waregererwa. Mutyairi woga-woga anofanirwa kutyaira zvine hanya nguva nenguva.

Kushaya hanya kunouya nenzira dzakasiyana-siyana. Imwe neimwe yenzira idzi ikaunzwa pamberi pedare, mutyairi iyeye anowanikwa aine mhosva. Anotozorangwa zvakakodzera neudzamu hwemhosva yake.

Ndezvipi zvinoreva kushaya hanya?

Kutyaira mota uchimhanya zvisingaenderane nemamiriro enzvimbo kana mugwagwa kunoreva kuti hauna hanya. Motokari inotyairwa kudivi rweruboshwe munyika yeZimbabwe.

Munhu asina hanya ndiye anotyaira ari kurudyi vamwe vari kuruboshwe. Kana mutyairi akarega kumira kana kuita zvine musoro tsaona yoda kuitika anonzi anga achityaira zvisina hanya.

Mutyairi oga-oga anofanirwa kugara akatarisira zvingangoitika pamugwagwa uri mberi. Kusaita izvozvo ndiyo imwe nzira yekutaridza kushaya hanya. Kukona uchitsika-tsika mitsara yakatarwa kutaridza kushaya hanya zvakare.

Nzira dzekutaridza kushaya hanya dzakawanda kupfuura dziri pamusoro. Mutyairi akarega kuridza bhera kudzinga vanhu mumugwagwa, munhu asina hanya. Mumwe mutyairi asina hanya ndeuya anofamba usiku asina kubatidza magetsi emotokari yake, kana uya anorega kutaridza vamwe zvaari kuda kuita zvakafanana nekuti kana zviya achida kukona.

Mutyairi asina hanya ndeuya anopindira dzimwe mota pasingaite sepamukwidza kana muzvikomo. Kutyaira zvisina hanya, kukona kurudyi kana kutyaira uri pedyo-pedyo nemota iri mberi.

Mutemo unotizve watyaira zvisina hanya kana ukasatevedzera zvakanyorwa pazvikwangwari pamwe nepasi pamugwagwa. Mutyairi anoita tsaona nemutasvi webhasikoro anoongororwa kuti anga asiyawo here mukana wekuti mutasvi uyu angadonhe kana kundeya-ndeya. Mutyairi asina hanya ndeuya anotadza kungwarira vana vanenge vachifamba mumugwagwa.

Mutyairi wega-wega anofanirwa kungwarira zvese zvatanyora pamusoro. Imhosva uye kushaya hanya kana mutyairi achitadza kugadzikana “mulane” rake. Zvinotaridza kushaya hanyawo kuonekwa uchityaira motokari mugweje zvawo. Vatyairi vose vanofanirwa kusiyana netsika yekutyaira vasina hanya.

Ernest Muchena ndimazvikokota wekudzidzisa kudzivirira tsaona pamugwagwa ari zvakare mutauriri weTSCZ. Pamusoro pezvo, ndiProduct Development and Marketing Manager uye anokwanisa kubatika panhamba dzinoti 0772 110 898, WhatsApp 0716 000 507 kana padandemutande [email protected]

Share This:

Sponsored Links

https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG