Uncategorized

kuviga chitunha

10 Apr, 2015 - 00:04 0 Views

Kwayedza

Svikiro, mambo vanoiswa mubako

Azvisungirira haapinzwe mumusha

Anofa nemimba anosvinwa dumbu

Musoro wemufi uri kumabvazuva

Muchaneta Chimuka naKingstone Mapupu
KUBVIRA kare-kare vanhu vatema vane tsika dzavanotevedza pakuviga vashakabvu zvichienderana nekuti afa wacho munhu mukuru, mwana kana kuti anobva muimba yakaita sei.

Tsika idzi dzinotevedzwa kubvira panotanga rufu kusvikira pakuvigwa kwemutumbi wemushakabvu, kunyangwe zvazvo dzichigona kusiyana zvichienderana nenzvimbo. Ishe Nyamweda vekuMhondoro, VaClaudious Mandaza, vanoti zvitunha zvinovigwa zvichienderana nekuti munhu anenge afa sei.

“Pachivanhu chedu kubva pasichigare, munhu akafa nekurwara kana nedzimwewo nzira, anovigwa zvine mutsigo asi uyo anenge afa nekuzviuraya haasvitswe mumusha paanobva sekumochari. Anongonanga kumakuva ovigwa chero nguva yaasvika. Munhu iyeye anovigwa nezvinhu zvake zvose, kusanganisira mbatya, kuitira kuti mweya wake usasare uchinetsa vasara,” vanodaro Ishe Nyamweda.

Vanoti hapana mbatya dzemunhu anofa nekuzviurauya dzinogovewa uye kana mari yake chaiyo anofanira kuvigwa nayo, kudai kusiri kuti izvi hazvitenderwe nemutemo wenyika.

“Semuenzaniso, muno mudunhu mangu varume vechidiki vapera kuzviuraya nekunwa muchetura mushure mekunge vanetsana nemadzimai avo. Kubva gore rakapera, mune varume vatanhatu vakazviuraya nekunwa muchetura. Mitumbi yavo yakavigwa nembatya dzavo, netwavo twose. Asi pane zvimwewo zvisingazoita kuisa muguva zvakaita semotokari izvo zvinosarira mhuri,” vanodaro.

“Kuvafushira nembatya dzavo kureva kuti vaende netumweya twavo tusingade upenyu, kuti mweya uyu usabate vanosara.”

Mashoko aShe Nyamweda akatsinhirwa naMambo Chundu vekuHurungwe, VaAbel Mbasera, vachiti mutumbi wemunhu anenge afa nekuzvisungirira haupinzwe mumusha.

“Ivo vanozviuraya ava mitumbi yavo haisvitswe mumisha uye kana vazvisungirira pamiti inotemwa apowo avo vanenge vazvisungirira mudzimba dzinopazwa kovakwa dzimwe padivi. Asi mazuva ano vanhu vanongoshevedza n’anga nemaporofita vogadzira dzimba idzi,” vanodaro mambo ava.

Vanoti imwe pfuma yevanhu vanenge vafa nekuzvisungirira yakaita semari nezvimwe zvinopihwa mhuri yasara mushure mekunge zvachenurwa pachivanhu.

“Kune dzimwe nzvimbo vanhu vanofa vachizviuraya ava havarohwe makuva, kunongoshandiswa mishonga kupumha makuva avo,” vanodaro.

Mambo Chundu vanoti madzimai anofa akazvitakura anofanirwa kutanga vabviswa mwana mudumbu uye mutumbi waamai nemwana zvivigwe pakasiyana.

“Mudzimai ane pamuviri kana ashaika mwana anobviswa mudumbu nemadzimai echikuru nenzira dzekusvina nekuti amai mutorwa, havavigwe nemwana, haasi wedzinza ravo. Izvi zvinoitwa paine hama dzemudzimai uyu, chitunha chemwana chinonovigwa kubani chaamai choendeswa kuzvuru kwakaoma,” vanodaro.

VaBonface Katerere vekwaMurehwa, vanotiwo guva remunhukadzi anenge afa aine pamuviri neremwana wacho afira mudumbu, ose anoiswa masanzu emuti wemutowa, mutsonzowa kana mutoto pamusoro pawo. Vanoti iyi tsika yagara ichitevedzwa kubvira pasichigare.

“Nyaya yekuviga vafi inosiyana nenzvimbo. Kare vaye vaiva nemaperembudzi kana vafa vaivigwa kwavo voga,” vanodaro.

VaKaterere vanoti mavigirwo emasvikiro nemadzishe akasiyanawo neevamwe veruzhinji.

“Madzishe nemasvikiro vanovigwa mumapako. Iyi inzira yekuvaremekedza sevanhu vaibata mabasa makuru vachiri pano pasi saka havafanirwe kusanganiswa nevamwe,” vanodaro VaKaterere.

Mbuya Marita Ried vekuChitungwiza vanoti kune vamwe vanhu vanovigwa vasina kuiswa mumabhokisi nekuda kwechivanhu kana chitendero chavo.

“Tine vamwe zvakare vanenge vachisvikirwa vanovigwa vakangoiisirwa rupasa pasi chete vakaputirwa nemachira machena nematema,” vanodaro.

Pakuvigwa kwevashakabvu, vanodaro Mbuya Reid, pane dzimwe tsika dzinotevedzwa zvakare, dzakaita sekukandwa kwevhu

nehama dzemufi apo bhokisi rinenge risati rafushirwa. “Tinokanda ivhu mugomba tave kuonekana nevafi pamwe nekuisawo zvinhu zvakaita semahapa nehukwe inova itsika yechivanhu iyoyo.

‘‘Tinoisawo ndiro kana makapu pamusoro pemakuva izvo tinopwanya. Kune vamwe vanoisa zvakare midziyo yakaita sematerevhizheni nezvimwe zvinhu zvaishandiswa nevafi,” vanodaro.

Mbuya Reid vanoti kune avo vanenge vachiita zvehun’anga kana vachinge vafa vanovigwa nemidziyo yavaishandisa yakaita sehakata kana kuti inogona kuchererwa pasi.

Vanotizve kana munhu ave kuvigwa musoro unofanira kunge uri kudivi rekumabvazuva nekuti ndicho chivanhu chaicho. “Vanhu vasati vaisa bhokisi mugomba vanototanga vatarisa kunobva nezuva, kunova kwavanozoisa musoro wemufi nekuti pachivanhu zvinoyera kuti musoro wemunhu utaridzwe kumadokero.

‘‘Kunyangwe kana tichimuka tinotanga kutarisa kumabvazuva kuti tizive kuti kwayedza. Kunobva nezuva ndiko kwakajeka kunoita kuti mweya wemunhu unge wakadekara.

“Zvekare amai nyakubereka munhu vanokurudzirwa kuti vange vakagara kumusoro kwebhokisi apo vanhu vanouya vachibata mawoko sekuti panguva yekuzvarwa kwemwana musoro ndiwo unotanga kubuda apowo mudzimai wanyakufa achigara nechekumakumbo nekuti ndiko kunenge kune ‘midziyo’ yaakavinga, sesikarudzi. Saka inenge yave wonekedzano kuburikidza nekugara kurutivi kwairi,” vanodaro. Mbuya Reid vanotiwo vanhu vemarudzi akasiyana vane nzira dzemavigirwo akasiyanawo zvichienderana nezvitendero pamwe netsika dzavo.

“Kana kuri kuMasvingo vanhu vechidzimai vanoradzikwa nedivi reruboshwe varume vachiradzikwa vakatsamira ruwoko rwerudyi munhu akaita seakarara. Kunana Binga neGwanda, vamwe vanoradzikwa vakaita zvekugara chaiko,” vanodaro.

Zvisinei, vanoti kuvigwa kwevashakabvu mazuva ano kuri kuenda kuchisiyana nekwekare nekuda kwekufamba kwenguva uye nzvimbo dzacho semakuva ari mumaguta.

“Iye zvino nekuda kwechiRungu kwava nedzimwe nzira dzekuviga nadzo vafi dzakaita sekumakuva ekuGlen Forest, muHarare, kwekuti muguva rimwe chete munogona kuvigwa vanhu vatatu apo mitumbi inoomeswa yoiswa mumagirazi. Asi izvi zvinopesana netsika dzechivanhu,” vanodaro Mbuya Ried.

Dzimwe tsika dzekuviga vafi idzi dzinogona kumbosendekwa zvichienderana nefiro inenge yakaita munhu, sekuti kana akafa nechirwere chakaita seCholera, anotovigwa apo vanoona nezveutano vanenge varipo kuiitira kudzivirira kupararira kwacho.

Zvakadaro, kunyika dzekuWest Africa, idzo dzanetswa nechirwere cheEbola, vanhu vari kufa nedenda iri vari kuvigwa nenhengo dzesangano reRed Cross senzira yekuderedza kupararira kwacho.

Share This:

Sponsored Links