Mabasa odzidzisa ngano pachena

16 Sep, 2016 - 16:09 0 Views

Kwayedza

Malven Mugadzikwa

MUNYORI wemabhuku ane mukurumbira, Ignatius Mabasa, anoti zvakakosha kuti vana vayaruke vachitandadzwa nengano sezvo iyi inzira iri nyore kuvapakurira dzidzo yetsika nemagariro echivanhu.Kubva kutanga kwemwedzi waGunyana uno, Mabasa akazvipira kuitira vechidiki ngano pachena kunzvimbo dzakasiyana muguta reHarare kupera kwesvondo rega-rega.

“Vana vedu vari kurasika zvakanyanya patsika nemagariro nekuti havachina vanovadzidzisa zvakasimba uye nzira dzekuvadzidzisa. Kuti zvose izvi zvidzoke, vanoda kuitirwa ngano idzo dzinoita kuti vazive zvinhu zvavakakura vasingazivi.

“Ngano dzinoita kuti vana vazive zvinhu zvakavapoteredza, zvinosanganisira mazita emhuka ayo anenge achisanganisirwa mungano dzinenge dzichitaurwa idzi. Zvakafanana nemashoko akaita sanatsime, vamwe vana havazivi kuti tsime chii. Asi kuburikidza nengano, vanenge vava kuziva mazita ezvinhu nemhuka,” anodaro Mabasa.

Munyori uyu anoti mazuva ano vana vakawanda havasisina nguva yekuverenga ngano mumabhuku.

Nekune rimwewo divi, vabereki nguva zhinji vanenge vachiita mabasa akasiyana izvo zvinoita kuti vashaye nguva yekutandara nevana vavo.

“Ngano inzira yakanaka uye yakareruka pakudzidzisa nekuvaraidza vana. Dambudziko rava rekuti vana havachawanirwi nguva yekutandadzana nevakuru vachidzidziswa kuburikidza nengano.  Vana vazhinji mazuva ano vava kutorerwa nguva nemafoni vachitamba magemu nezvimwe sekuenda paInternet. Zvose izvi hazvivapi dzidziso ine chekuita netsika nemagariro akanaka.

“Chinangwa chikuru chekugara pasi ndichiita ngano nevana kuitira kuti vakoshese Shona yakanaka nekuitaura zvakanaka,” anodaro Mabasa. Anoenderera mberi achiti: “Zvizhinji mazuva ano zvava kungoitwa nechiRungu saka ndizvo zvatiri kurwisa mumagariro edu.

“Ndakasarudza kutanga chirongwa chengano ichi pachena muna Gunyana sezvo uri iwo mwedzi unotanga zvitsva pachiShona chedu apo chero miti inenge yava kuita pfumvudza. Ndine chishuviro chekuti chirongwa ichi chicharamba chichienderera mberi uye kana kuine vanoda kubatsirana neni kuchiita vanenge vabatsirawo mukudzoreredza tsika nemagariro edu.”

Mabasa anoitawo chirongwa chengano panhepfenyuro yeStar FM musi weChina wega-wega kubva munguva 9:30 kusvika 10:00 mangwanani.

Anoti ane tarisiro yekudhindisa mabhuku engano nekudziisa padandemutande kuitira kuti vechidiki vawane mukana wekudziverenga.

 

Share This:

Sponsored Links