Kuzivisa nezvesangano revechidiki reYPNSRHHA

27 Apr, 2018 - 00:04 0 Views
Kuzivisa nezvesangano revechidiki reYPNSRHHA VaEvos Makoni vekuNAC vachitaura nevechidiki pasitendi yeNAC

Kwayedza

VECHIDIKI vane makore 10-24 ekuberekwa vanoonekwa vari panyatwa yekutapurirwa utachiona hweHIV kana zvichienzaniswa nevanhu vakura.

Sangano reNational AIDS Council (NAC) rakaona nezvekukosha kwevechidiki ava richibva rasarudza kuita zvirongwa zvinofambirana navo.

Pasi pezvirongwa izvi, ndipo pane sangano revechidiki rinonzi Young People’s Network on Sexual Reproductive Health, HIV and AIDS (YPNSRHHA).

Sangano revechidiki iri rinoshanda pamwe neNAC vachitsigirwa nebazi rezveutano nekurerwa kwakanaka kwevana pamwe neUnited Nations nevamwe vatsigiri.

Chinangwa chemushandirapamwe uyu ndechekumusimudzira kufambiswa kwemashoko kune vechidiki maringe nezveutachiona hweHIV. Kubvira kutanga kwechirongwa ichi mumwedzi waMbudzi 2017, sangano iri riri kushanda nevechidiki vane makore anobvira pa10-24 okuberekwa uye rakabudirira kupinda mudistricts 85 nemapurovhinzi gumi ari muZimbabwe.

VaKudakwashe Musomekwa (kuruboshwe) vekuAHF vachivheneka kasitoma yavo HIV pasitendi yeNAC.

Zviono zveYPNSRHHA
Vechidiki vakazvipira kurwisa utachiona hweHIV neAIDS nekusimudzira vamwe vavo kuti vange vachiziva kukosha kweutano hwesikarudzi zvichifambirana nenyaya dzebudiriro.

 

Donzvo reYPNSRHHA
Kuti pave nenhaurwa pakati pevechidiki vachizokwanisa kuzokwidza nyaya dzavo kumusoro nemamwe mapazi ari mumatunhu avanoshanda navo, zvikuru sei nyaya dzine chekuita neutano hwesikarudzi nezvimwe zvirwere zvinobata vechidiki.

 

Zvinangwa zveYPNSRHHA
l Kucherechedza zvinhu chaizvo zvinotambudza vechidiki munyaya dzeutano hwesikarudzi uye kodzero dzavo.

l Kuunganidza zvekushandisa mukusimudzira nyaya dzeutano hwevechidiki.

l Kusimudzira vechidiki kuti vange vachishanda nemamwe masangano evechidiki aripo senzira yekurwisa HIV neAIDS.

Kusimudzira vechidiki kuti vange vachikwanisa kutungamiririra muzvirongwa zvine chekuita neHIV neAIDS.

 

YPNSRHHA paZITF 2018
Sangano reYPNSRHHA richange richiratidzira gore rino kumusangano weZimbabwe International Trade Fair (ZITF) kubva nomusi wa24 – 28 Kubvumbi kuBulawayo nokudaro riri kukokera vechidiki vese nevanhu vakuru kuti vange vachishanyira sitendi yeNAC apo pachange paine zvinotevera:

l Kutorwa kwemavhidhiyo

l Makwikwi ekwizi

l Kupangwa mazano

l Hurukuro muzvikwata

l Hurukuro nenhengo dzedare reParamende

l Kufundisana nezveHIV pakati pevechidiki

l Kugoverwa mashoko muzvinyorwa maringe neutano hwesikarudzi

l Kuvhenekwa HIV

l Kuchecheudzwa kwevarume

l Kuvhenekwa kwegomarara

l Kuvenekwa kwechirwere cherurindi

l Kuvhenekwa BP neshuga

Sangano reYPNSRHHA rinowanikwa pamasai-sai akasiyana uye vechidiki vanokwanisa kuwaniswa mashoko nekuziviswa nezvezviitiko zvitsva. Tibatei pafacebook inoti: Young People`s Network – Get Engaged

Munokwanisa kutibata zvakare patwitter inoti @YPNZimbabwe

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey