Kuzunza mambure konetsa

20 Jul, 2018 - 00:07 0 Views
Kuzunza mambure konetsa

Kwayedza

. . . nhabvu yashanduka: Chidzambwa

MURAIRIDZI wemaWarriors — Sunday Chidzambwa — anoti dambudziko revatambi vari kutadza kunwisa magobhora akawanda kuzvikwata zvavo mumwaka mumwe chete riri kukonzerwa nekusanduka kuri kuita nhabvu sezvo zvikwata  zvave kuvhara pagedhi zvakasimba.

Mumutambo weCastle Premiership, hapasati pamboita mutambi akwanisa kunwisa ka20 mumwaka mumwe chete izvo zvakapedzisirwa kuitwa naNorman Maroto mugore ra2010 apo aitambira Gunners FC.

Vamwe vatambi vose vakazohwina mubairo wegolden boot vaitevera Maroto vanosanganisira Rodreck Mutuma, Knox Mutiza, Nelson Mazivisa, Tendai Ndoro, Leonard Tsipa uye Dominic Chungwa vakakundikana kutevera mumatsimba aMaroto.

Zvisinei, kune vamwe vakatamba nhabvu kare vakadai saMoses Chunga, Alois Bunjira, Chewe Mulenga, Evans Chikwaikwai naNyasha Mushekwi avo vakazunza mambure kanodarika ka20 mumwaka mumwe chete.

Pari zvino, David Temwanjira weShabanie Mine ndiye ari kutungamira pakunwisa uyo anwisa kapfumbamwe mumitambo 19 yatambwa yeCastle Premiership.

Taurai Mangwiro

Zvakadai, Chidzambwa anoti nhabvu yamakore ano yasiyana neyakare sezvo zvikwata zviri kuedza nepazvinogona kuti zvisanwiswe.

“Zvikwata zviri kuvhara gedhi zvekuvhara zviye zvisingade kunwiswa saka zviri kuremera vatambi vekumberi.

“Zvasiyana nekare painwiswa zvekunwiswa zviye nekuti zvikwata kumashure kwainge kwakaboka asi iye zvino zvashanduka ndiko saka zviri kunetsa kunwiswa kudai,” anodaro.

Chidzambwa – uyo chikwata chake chiri kugadzirira kuzorwira tikiti rekuenda kumutambo we2019 Afcon – anoti anoshuvira kuve nemutambi anonwisa kanodarika ka20 muchikwata chake.

“Hatitarise hedu izvozvo pakusarudza vatambi asi isu tinongotarisa matambiro avanenge vachiita panguva iyoyo chete kwete zvakawanda.

“Mukatarisa Tino Kadewere ari kutamba zvinonwisa mvura kuchikwata chake kuSweden uye akatamba zvakatifadza kuCosafa ndizvo zvatinotarisira chete,” anodaro Chidzambwa.

Murairidzi weTriangle United, Taurai Mangwiro, anoti kukundikana kuri kuita vatambi kunwiswa magobhora akawanda inhau yekuti varairidzi vemazuva ano vari kudzidzisa zvikwata zvavo kuti zvivhare gedhi.

“Maonero angu inhau yekuti zvikwata marongero azviri kuitwa mazuva ano zviri kukurudzirwa kuti zvivhare gedhi zvekuvhara zviye, zvisanwiswe. Saka ndicho chimwe chezvikonzero tiri kushaya vatambi vanonwisa kakawanda.

“Hapana chikwata chiri kuda kukundwa. Ndokupai muenzaniso wemutambo weWorld Cup uchangodarika, hauna kumbonwiswa kakawanda sezvo zvikwata zvizhinji zvairwira mukombe uyu. Magobhora mazhinji ainwiswa mukazvitarisa aibva pamacorner, free-kick kana mapena chaiwo,” anodaro.

Mangwiro anoenderera mberi achiti vatambi vemazuva ano vasiyana nevekare panyaya yetarenda.

“Mukatarisa vatambi vemazuva ano vakatosiyana nevakare, vekare vaive netarenda uye vaishanda nesimba kudarika zvatiri kuona mune vemazuva ano,” anodaro.

Mutsigiri wenhabvu – Hurbert Manyowa – uyo anove mutungamiri wechikwata cheCUMA Academy kuKadoma, anoti zvakakosha kuti zvikwata zvishande nesimba mukubika vatambi vazvo kuitira kuti vakwanise kunwisa magobhora akawanda.

Hurbert Manyowa

“Cristiano Ronaldo naLionel Messi gedhi rikanzi rasungwa sei vanonwisa chete saka isu ngatibike vatambi vakadaro muno. Tikawana vatambi vanonwisa kanodarika 20 mumwaka mumwe chete kana kumaWarriors chaiko tinenge tave kutopisa.

“Asi pasi rese zviri kuitika nekuti mutambi anorasika kana aziva kuti ane tarenda. Vatambi vanoda kurakidzwa gwara uye vekumberi vari kupedzwa nekuzokuvara,” anodaro Manyowa.

Anoenderera mberi achiti, “Muenzaniso, mukatarisa mutambi akaita saCristiano Ronaldo anoziva kuti anorarama sei muhupenyu hwake uye anokoshesa zvaanodya saka muchiona achinwisa zvekunwisa zviye.”

 

Share This:

Sponsored Links