Kwatakabva kure!

16 Apr, 2015 - 00:04 0 Views
Kwatakabva kure!

Kwayedza

DAI wakange uripo pamhemberero dzeIndependence musi wa17 na18 April 1980, wozotarisa kapembererero kaveko nhasi uno, waiona kuti kwatakabva kure. Waiona kuti zvave nemusiyano.

Makore iwayo hapana aisara. Hapana aiti Independence ndeyana nhingi, isu hatimo.

Hazvaiva zvokutora badza munhu wonanga kumunda kunokohwa, vamwe vachipembera. Mhemberero dzaive dzomunhu wese zvake: vatana, vana amai nanababa; vakomana navasikana navacheche; vamakereke ese.

Nyika yese aive mabiko nokuti vanhu vakange vachiziva rwendo rwavakafamba, uyewo vaiziva kuti kuzvitonga kuzere kwauya sei.

Vaiziva kuti vanhu vakazvipira kufa nokutambura kuti nyika iwane rusununguko. Saka kwaive kupembera vanhu vachidya, vachinwa nokudzana, vari vanhu vane tariro kuti imomo murongo rinonzi Independence, muchabuda ugaro hwavo hwakanaka.

Zvikoro, maCommunity Halls nenhandare ndidzo nzvimbo dzaiungana vanhu kupombonoka votarisa hondo yakarwiwa kuti rusununguko rwuuye, asiwo vaitarisa kuti ndezvipi zvichamiswa neHurumende kuti upenyu hwavanhu huve nani.

Kubva 1980 kusvika nhasi uno, zvizhinji zvakaitwa kuti upenyu hwavanhu husimuke. Mwana haazvarwi, kufamba, kuenda kuchikoro musi mumwe chete. Mumwe musi anoita gwirikwiti, mumwe musi oita dzihwa. Ndokukura kwacho kusvika atanga chikoro, kuenda kuchikoro nokuyunivhesiti, kushanda, nokuzoroorwa nokuroora.

Ndiko kukurawo kuri kuita Zimbabwe. Hurumende nemi vanhu makasimudza nyaya yedzidzo kusvika Zimbabwe yatora mukombe muAfrica yese. Vana veZimbabwe idadiso kwese kwavanoenda nokuti vanokoshesa dzidzo.

Hurumende navabereki vakabatsirana kuvaka zvikoro namayunivhesiti akateshera nyika yese.

Shungu dzokufunda dziri muvanhu vemazera ese hadziratidzi zvinotaurwa navanhu kuti mabasa hakuna.

Vanhu vari kuvhurika pfungwa zvishoma nezvishoma zvichireva kuti vakapfuura pakuti Independepence kusimudza mureza chete.

Zvimwe chete nezvipatara zvikuru nezvidiki. Zvazara kwese kwese zvokuti vanhu havachafambi nzendo dzakareba kutsvaga kwokurapwa. Kunyange zvedu takadzipwa pahuro nenyaya dzemasanction zvokuti hatikwanisi kutenga michina yapamusoro-soro, uyewo kuti vana chiremba vedu havakwanisi kurapa zvimwe zvirwere, asi patasvika ipapa panotendwa. Ichasvika nguva yokuti vanhu vokune dzimwe nyika vachauya kuzorapwa muno muZimbabwe.

Minda takatora zvokuti vanhu vairima parukangarabwe nhasi vave neminda yavo. Hongu zviri kubva kuminda mizhinji hazvifadzi nokuti hazvigutsi nyika. Asi kana takamborwa tikaitora, chinotitadzisa kuti mumakore anotevera minda yese iburitse goho rinofadza, uyewo kuti tirime tichishandisa mvura yamadiridziro chii? Zvichadzoka zvokuti Zimbabwe ive dura rechikafu, dzidzo, zvipatara reAfrica yese. Musimboti kuchengetedza runyararo.

Zvakawanda zvatinokwanisa kuita kuti ramangwana reZimbabwe rijeke. Iye zvino chirongwa chokuvandudza upfumi hwenyika cheZimbabwe Agenda for Sustainable Socio-Economic Transformation (Zim-Asset) chiri kususukidzwa muHurumende nemuvanhu kuitira kuti vanhu vagutsikane nokutenda kuti Independence yakanaka, uye inovapa masimba oupfumi.

Ngatitarise zvakanangwa mukuvakwa kwedzimba mumatunhu pasi peZim-Asset. Mumadhorobha ese, misha inogara vazhinji yaive mishoma-shoma, asi ukatarisa kuvakwa kuri kuitwa muHarare iye zvino yave kufashukira nedzimba.

Mumwe nemumwe anoda kuve nepakewo. Hapana anoda kuroja.

Pasi peZim-Asset dunhu rimwe narimwe rinotarisirwa kunge ravaka zviuru zvakawanda zvedzimba tisati tasvika muna 2018. Harare – dzimba 105 935; Midlands – dzimba 56 760; Matabeleland North – dzimba 28 772; Mashonaland West – dzimba 23 819; Manicaland – dzimba 21 830; Masvingo – dzimba 20 269; Mashonaland Central – dzimba 16 607; Bulawayo – dzimba 15 100; Matabeleland South – dzimba 12 500; Mashonaland East – dzimba 11 776.

Kuvaka kunodhura. Saka kuvaka uku kunoratidza kuti Zimbabwe yagara mudhishi here panyaya youpfumi? Zvinoratidza kuti mari yacho iripo.

Ndiwo mweya wasusukidza Zimbabwe kubva panguva yehondo kusvika pakuwana Independence – mweya wokuti zvinotoita chete.

Share This:

Sponsored Links