Lazie Jnr orumbidza Chimombe

05 May, 2017 - 00:05 0 Views
Lazie Jnr orumbidza Chimombe

Kwayedza

Abel Ndooka —
MUIMBI weJazz – Lazarus Manengureni – uyo anonyanya kuzivikanwa saLazie Jnr, anoti vaimbi vari kusimukira saiye vanofanirwa kudzidza kubva kune vane mukurumbira vakaita samushakabvu James Chimombe kana vachida kusvika kure muindasitiri yemimhanzi.

Lazie Jnr, uyo anotungamira chikwata cheOasis Jazz Band, achangobva kubura dambarefu rake rekutanga rinonzi Shupi iro rizere nenziyo dzerudo.

Muimbi uyu anoti anoyemura pamwe nekutsigira mhanzi yaChimombe yeJazz nekudaro anoda kutevera matsimba eshasha iyi.

“James Chimombe ndiye akaita kuti nditange kuimba nekuti ndaiyemura mhanzi yake zvikuru. Ini ndinoda chaizvo kuti vaimbi vakaita saChimombe vasakanganikwe muno uye ibasa redu isu tiri kusimukira kuti tisumudzire misambo yavaiimba,” anodaro Lazie Jnr.

Anoti dambarefu rake idzva – Shupi – rine mhanzi dzerudo pamwe nedzimwe dzinokurudzira vana kuti vakudze vabereki.

“Dambarefu rangu rekutanga rizere nziyo dzerudo nedzinokurudzira kuti sevana tiremekedze vabereki vedu.

“Mumusambo wedu weJazz, vashoma vari kuimba nziyo dzerudo nedzinokurudzira kuremekedza vabereki saka ini ndakatora nzira yakasiyana nevamwe ndokutanga kutsikisa dzerudo,” anodaro Lazie Jnr.

Dambarefu remuchinda uyu rine vhidhiyo iyo iri kunetsa zvikuru parizvino paterevhizheni.

Muimbi uyu anoti anoshuvira kushanda nevamwe vane mukurumbira vakadai saSuluman Chimbetu, Jah Prayzah, Progress Chipfumo naAlick Macheso mukukwenenzvera tarenda rake.

Share This:

Sponsored Links