Kuzamakuvanza chokwadi

02 Mar, 2018 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi  Gunduza

  1. Tsanangura zvinhu zvishanu zvinoitwa naPastor Gift Mwenje mukuedza kuvanza mhosva yavo yekupa Sarah pamuviri muna Kereke Inofa. [25]

Pastor Mwenje vanozama kuvanza pamuviri paSarah pavanoti vaive vakuda kuenda nemunhu mumwe chete kuUK pakati pake naZebra. Tinozviona mushure mesvondo yavanosara muchechi naZebra naSarah vamwe vanhu vaenda kudzimba.

Vanovaudza kuti vakanga vakuda kuenda kuUK nemunhu mumwe chete pakati pavo. Izvi zvinoita kuti Sarah azokwanisa kunge achienda navo kuUK nekuti Zebra akanga asina mazuva akawanda abvako.

Pastor Mwenje vanoedza kuvanza pamuviri paSarah nekumuudza kuti vaifanira kuenda vose kuUK. Izvi zvinoonekwa pavanenge vari kuMufakose mumotokari yavo manheru vachimuudza kuti vaifanira kuenda vose kuUK kunonyatsoronga nezvenhumbu yake pasina zvizhinji zvaizovakanganisa. Izvi zvinoita kuti Sarah arambe akashinga kuudza Zebra kuti aida kuendawo kuUK.

Imwe nzira inoshandiswa naPastor Mwenje kuedza kuvanza pamuviri paSarah kurambidza Mary kuenda naSarah kwachiremba. Tinozviona pavanenge vari mumba mavo kuna Coventry, kuUK, vachimurambidza kuti aende naSarah kwachiremba kunovhenekwa pamuviri vachiti Sarah aisave mwana mudiki uye vaisafanira kuzvinetsa nezvake.

Izvi zvinoita kuti vazokwanisa kupiwa mukana wekuperekedza Sarah kuchipatara ndokuruka zano rekushandisa chiremba Ayub Kanu kunyepera Mary kuti Sarah aisave nenhumbu.

Muna Kereke Inofa Pastor Mwenje vanoronga naSarah kuti anyepedzere kurwara kuri kuvanza pamuviri pavakanga vamupa. Izvi tinozviona pavanoenda kubasa kwake kunoronga zano rekuti agonyepera kurwara zvakanyanyisa paaizoonekwa nachiremba Ayub Kanu. Tinozomuona achigomera nekuchema akarara pamubhedha akabata mudumbu ari kumba kwaMary naPastor Mwenje kuUK. Izvi zvinoita kuti chiremba Kanu vazokwanisa kuudza Mary kuti Sarah akanga asina nhumbu asi yaive mweya yekumusha kwake yaiita kuti adaro.

Pastor Mwenje vanoedza kuvanza pamuviri pavakanga vapa Sarah kuburikidza nekuronga nachiremba Ayub Kanu kuti vanyepere Mary. Izvi zvinojekeswa Pastor Mwenje pavanoenda kunoona chiremba Kanu vofanoronga zano rekunyepera Mary sepatinonzwa chiremba vave kumuudza kuti Sarah akanga asina nhumbu asi aitambudzwa nemhepo dzekumusha kwake.

Izvi zvinoita kuti Sarah azokwanisa kuzvarira kuZimbabwe sezvo chiremba vakanga vati ngaadzokere kumusha kwaaigona kurapwa nemumwe chiremba wavaiziva aigara muHarare.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey