Mabhezari 70 ekunodzidza kuRussia

02 Mar, 2018 - 00:03 0 Views
Mabhezari 70  ekunodzidza kuRussia Dr Mushowe

Kwayedza

BOKA reRussian Federation riri kupa mabhezari anosvika 70 kuvadzidzi vemuZimbabwe vanoda kuenda kunyika yeRussia kunoita zvidzidzo zvakasiyana.

Izvi zvakaziviswa svondo rapera negurukota rinoona nezvemabhezari eHurumende richishandira mumahofisi emutungamiriri wenyika nedare reCabinet, Dr Christopher Mushowe, mushure mekuonana nemumiririri weRussia muZimbabwe, Ambassador Sergey Bakharev, muguta reHarare.

Dr Mushowe vanotenda Russia nedanho iri uye vari kukurudzira vadzidzi kuti vatore mukana wekunofunda kunyika iyi uyu.

“Ndinofara kugoverana nenyika kuti Russian Federation iri kupa mabhezari 70 kune vanoda kunodzidza kuRussia gore rino,” vanodaro. Ambassador vataura kwandiri kuti huwandu hwevadzidzi ava hunogona kuwedzera gore rinouya. Ini ndavaudzawo kuti mukati memazuva 100 akatarwa, kunze kwekutumira vadzidzi kunofunda kunze kwenyika, tinoda kutumirawo nyanzvi dzemabasa kuti dzinovandudza ruzivo rwadzo muzvidzidzo zvinosanganisira zvirwere zvakasiyana,” vanodaro Dr Mushowe. Vanoti Hurumende yakatara musi waKukadzi 28 sezuva rekupedzisira iro vanenge vachida kuenda kunodzidza kuRussia vanokwanisa kunge vanyorera vachitsvaga nzvimbo.

Ambassador Bakharev vanonzi vari kuita hurukuro neHurumende yavo yeRussia nechinangwa chekuti mazuva ekutsvaga nzvimbo aya awedzerwe kuitira kupa mukana vadzidzi vemuZimbabwe vari kumaruwa.

Dr Mushowe vanoti Hurumende inoda kuti kusarudzwa kwevadzidzi vanoda kuenda kuRussia kuitwe nenzira dzakajeka.

Mabhezari ose eHurumende, vanodaro Dr Mushowe, iye zvino ave kufambiswa kubva muhofisi yemutungamiriri wenyika kuburikidza nebazi ravo.

Vanoti izvi zvinosanganisira mabhezari akadai seezvidzidzo zvezvicherwa, zvekurima pamwe neayo aimbove pasi pebazi redzidzo yepamusoro.

Zvakadai, Ambassador Bakharev vanoti vanofara nekudyidzana kwakasimba kuripo pakati peZimbabwe neRussia.

“Ndinoyemura kushanda pamwe chete kwatiri kuita neZimbabwe. Ndinoyemurawo vadzidzi vemuZimbabwe vanoenda kunodzidza kuRussia. Vane dzidzo yemhando yepamusoro. Hukama huri pakati pedu hucharamba huchisimba,” vanodaro.

Ambassador Bakharev vanoti zviri kuZimbabwe kuti isarudze zvidzidzo zvainoda kuti vadzidzi vayo vanoita kuRussia. – The Herald.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>