Kuzvibata musimboti weraramo!

05 Dec, 2014 - 09:12 0 Views
Kuzvibata musimboti weraramo!

Kwayedza

SVONDO rapfuura ndakatambira tsamba mbozha yaibva kuna amai Tsitsi Togara mugari womuHarare, vakange vachikurudzira madzimai eZimbabwe kuti anamatire vana munyika – kumira navo pamukaha nokuti “vana vaoma moyo.”

Vakati vana vedu vave kufa vari vadiki pamusana pokutora zvinodhaka, chipfambi chinovapa zvirwere zvakafanana nemukondombera, kubata pamuviri nezvimwewo. Vanotiwo kana maticha muzvikoro navamwe vabereki vave kutya vana nokuti dzave shumba dzinorura.

Amai Togara vakatsigira vachiti shoko raMwari kubhuku ramuporofita Jeremiya chitsauko 9, vhesi 20 ne21 rinoti: “Asi inzwai shoko raJehovha, ‘Imi vakadzi nzeve dzenyu ngadzinzwe shoko romuromo wake; dzidzisai vakunda venyu kuchema, mumwe nomumwe adzidzise wokwake kuungudza. Nokuti rufu rwakakwira pamahwindo edu, rwakapinda mudzimba dzamadzimambo edu, kuti rupedze vana vari kunze, namajaya ari panzira dzomuguta.”

Ndakaona kuti amai Togara mudzimai anoteerera nokutya Mwari nokuti hazvisi nyore kuudza mumwe munhu waunoziva kubudikidza nezvinyorwa kuti Mweya Mutsvene uri kuti madzimai ngatinamatirei vana venyika yedu kuti vasadyiwa nechakapedza mbudzi, uyewo kuti vasaomesa moyo nokuti ndivo vabereki vamangwana vachatora nhaka inonzi Zimbabwe.

Ndakabva ndasanganawo ne“poster” rakagadzirwa namasangano akasiyana-siyana kusanganisira mapazi eHurumende rakanzi: “Hokoyo nenhamo!”

Ndakatanga ndashamiswa kuti nhamo inotoita zvokushambadzwa seinonakidza! Asi, mufananidzo wavanasikana nevakomana vechidiki uripo ndiwo unotaura zvese.

Pane yambirowo zvakare inoti: “Siyana nezvinodhaka; Ramba kufurirwa ugodzivirira zvirwere zvepabonde, STIs, HIV neAIDS kana pamuviri. Tsvaka ruzivo kubva kune vehutano, ma”Peer Educators”, masahwira, vabereki nevamwe vane ruzivo munharaunda yenyu.”

Munavo vana pazororo. Vamwe vanofunga kuti kunyora bvunzo ndiko kudzidza kana kupedza chikoro zvokuti vanozvipa hukuru hwokukuzvidzai.

Inguvawo zvakare yatinopemberera kuzvarwa kwoMuponesi Jesu Kristu. Vari Mwari kudaro vakamboitawo mwana, asi vakave mwana asina kurasa gwara, uyewo vakave mwana akaziva chinangwa chake.

Vakapa chidzidzo chokutyisidzira vana nenhamo sezvinongoitwa mwana anonzi, “hokoyo namapurisa” vaida kuti vana vakure zvakanaka uyewo vasaparare nezvinhu zvavanogona kuramba.

Chidzidzo ichi chakakoshawo nokuti pasi rese rakacherechedza zuva reAIDS Day musi wa1 Zvita. Chinoshanmisa ndechokuti sei zuva rine humharadzi hwaitwa nomukondombera richicherechedzwa? Hazvipe vana musinzwi wavazara nawo here nhasi uno? Vana vakakura vachifunga kuti zvinhu zvakadai ngazvive nezuva razvo razvinocherechedzwa, nyika inosvika kupi?

Vana, kuzvibata ndiwo musimboti weraramo. Baba Charamba vakaimba vachiti kunyange ukada kudya nyika hapana kwaunosvika. Vazhinji vakazviedza, asi yakaramba kupera.

Share This:

Sponsored Links