Uncategorized

Kwayedza yakabvira yazvifumura

09 Jun, 2014 - 16:06 0 Views
Kwayedza yakabvira yazvifumura

Kwayedza

kwayedza1NYAYA yemuporofita wechechi yeJohane Masowe weChishanu, wekuBudiriro, uyo pamwe chete nenhengo dzake vakarova mapurisa, vatori venhau nevakuru vesangano reApostolic Christian Council of Zimbabwe (ACCZ) yakagara yamboburitswa neKwayedza.

Gore rapera, bebanhau rino rakabvira radonongodza huipi hwemuchechi iyi asi zvinoita sekunge panguva iyi pakashaya vanotora matanho ekumisa mabasa akaipa aya.

Madzibaba Ishmael Chokurongerwa (45), uyo ava kubuda nezita rekuti Madzibaba Ishmael Mufani, wesowe rinodaidzwa kuti rekuMatangi, kuBudiriro 2, akataurwa naye neKwayedza gore rapera nyaya yake ikabuda mubepanhau remusi waNyamavhuvhu 9 kusvika 15, 2013 nemusoro waiti, “Muporofita okonzeresa”.

Panguva iyi, Madzibaba Ishmael akati chechi yake yaiva yenyika itsva inonzi Canaan, iyo vainge vakamirira kuti vazonogara zvakanaka zvikuru kusina nhamo.

Mharidzo yemuporofita uyu kubva kare inonzi yaikonzera kusagadzikana kwezvinhu pakurarama kwevatendi vake, kunyanya vana nevanhukadzi.

Panguva iyi, mutori wenhau uno akapotsa aitwa kanyama-kanyama nevatendi vechechi iyi vachida kuziva kuti aiva atumwa nani kwavari.

Panguva iyi, muimwezve nyaya yatakaburitsa, vakuru veJohane Masowe weChishanu, vanosanganisira Madzibaba Israel Mohana, Madzibaba Lawrence Katsiru naMadzibaba Edward Manyara, vakabuda pachena kuti Madzibaba Ishmael aiva apanduka.

Kwayedza yakamboburitsa imwezve nyaya yaMadzibaba Ishmael musi waGunyana 27, 2013 nemusoro waiti, “Muporofita akaba chitunha chemwana”, apo mumwe murume aimbova munamati pasowe iri, Madzibaba Peter (44), akati Madzibaba Ishmael nemasadare ake vakaba chitunha chemwana wake aiva nemakore maviri okuberekwa vakanochiviga kwavasingazive kusvika nanhasi uno.

Madzibaba Peter panguva iyi vakanga vave kugara kuSelous kupurazi ravo uye vakati mwana wavo uyu akafa ivo nemudzimai wavo, Rosemary Kachaya (38), pamwe chete nehama dzavo vakarambidzwa kunomuviga apo chitunha chake chakatakurwa naMadzibaba Ishmael nevamwe varume vashoma, ndokuenda nacho kusina anoziva.

Mumwe muporofita wechechi iyi zvakare, wekuEpworth, Madzibaba Chando, akaparadza upenyu hweimwe mhuri iyo akati itengese zvinhu zvose vachigadzirira Canaan itsva akazoguma oita vanasikana vaviri vepo vakadzi vake apo mumwe wavo akatobviswa kumurume achinzi murume wake chaiva chidhoma. Mwanakomana mukuru wepo, akapisiswawo matsamba ake edhigirii reEconomics achinzi zvakan’ora. Iyi yanya yakatsviriridza zvekare muKwayedza.

Nyaya iyoyi iri kumatare edzimhosva apo Chando ari kupomerwa kubata chibharo mudzimai waakaita kuti asiye murume wake uyu.

Vamwe vanotaura vari kuti Madzibaba Ishmael, uyo ari kuvhimwa nemapurisa, akanohwanda kune muporofita anonzi Madzibaba Wishborn wekuChitungwiza. Madzibaba Wishborn, uyo anozviti Madzibaba Chitova kana kuti Madzibaba Chirigazvidya akabuda muKwayedza remusi waNdira 17, 2014 achinzi ainge amitiza vakadzi 13 vepasowe rake.

Mushure mekufumurwa kwemaitiro avo neKwayedza, Madzibaba Chirigazvidya naChando vose vane nyaya dzave kumatare edzimhosva uko vari kupomerwa kubhinya.

Panguva yakabuda nyaya iyi muKwayedza, mutauriri wemapurisa, Chief Spt Paul Nyathi, vakati zvose zvaiitwa nechechi iyi kwaiva kutyora mutemo.

Kwayedza yakabvira yazvifumura!

Share This:

Sponsored Links