Kuzvitonga kuzere

21 Sep, 2018 - 00:09 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza

SVONDO rino tinoenderera mberi nemubvunzo watakatanga masvondo apera unoti; Sarudza nhetembo dzinobuda muna Rukuvhute dzinoburitsa dingindira rezvematongerwo enyika/hondo yeChimurenga.

Zvino takaongorora nhetembo nhatu dzinoti; Ndipo patakamuviga pano, Pakamungoma naHadzisi nhema.

Svondo rino tinopedzisa nhetembo mbiri dzasara.

Munhetembo inonzi, Chava chigondora, chava chimombe nyanduri akanyora detembo iri achirangarira mhemberero dzekuzvitonga kuzere kweZimbabwe mugore ra1985. Munhetembo iyi munobuda pfungwa yekuti nyika yeZimbabwe yakawana kuzvitonga kuzere mumwedzi waKubvumbi sepanonzi, “Mwedzi waKubvumbi akasvinura ziso rake mhou ndokugomera kamwe.”

Kuwanikwa kwerusununguko muZimbabwe kwakafadza midzimu yevanhu vatema sepanonzi, “Vari nyikadzimu vakasekerera kuona mhuru yodhanaira.”

Nyanduri anoti Zimbabwe yakashanda nedzimwe nyika kutsvaga rubatsiro nepfungwa dzekuvaka nyika sepaanoti, “Mhuru ichitsvaka hama dzokuipakurira njere.”

Nyanduri anoti nhetembo iyi akainyora mushure mekunge Zimbabwe yave nemakore mashanu ekuzvitonga zvizere uye yaive yatosimuka sepaanoti, “Nhasi mhuru yasvitsa makore mashanu chatova chigondora zvachakadaro.”

Pakupemberera makore mashanu ekuzvitonga kuzere Zimbabwe inyika yakanga yave nehupfumi hwakanyanya uye munyika mazara maguta sepanonzi, “Muviri wacho wagwinya nacho chikafu chati bvu-u.”

Nyanduri anoti makore matatu mushure mekunge nyika yeZimbabwe yave kuzvitonga, kwakaita nzara yakakonzerwa nekusanaya kwemvura sepaanoti, “Gore rakabereka mamwe makore matatu asi denga rakaramwira gotsi ndokumwaya nzara.”

Nhetembo yakanzi Izororo remagamba, nhai? inobata dingindira rezvematongerwo enyika.

Nyanduri anoti zororo remagamba rinoitwa nechinangwa chekupa ruremekedzo kuvarwi vehondo yekusunungura Zimbabwe sepaanoti, “Izororo remagamba kuremekedza vaya vakaisa nyika mberi.”

Magamba akazvipira zvikuru kuburikidza nekukoshesa upenyu hwevazhinji sepanonzi, “Upenyu hwavo vakaisa mumashure.” Nyanduri anoti vamwe vanhu vanopemberera zororo remagamba vachinwa doro repanonzi, “Mabhawa akati pa-a, zvikari mabhotoro zviri kuzeya rave kunwiwa zvese nevana varo.”

Kana rave zororo remagamba vanhu vanenge vachifara zvikuru sepanonzi mudetembo, “Nyika yose iri mujakwatira rorufaro.”

Share This:

Sponsored Links