KuZifa handibve ini: Phidza . . . ndiko kukereke kwangu

10 Aug, 2018 - 00:08 0 Views
KuZifa handibve ini: Phidza . . . ndiko kukereke kwangu Phillip ‘Phidza’ Chiyangwa

Kwayedza

Abel Ndooka

MUTUNGAMIRIRI wesangano rinoona nezvenhabvu munyika muno reZimbabwe Football Association (Zifa), Phillip Chiyangwa, anoti kukunda kwaakaita musarudzo dzichangobva kuitwa kuti amirire Zvimba South mudare reNational Assembly hakumukanganise kutungamirira sangano iri sezvo asiri mushandi waro.

Mubvunzo mukuru une vatsigiri vakawanda venhabvu parizvino ndewekuti zvichitevera kusarudzwa kwakaitwa Phidza — sezita remadunhurirwa raChiyangwa — kuve mumiriri weZvimba South uye nemutevedzeri wake Omega Sibanda kuve mumiriri weVungu mudare reNational Assembly hazvichavakanganise here kutungamira Zifa?

Pamusoro pezvo, mitemo yeFederation International de Football Association (FIFA) haitendere kuti nhau dzenhabvu dzinenge dzichinetsa dzinge dzichipindirwa neHurumende.

Kana Hurumende ikapindira munyaya dzenhabvu dzinenge dzichinetsa kumasangano akasiyana, nyika iyoyo inotemerwa zvirango zvakasimba neFIFA.

Omega Sibanda

Asi Chiyangwa anoti haasi mushandi weZifa nekudaro acharamba achiitungamira.

“Handisi mushandi weZifa ini, handishandire Zifa saka hazvinditadzise kuita zvandinoda. Ini ndine mabhizinesi angu, handitambiriswe neZifa saka hazvinditadzise kuita zvandinoda,” anodaro.

Anoenderera mberi achifananidza Zifa nekukereke achiti anongoendako kusangano iri kunoona mafambiro anenge achiita zvinhu.

“Zifa kukereke, handiti vamwe vanhu vanoenda kukereke kamwe chete pavhiki, ndizvo zvakangofanana nezvandinoita iniwo. Ndinongoenda sendiri kuenda kukereke kunoona kuti zviri kufamba sei iko kuZifa kwacho,” anodaro.

Chiyangwa anoti ari kutarisira zvakare kuzokwikwidza chigaro chinopisa ichi chekuZifa apo pachaitwa sarudzo dzekutsvaga mutungamiri mutsva wesangano iri muna Zvita.

“Hapana kwandiri kuenda, ndiri kutozokwikwidza kuti ndirambe ndiri panyanga,” anodaro Chiyangwa.

Share This:

Sponsored Links