Uncategorized

Kwayedza yakanzwa ‘bhata’

04 Jan, 2019 - 00:01 0 Views
Kwayedza yakanzwa ‘bhata’ Kingstone Mapupu

Kwayedza

Kingstone Mapupu
VATORI venhau veKwayedza nemusi weMuvhuro svondo rapera vakasara vasina neremuromo apo motokari yavo yakangoerekana yoramba kumuka kwemaawa matatu mushure mekunge vaenda pamusha peimwe mhuri kuWhitecliffe, muHarare, vachida kunotora nyaya yemuroora wepo uyo anonzi kana shavi rake ramubata, anoruma kamwana kake zvekusara kava nemaronda.Kwayedza yakasvika zvakanaka nemotokari yeToyota Corolla pamusha pemhuri yaVaRodrick Chakavarika (70) apo pane muroora wavo, Magarate Chirwa (20), uyo ari kubvuma kuti anobatwa neshavi rinomuita kuti kana zvake zvamubata, arume mwana wake, murume wake nemuramu.

Munyori uno nemutori wemifananidzo Edward Zvemisha (20) vakaenda pamusha pemhuri iyi apo mutyairi weZimapapers Charles Nyakudya akasara ari mumota.

Edward Zvemisha

Mushure mekupedza hurukuro naChirwa nevemhuri yemurume wake, motokari iyi yakazongotanga kuitawo twayo, ndokuramba kumuka apo vatori venhau vakanga vave kuda kusimuka.

Nyakudya akaedza nepose paaigona kuti amutse motokari iyi asi ichiramba. Kwenguva inodarika maawa matatu, rwendo rweKwayedza rwainge rwarumwa negurwe.

Vamwe varume nemadzimai aidarika nepamba apa vachiona vatori venhau vachinetsana nemotokari yavo, vaingotaura kuti Kwayedza yainge yanzwa “bhata” – yainge yazvionera pamhuno sefodya zvepamusha uyu.

“Tanzwa kuti muri veKwayedza? Manga mavinga here nyaya yepamba apa yevanhu vanogara vachirumana sembwa? Batsirai kana mazvikwanisa asi vakomana muri mubasa, nhasi zvazokuwanai,” anodaro mumwe murume achidarika.

Ipapo mota yairamba kana kudavira moto – yakangoti zii.

VaChakavarika vanova vatezvara vaChirwa vakamboedza kumira-mira pamwe chete nevatori venhau kusvikira vazobva vave kuenda kubasa.

Charles Nyakudya

“Zvino varume todii ini zvangu ndine mamwe mabasa, ndave kuenda munosara muchiona zvekuita,” vanodaro vachisiya vatori venhau vari pamba pavo.

Uyuwo muroora wavo – Chirwa – aitoita seaisemeswa nekuona vatori venhau, kana kumbobvunzawo kuti zvaifamba sei.

Sezvo munzvimbo iyi musina kana kwekutenga kudya, vatori venhau vakanga vabva kubasa vasina kudya uye vakatozotengeserwa maputi nevamwe amai vaifamba vachitengesa.

Vamwe vakataurwa navo vanoti shavi rinonetsa Chirwa ndiro rakasunga motokari yeKwayedza kuti isafambe sezvo richinzi haridi kufumurwa.

Zvisinei, motokari iyi yakazoerekana yomuka izvo zvakashamisa vatori venhau nevamwe vaivepo.

Otaura nezvechiitiko ichi, Madzibaba Matewu Mupfumbati vemuHarare vanoti vanhu vane mashavi akadai seehuroyi vanoita mashiripiti ekukonzera kana kurasika kwevanhu vanenge vachida kuvabatsira.

Share This:

Sponsored Links