Uncategorized

Mabasa e$ 5, 3 bn ovambwa

16 Nov, 2018 - 00:11 0 Views
Mabasa e$ 5, 3 bn ovambwa Cde Mutsvangwa (kubva kuruboshwe) vachitaura kuvatori venhau vaina Cde Mupfumira negurukota rezveutano nekurerwa kwevana, Dr Obadiah Moyo, muHarare. —Mufananidzo naInnocent Makawa

Kwayedza

Felex Share

DARE reCabinet nemusi weChipiri svondo rino rakabvumirana nehurongwa hwekuti mabasa kana kuti mapurojekiti 11 ayo anokosha $5,3 bhiriyoni uye aine chekuita nekusimudzira upfumi hwenyika avambwe nekukasika.

Vachitaura kuvatori venhau muHarare, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko nekutepfenyura, Cde Monica Mutsvangwa, vanoti mabasa aya achatanga munguva pfupi iri kutevera.

“Chief Secretary to the President and Cabinet (Dr Misheck Sibanda) vatenderedza gwaro muCabinet rine mabhindauko 11 iro rakapasiswa naPresident kuti basa ringe richitanga nekukasika kuburikidza neOne Stop Investment Service Centre,” vanodaro Cde Mutsvangwa.

“Mapurojekitsi aya anosanganisira mushandirapamwe pakati peVerify Engineering Private Limited neMagcor Consortium Group of Companies ayo ari pamusoro pezvemarasha nekugadzirwa kwefeteraiza achikosha $750 miriyoni, mushandirapamwe zvakare pakati peVerify Engineering Private Limited neMagcor Consortium Group of Companies wekugadzira mishonga yekurapa, gasi rinoshandiswa mumaindasitiri izvo zvinokosha $5,3 miriyoni.”

Vanoti mamwe emabasa akapasiswa anosanganisira reIron and Steel Company of Zimbabwe (Pvt) Ltd rekugadzira zvinhu zvakasiyana pasi pechikamu cheSpecial Economic Zone izvo zvinokosha $1,1 bhiriyoni uye nemushandirapamwe pakati peCold Storage Commission (CSC) neBoustead Beef (Pvt) Ltd muchirongwa chekuchengeta zvipfuyo chinokosha $130 miriyoni.

Cde Mutsvangwa vanoti zvakare Cabinet yakaturirwa mashoko ari pamusoro pekukwira kwemitengo yezvinhu, mamiriro enyaya yemafuta edzimotokari nemishonga yekurapa.

“Cabinet yakaona kuti mamiriro enyaya yekuwanikwa kwezvinhu zvinoshandiswa neveruzhinji mazuva ose ari kuramba achidzikama uye mafuta edzimotokari ave kuwanikwa nyore.

“Zvisinei, mitengo yezvinhu zvinoshandiswa mazuva ose ichakanyanya kukwira.

Mishonga yekurapa ichiri mishoma uye nekuda kwenyaya yekuti vamwe vanotengesa mishonga iyi vemapharmacy vari kuti vanoda mari yekunze, Hurumende iri kushushikana nenyaya iyi zvikuru.” Cde Mutsvangwa vanoti Hurumende icharamba ichiita hurukuro nevanotengesa mishonga yekurapa nechinangwa chekugadzirisa mamiriro ezvinhu aya.

Vanotizve Cabinet yakaita zvakare chisungo chekuti bhanga guru renyika, reReserve Bank of Zimbabwe, riongorore nyaya dzemitengo yezvinhu zvinogadzirwa nemakambani ari kuwana rubatsiro kubva kuRBZ nedonzvo rekuti mitengo iyi inge yakareruka.

Vanowedzera vachiti Cabinet yakawana mashoko kubva kugurukota rinoona nezvenharaunda nekushanyirwa kwenyika, Cde Prisca Mupfumira, avo vachangobva kugungano reWorld Travel Market kuLondon.

Vanoti zvinofadza zvikuru kuti Zimbabwe yakaiswa pachidanho chechitatu pasi rose kuve nyika yakanaka kushanyirwa nevashanyi vekunze uye inotevera Sri Lanka neGermany.

Zvisinei, Cde Mutsvangwa vanoti Cabinet inorwadziwa zvikuru netsaona yemabhazi yakaitika svondo rapera kwaRusape kukafa vanhu 46 vamwe ndokukuvara.

Dare reCabinet rakawirirana kuti panofanirwa kutorwa matanho akasimba ekudzivirira njodzi dzemumigwagwa ayo anosanganisira kuti vatyairi vatevedzere mitemo pakufamba nedzimotokari uye kuti mapurisa anofanira kuwedzera kuva kwavo mumigwagwa.

Share This:

Sponsored Links