Mabasa eSeed Co nevechidiki

06 Apr, 2018 - 00:04 0 Views
Mabasa eSeed Co nevechidiki

Kwayedza

Charles Munyoro
VARIMI tinokuchingamidzai apo tinokurukura nemashandiro ari kuitwa nekambani yenyu yeSeed Co nevechidiki.

Kukadzi mwedzi wekucherechedza vechidiki avo vakabata upenyu hwedu hwamangwana.

Naizvozvo, musiwa 23 Kukadzi kwakava negungano guru papurazi raVaKuda Kudenga riri kuMarondera apo varimi vechidiki (Young Farmers Association) neSeed Co vakaita field day yavo.

Varimi vaivapo vakabva mumapurazi ekuMashonaland East kunove kunabva VaKudenga, Mashonaland Central  neManicaland.

VaKudenga murimi mukuru chaizvo anorima mbeu dzakasiyana-siyana dzeSeed Co kubva kuchibage, soyabhinzi, gorosi, mapfunde, dzemumabindu zvose neshugabhinzi.

Pagungano iri pairatidzirwa hunyanzvi hwechibage Sc 727 chakarimwa ipapo chinodarika ndima inoita mazana maviri emahekita (200ha). Chirimwa ichi chakarimwa zvine hungwaru nekuti chakarimwa nemizera mitatu.

Panguva yaitwa gungano iri, muzera wekutanga wainge watovhurura kare, wava pazera rekupakata vana. Muzera uyu wakarimwa nemvura yemudenga ndokusangana nematambudziko ekushaya mvura mumwedzi waNdira kunopinda munaKukadzi.

Asi nehunyanzvi hwaVaKudenga hwekugona kusarudza mbeu inotivirira kushaika kwemvura uyezve nekugona kurima minda kunochengetedza hunyoro, mbeu iyi yakashingirira zvekuti ichavadzosera.

Panguva imwe chete iyi, muzera wechipiri wainge wotanga kutumbuka. Uyu muzera wakawana mvura yekudiridzira zvekuti mukoho wavachawana unogona kudarika matani gumi rerimwe pahekita izvo zvinoita kuti vagone kukwikwidza muchirongwa cheSeed Co 11 Tonne Plus.

Gore rakapera VaKudenga vakatora chinhanho chechipiri mumakwikwi aya.

Muzera wechitatu wechibage chavo ndiwo wainge wasvika mumabvi uye uchiwana mvura yakawanda iri kunaya zvekuti hakudanwe anonzwa pagohwo.

Marimiro aya ekusiyanisa-siyanisa nguva yekudyara ndiwo anokurudzirwa nekuti murimi anenge asingaise mazai ake mubhasikiti rimwe.

Varimi vechidiki vakawana nguva yekudzidza kubva kuna VaKudenga, veAgritex neveSeed Co uyezve pakusangana kwavo, vaifunda kubva kune mumwe nemumwe wavo.

Zuva rimwe chete raitwa gungano iri, Seed Co yakasangana zvakare nevadzidzi vechidhumeni kuChibero Agricultural College. Vadzidzi vechidhumeni ava ndevechidiki, ruzhinji rwavo rwuri pasi pemakore makumi maviri.

Pakava nemukana wekudzidzisa vechidiki ava mauchikiro nemarimirwo anoitwa soyabhinzi neshugabhinzi. Pakavazve mukana wekuvadzidzisa nezve kunorimwa mando dzakasiyana dzechibage nemapfunde.

Chokupedzisira, vechidiki ava vakadzidziswa nezve digital marketing. Digital marketing ndiko kutenga nekutengesa tichishandisa nzira dzeInternet neSocial Media.

Pakushanada nevemacollege ezvekurima, Seed Co iri kupa maScholarship kune vana vanenge vanyora zvinyorwa zvinokunda zvevamwe pamusoro peSeed Co.

Seed Co yakashandazve nevechidiki mumakoreji ose ezvekurima apo vakaita mitambo yakasiyana kuRio Tinto Agricultural College. Mumazuva iwayo, kwakaitwa makwikwi ekudetemba nezveSeed Co.

Seed Co icharamba ichitsigirana vechidiki.

KUTI SEED CO NDOKUTI MBEU . . . KUTI MBEU NDIKOKUTI SEED CO!

 

l Charles Munyoro murimisi kuSeed Co. Mubatei pa: 0772 243 480

 

Share This:

Sponsored Links