Kuyemura nyanduri

26 Jan, 2018 - 00:01 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza
SARUDZA nyanduri mumwe chete kubva muna Mutakunanzva Wenhetembo akanyora nhetembo dzakakubaya mwoyo. Zvino chitsanangura pamusoro peshanu dzacho uchiburitsa zvadzinoreva. [25]

Nhetembo dzakandifadza ndedzaTawanda Mushimbo dzinoti; Nyarai vanasikana!, Yambiro kunemi vachiri kukura, Chasvika zvacho chirwere chaNdira, Hokoyo nekorera! naNdini Watsiapu muchandiona.

Mudetembo Nyarai vanasikana!, nyanduri anondifadza nekurayira vanasikana kuti zvakaipa kusiya miviri yavo ichionekwa iri panze sepaanoti, “Hazvifadzi kuona miviri yenyu iri pachena.” Ndinofarira nyanduri paanoshandisa chidavado chechikuwo kuratidza vanasikana kuti tsika inovapa kusiya miviri yavo pachena yakaipa sepaanoti, “Icho ChiRungu ini ndinoti pasi nacho!”

Mudetembo repiri rinonzi Yambiro kunemi vachiri kukura, nyanduri anondifadza nekutirayira sevechidiki kuti tichengetedze tsika nemagariro edu sepaanoti, “Chokwadi, vana musarasa nhaka yenyu.” Ndinoyemura chidavado chemubvunzonhando chinoshandiswa nanyanduri achiti nyika inoda kuchengetedzwa sepaanoti, “Munoda kutengesa ivhu nemhaka yei?”

Mune rimwe detembo Chasvika chirwere chaNdira, nyanduri anondifadza nekutirayira kuti tinofanira kupemberera kisimusi tichiziva zviri mberi sepaanoti, “. . . ngatifarei tichirangarira ramangwana.” Ndasarudza nyanduri uyu nekuti anotidzidzisa kuti tikachengeta mamwe madhora pakisimusi takunda matambudziko aNdira sepaanoti, “Ngatidyei mari imwe tichipfimbika, kukaurisa chirwere chaNdira.”

Kubva muna Hokoyo nekorera!, ndinoyemura nyanduri nekutirayira kuti tikapedza chirwere chekorera takamura ndufu sepaanoti, “Mukadzinga korera madzingawo rufu.” Ndinodada nanyanduri uyu nedzidziso yaanondipa yekuti nhunzi dzikawanda pamusha dzinokwanisa kukonzera chirwere chekorera sepaanoti, “Pamusha penhunzi zivai kuti korera yave pedyo.”

Mudetembo rekupedzisira rakanzi Ndini Watsiapu muchandiona, ndinoyemura nyanduri nekuti haapesanise vanhu asi anongoita zvaatumwa sepaanoti, “Vanhu vanonditi ndiri mharadzi, asi ini ndinongove mutumwa chete.” Ndinonzwa kudada nanyanduri uyu paanoshandisa chidavado chechikuwo achiti anoita chese chaatumwa sepaanoti, “Pandanzi ndisvike chokwadi ini ndinopasvika chete!”

ZVEKUITA

  1. Sarudza vananyanduri vashanu kubva muna Mutakunanzva Wenhetembo vanofarira kunyora pamusoro pedingindira redzidzo. Zvino chitsanangura zvinhu zvitatu zvinotaurwa nezvedzidzo mudetembo rega rega. [25]

Munokwanisa kupindura mubvunzo uyu muchishandisa nhetembo dzinotevera: Dzidza mwanasikana naNyevero Maruzani, Ndinongonzi nyarara naAbel Mauchi, Dai ndakadzidza naReason Kufonya, Ndakapfura mudzidzisi nerekeni naReason Kufonya, Nhasi chikoro chapera naLiveson Tatira nedzimwewo.

  1. Kubva muna Mutakunanzva Wenhetembo sarudza nhetembo shanu dzaPeter Marimi ugotsanangura zvinoburitswa madziri. [25]
  2. Sarudza nhetembo shanu kubva muna Mutakunanzva Wenhetembo dzinokusuwisa. Zvino chitsanangura zvinhu zvitatu zvinokusuwisa munhetembo imwe neimwe. [25]

Mubvunzo uyu unokwanisa kuupindura uchishandisa nhetembo dzinotaura nezvehuori, ungochani nedzimwewo.

  1. Sarudza nhetembo shanu dzanyanduri Francis Matambirofa dzinoratidza kuti anofarira kuburitsa zvinhu zvinomushungurudza nezveupenyu hwemazuvano. Zvino chitsanangura zvinomushungurudza mudetembo rega rega. [25]
  2. Mitsara inotevera yakatorwa munhetembo dzawakanzi uverenge muna Mutakunanzva Wenhetembo.

(i) Ndikave mushandikadzi ndinoiswa shure kwomushandirume

(ii) Chero pawatsika pane kodzero, mirwi namakomo adzo.

(iii) Takaita chirwirangwe tikakunda hondo

(iv) Tinodawo pekukanda maziso takasununguka.

(v) VaMugabe naVaNkomo vaivapo, vakabatana.

(vi) Mana rose rakakupoteredza wava kuriziva nerwaamai

(vii) Chenjerera vaya vorudo rwamanyepo

(viii) Amai munokosha kwandiri, asi ini ndakushayai

Sarudza mitsara mishanu chete ugotaura kuti yakatorwa munhetembo dzipi, dzakanyorwa nani uye dzinotaura nezvei. [25]

  1. Kubva muna Mutakunanzva Wenhetembo, sarudza nhetembo mbiri chete dzakanyorwa naAlouis T. Sagota. Zvino chitsanangura zvadzinotaura ugopa zvidavado zvakashandiswa nanyanduri. [25]

Share This:

Sponsored Links