Kuva nepamuviri uine hiv

16 Jun, 2017 - 00:06 0 Views
Kuva nepamuviri uine hiv

Kwayedza

Kuna Chiremba
Ndakaenda kukiriniki nekuti ndave nepamuviri pane mwedzi miviri. Ndasvika kukiriniki ndakavhenekwa ropa rangu ndikaonekwa ndiine utachiona hweHIV. Murume wangu akaonekwa zvakare aine utachiona humwe chetehwo.

Tiri kutyiswa nazvo asi tinoda kurarama zvakanaka.

Tingazvigona sei? Pane here zvimwe zvatingaongororwe uye zvii zvatingadye? Chii chichaitika kumwana wedu? Tichiri vadiki kwazvo kuti tirasikirwe neupenyu. Tiri kudisa kwazvo kurarama.

Ndini ari kunetseka.

Kune ari kunetseka

Hauna chikonzero chekunetseka.

Chekutanga ndinoda kukutenda nedanho rakanaka rekuenda kukiriniki kunotariswa pamuviri pako nenguva. Zvinokurudzirwa kuti madzimai akazvitakura ange achinotariswa kanokwana kana kana kudarika, zvikuru sei apo pamuviri pavo panenge paine masvondo masere kana gumi nemaviri.

Kutariswa kwepamuviri kwakakosha kuti unge uchipihwa mishonga yakakodzera mukudzivirira zvirwere zvakadai setetenus, malaria nekuona zvimwe zvigozhero zvinogona kuita kuti pamuviri ipapo pasakura zvakanaka zvakadai seBP, zvirwere zvepabonde zvakaita seHIV, Syphilis nezvimwe zvinotapuriranwa.

Nekuda kwekuti wakaona kuti iwe nemurume wako muri kurarama neutachiona hweHIV uye kuti uine pamuviri,

zvinogona kukuremera asi unogona kubatsirikana senzira yekudzivirira kutapurira utachiona uhwu kumwana kuburikidza nekutora mishonga yako yemaAnti-Retroviral Drugs (ARVs) zvakanaka kana kupinda muchirongwa cheOption B+ chinoreva kutanga kutora mishonga yemaARVs paunongoonekwa kuti une pamuviri uye une utachiona hweHIV.

Masoja emuviri aya anofanira kugara achivhenekwa mwedzi mitanhatu yega-yega uye izvi zvinobatsira kuti paonekwe kuti mishonga yemaARVs iri kushanda zvakadii mumuviri mako.

Mishonga yemaARVs inobatsira kuti CD4 count isaderera zvakanyanya zvichibatsira kuti paonekwe kuti utachiona huri mumuviri hwakawanda sei.

Ona kuti iwe nemurume wako maonekwa nguva nenguva nachiremba kana mukoti wepakiriniki iri pedyo nemi.

Kana uri kurarama neutachiona hweHIV uchiwana kudya kunovaka muviri zvinobatsira mukusimudzira utano hwako.

Kudya chikafu chinovaka muviri chakadai semichero, bhinzi, miriwo isina mafuta akawanda nekuderedza zvinhu zvinonyanya kutapira zvakadai sezvihwitsi, zvinwiwa zvine shuga nezvimwe kunobatsira.

Kutapurirwa kweutachiona hweHIV kubva kuna amai huchienda kumwana kunokwanisa kuderedzwa kana uchinge uchitora mishonga yako yemaARVs zvakanaka.

Kusunungutswa kwakanaka kunoderedza mikana yekutapurirwa kweHIV kumwana zvakare, zvikuru sei kudzivirirwa kwekutsemuka kwemadziro echibereko (rupturing membranes).

Deredza zvakare nhau dzekushungurudzika mupfungwa nekuti zvinomutsa zvirwere.

Share This:

Sponsored Links