Uncategorized

Mabhazi matsva 500

01 Feb, 2019 - 00:02 0 Views
Mabhazi matsva 500 Prof Ncube (kurudyi) vachitaura nevatori venhau pamusoro wezverwendo rwavo kuDavos zvichitevera musangano weCabinet wakaitwa paMunhumutapa Building, muHarare, nemusi weChipiri chino. Vaive naCde Mutsvangwa (kubva kuruboshwe), gurukota rezveminda, kurima, mvura, mamiriro ekunze nekugariswa kwevanhu patsva, Retired Chief Air Marshal Perrance Shiri neremhando dzemoto Cde Joram Gumbo. — Mufananidzo naKudakwashe Hunda

Kwayedza

Felex Share
NYIKA yeBelarus yazvipira kubatsira Zimbabwe nemabhazi anosvika 500 ekutakura veruzhinji uye danho iri riri kuuya panguva iyo kushanya kwakaitwa nemutungamiriri wenyika President Mnangagwa kuEurasia kwave kutanga kuratidza zvibereko.

Nguva pfupi yadarika, President Mnangagwa vakashanyira Russia, Belarus, Azerbaijan neKazakhastan kwesvondo rose.

Muhurukuro dzakaitwa, mutungamiriri weBelarus President Alexander Lukashenko vakazvipira kubatsira Zimbabwe nemabhazi 500, rinova danho richasimudzira nyika ino zvikuru munyaya dzekutakurwa kweveruzhinji izvo zvinoendererana nezvirongwa zveHurumende zveTransitional Stabilisation Porgramme neVision 2030.

Vachitaura kuvatori venhau mushure memusangano weCabinet nemusi weChipiri chino, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko nenhepfenyuro, Cde Monica Mutsvangwa, vanoti Belarus yakazvipira kusimudzira Zimbabwe kuti igove muzinda mukuru mudunhu reSadc munyaya dzezvekufambisa ichishandisa mari yayo.

“Belarus yakazvipira kubatsira Zimbabwe nemabhazi 500 uye pane mukana wekuwedzera mabhazi aya nekufamba kwenguva,” vanodaro Cde Mutsvangwa. Vanoti Hurumende iri kuziva kuti veruzhinji vari kutambura nekudaro iri mushishi kutora matanho ekugadzirisa mamiriro ezvinhu aya sezvo ichida kuti pave nemabhazi ekutakura vanhu mumadhorobha nekumaruwa.

Vanhu vanoda zvekufambisa mumaguta nemumadhorobha vanonzi vanodarika 1 miriyoni munyika yose. Gurukota rezvehomwe yenyika, Professor Mthuli Ncube, vanoti Hurumende iri pakati pekuzeya nyaya yerubatsiro rwunoda kupihwa kuZimbabwe neBelarus.

“Rubatsiro kubva kuBelarus tiri kuongorora nezvarwo tione kuti tingarutambire sei,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links