Kuvandudza goho nekusakura mbeu

06 Jan, 2017 - 00:01 0 Views
Kuvandudza goho nekusakura mbeu

Kwayedza

Simba Gotosa—

MBESA dzechibage nesoya beans zvirimwa zvinorimwa nguva imwe chete yemwaka dziri mumaraini akapamhamha izvo zvinokonzera kuti chirimwa chikwikwidzane nesora pakutora fetireza yamunenge maisa.

Varimi zivai kuti chibage nesoya beans zvinokura zvishoma kudarikwa nesora mumavhiki matanhatu kusvika kumazsere (6-8 weeks) ekutanga. Sora revave (shamva grass) semuenzaniso, rinogona kuderedza goho nezvikamu zviri pakati pe57-80%. Kune chirevo chinoti murimi akarega sora richiburitsa mbeu yaro kwegore rimwe, zvinoreva makore manomwe ekusakura.

Huipi hwesora  kumbesa:

1. Sora rinoderedza goho remurimi

2. Sora rinorwidzana nembesa pakutora chikafu

3. Sora rine simba rekubvutidzana mvura shoma inenge yanaya nembeu

4. Sora rinogona kuvhunga/kuvharidzira mushana wakakosha kumbeu

5. Sora rinounza zvirwere kumbesa

6. Sora rinopa mukana kuzvipembenene, zvichizopa kuti zvidye mbeu, goho rodzikira

7. Midzi yemamwe masora inoburitsa chepfu inokanganisa mbeu kukura zvakanaka, semuenzaniso bise (witch weed).

8. Modzi dzemamwe masora dzinokanganisa kunaka kwembeu dzinokohwewa nevarimi semuenzaniso, tsine (blackjack) mudonje.

Haenoi masora anonyanya kunetsa muminda:

1. Tsine (blackjack)

2. Chowa (pigweed)

3. Pfende (nutgrass)

4. Tsangadzi (couchgrass)

5. Sausi (rapoko grass)

6. Chinzungu (Mexican clover)

7. Vave (shamva grass)

8. Kateve (morning glory)

9. Bise (witch weed)

Murimi anoziva sei huwandu hwemishonga yesora nemvura yakamwa pahekita (colibration)?

Munobatiswa zvinodiwa kuti calibration iite nyore:-

1. Tape measure – kuonesa hwasha hwechinoburitsa mushonga kumberi kwechigubhu (nozzle).

2. Chiringa zuva (watch) – kuonesa nguva inofambisa pandima inenge yatarwa

3. Measuring jug – kuonesa huhwandu hwemvura inoburitswa nenozzle

Matanho ecalibration yechigubhu (knapsack):

i. Zadzai chigubhu nemvura yakachena

ii. Pombai chigubhu kusvika chaguta movhura mvura kuti ibude ichipinda mumeasuring jug kweminiti imwe chete (flow rate litres or minute) – tomboti tawana 1,2 litres paminiti nekukura kwenozzle yatinayo.

iii. Chipomberazve mvura pasi makasimudza nozzle 45 cm kubva pasi. Ngatishandise measuring tape kuona hwasha inonzi swatch.

iv. Munhu akabereka chigubhu chizere ngaachifamba mumunda achiita seanomwaya mushonga kweminiti imwe chete. Izvi ngazvidzokororwe katatu tobva tazvienzanisa (average). Ngatimboti tawana 60m/paminiti.

v. Kuwana mvura inoburitswa pahekita = (flow rate x 10 000).

speed x swatch

*flow rate taiwana pa(ii)

*swath rate taiwana pa(iii)

*speed rate taiwana pa(iv)

(1,2 x 10 000)/(60 x 0,9) = 222 litres

Mvura inoita 222 litres ndiyo ichamwaiwa pahekita imwe chete, nechigubhu ichocho uye nenozzle iyoyo iripo uye tichishandisa munhu iyeye akabereka chigubhu, pakawana chachinja totanga calibration patsva.

Tomboti mushonga wesora Atrazine wakanzi pazvinyorwa zvakanamirwa pabhodhoro unodiwa 3.5lt/ha, muchibubhu tosanganisa mushonga wakawanda zvakadii?

· Chigubhu 16 litres

· Hekita inoda mvura 222 litres

· Huwandu hweAtrazine pahekita 3.5lt/ha

Huwandu hwemushonga (Atrazine) pachigubhu 16 over 222 x 3.5 = 252m/s

Kutadza kuita calibration zvakanaka kune njodzi yei?

a) Murimi anogona kushandisa mushonga wakawandisa pandima diki zvokuvadza homwe yemurimi.

b) Mushonga wakawandisa unogona kuvhiringidza kukura kwezvirimwa

c) Mushonga wakawandisa unogona kuuraya tupukanana turi muivhu tunodiwa nembesa.

d) Mushonga ukamwaiwa uri mushoma hauuraye sora, murimi anotopedzira aisa vanhu vekusakura zvobva zvauraya homwe

Mushonga wesora wakanakira chii kumurimi?

i. Chirimwa chakanangwa nacho chete ndicho chinobuda.

ii. Feteraiza yose yamunenge mamwaya inoenda kuchirimwa zvokonzera mbeu dzakaita seSC719 kana SC727 kuti dziite mashura adzo chaiwo ekunanavira ku16t pahekita.

iii. Mwaka mizhingi mvura inonaya yava shoma saka kana munda wakachena mvura yakawanda inoenda kuchirimwa.

iv. Nemishonga yesora, hatikanganise ivhu repamusoro (top soil) iro rine udyi hunodiwa nechirimwa

v. Munhu mumwe anofirita hekita pazuva rimwe izvo zvinorerukira murimi.

vi. Zvirimwa zvinokura zvakanaka pamavhiki matanhatu kusvika pamasere (6-8) anokosha ekutanga kana mvura ikaramba ichinaya inopa varimi nguva shoma yekusakura. Asi nemishonga, munhu mumwe anopedza ndima huru nenguva pfupi.

vii. Varimi vanowana nguva yekuzorora, vachigarawo zvakanaka vachishandisa mari yabva mukurima.

Yeuchidzo:

a) Ngativerengei zvakanamirwa pamabhodhoro emishonga

b) Mishonga ngaichengetedzwe pasingasvike vanhu (lock and key)

c) Ngatipfekei nguwo dzekushandisa (protective clothing) semagirovhosi kana magambutsu kana tichifirita mushonga.

Murimi vanokurudzirwa kuti vafarire minda yavo ndiko kuti zvavanoshanda zvibude, uye ndiko kuti zvatinokukurudzirai isu veSeed Co zvibudirire, pokupedzisira mowana pundutso pakurima.

Varimi ngatishandisei mishonga yesora ndokuti mbeu dzeNzou SC719 kana SC727 dzikupei goho rine mutsindo, dzeShumba SC633 kana SC 637 dzikupei goho rinodzvova. Avo vari kunopisa (natural region 3-5) regai mbeu dzeMbizi SC 513, 529 ne533, dzeTsoko SC403 kana dzeTsuro SC301 dzikure mumunda makachena ndiko kuti matura enyu ati fashafashe. KUTI SEED CO NDOKUTI MBEU.

Share This:

Sponsored Links