Uncategorized

Kwayedza yakarwiswa ‘nevakuru vehondo’

26 Jan, 2018 - 00:01 0 Views
Kwayedza yakarwiswa  ‘nevakuru vehondo’ Vamwe vechikwata chevarume vakada kurwisa vatori venhau veKwayedza vakabata zvombo zvinosanganisira rekeni, mabhemba nenyundo. — Mifananidzo Tariro Kamangira

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
Yakava batai-batai neMuvhuro wadarika pachikoro cheRusununguko Primary School, kuEpworth, muHarare, apo vamwe vabereki vakamuka chibhebhenenge vachida kurwisa vatori venhau veKwayedza vainge vanotora nhau dzekuratidzira kwaiitwa pachikoro ichi.

Kwayedza yakachairwa nhare nevamwe vagari vemunzvimbo iyi ichiziviswa kuti vabereki vane vana vanodzidza pachikoro ichi vairatidzira vachitsutsumwa nemafambisirwo ari kuitwa zvinhu vachipomera mukuru wepo kuti akadya mari yaifanira kubhadharirwa vana veGrade 7 kuti vanyore bvunzo dzegore rapera.

Vana veGrade 7 ava vanonzi vamwe vavo vakatokundikana kunyora bvunzo idzi mushure mekunge mari yavo “yamera makumbo” — ndokusazivikanwa mafambiro ayakaita. Chikoro ichi chinonzi hachina kunyoreswa zviri pamutemo, nekudaro vana vepo vaifanirwa kuzonyora bvunzo dzeGrade 7 pane chimwe chikoro chemunharaunda.

Zvisinei, pakasvika vatori venhau pachikoro ichi, munyori uno nemutori wemifananidzo, Tariro Kamangira, vakaona chitsvuku apo vakangoerekana vakombwa nemazirume ainge akapakatira mabakatwa, nyundo, nduni, mabhemba, matombo nezvidhinha vachida kuvarwisa.

Vamwe vechikwata chevarume vakada kurwisa vatori venhau veKwayedza vakabata zvombo zvinosanganisira rekeni, mabhemba nenyundo. — Mifananidzo Tariro Kamangira

“Masvika sei pano musina kutaura kuti muri vanaani uye muri kudei? Nhasi penyu pakupererai. Shamwari, tora kamera iyoyo uipwanye vari kutora mapikicha eyi vanhu ava?” anodaro mumwe wevarume ava achinongedzera sibanga muhuro maKamangira.

Mutyairi weZimpapers, Charles Nyakudya, uyo ainge akazvigarira mumotokari, akatorwawo ndokunzi anogara paiva nevamwe vake.  Achigwagwadza nekutya kudimburwa misoro sezvainge zvarehwa nevanhu ava, munyori uno akazodemberera kuvarume ava kuti kana vasingade kuti nhuna dzavo dzibude munhau, vanogona zvavo kubvapo vasina kuita basa ravainge vafambira.

Panguva iyi ndipo pavakazodzikama vave kuti vane chido chekuti zvichemo zvavo zviburitswe munhau vachiti pakutanga vainge vafunga kuti vatori venhau vamwe vanhuwo vakange vatumwa kuzovarwisa. Hapana akaziva kuti vanhu ava vainge vaungana sei pachikoro apa vakapakatira zvinokuvadza.

“Chihuyai zvenyu, muri vedu imi. Garai pasi tikupei nyaya yacho yose. Isu tiri vakuru vehondo, tiri vakuru vehondo, haaa tiri vakuru vehondo!” vanodaro varume vachiimba vakabata mabakatwa nezvimwe zvombo zvavo.

Panguva iyi, vatori venhau vakazoenderera mberi nebasa ravo asi vazere nekutya

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>