Uncategorized

Mabhezari 30 ekuChina

07 Sep, 2018 - 00:09 0 Views

Kwayedza

Munyori weKwayedza kuMasvingo

VADZIDZI 14 avo vanova shasha muchikoro – vakaita rombo rakanaka rekuwaniswa mabhezari ekuti vanodzidza kumayunivhesiti ekuChina vachitsigirwa nesangano rakazvimirira, reRuddson International Consultancy. Vadzidzi ava vachabatana nevamwe 16 kubva kune mamwe matunhu eZimbabwe avowo vachanodzidza kuChina pasi pechirongwa ichi. Ruddson yakapa mabhezari kuvadzidzi 30, vakawanda vacho vari vekuMasvingo.

Vachitaura apo vaionekana nevadzidzi vekuMasvingo, Masvingo Assistant District Administrator, Mai Joyce Chikugu, vakavakurudzira kuti vanoshanda nesimba muzvidzidzo zvavo. Vanoti vadzidzi ava vane zvakawanda zvavachanofunda kuChina uye vanofanira kutanga makambani avo pavanodzoka.

“Tinokurudzira vechidiki vedu kuti vaende, vanowana ruzivo rwakadzama, vozouya narwo kumusha vachivhura makambani pamwe nekupinza vamwe mabasa,” vanodaro.

“Nekudaro, tinoda kuti vechidiki vedu vaende kuChina vanowana ruzivo rwunosimudzira budiriro yenyika kuitira kuti upfumi hubudirire pakati pedzimwe nyika dzepasi rose.”

Director wesangano reRuddson, Mai Sarah Runovuya, vanokurudzira vadzidzi ava kuti vagozodzoka kumusha kuzoshandira budiriro yenyika kana vapedza fundo yavo.

“Chinangwa chikuru cheRuddson International Consultancy kuumba boka idzva revanhu vemuZimbabwe vakazvipira kusimudzira nyika yavo,” vanodaro.

Sangano reRuddson rakavambwa naVaTapiwa Runovuya, avo vakambodzidza kuChina.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey