Mabhezari ekunodzidza kunze opihwa

26 Jan, 2018 - 00:01 0 Views
Mabhezari ekunodzidza kunze opihwa Dr Mushowe

Kwayedza

Abigail Mawonde
Hurumende iri kukoka vadzidzi vanoda kuita zvidzidzo zvakasiyana zvinosanganisira madhigirii ePost Graduate nePhD pasi pechirongwa chePresidential Scholarships Programme 2018-19 kuti vanyorere vachitsvaga nzvimbo.

Mashoko aya akaziviswa svondo rapera negurukota rinoona nezvemabhezari eHurumende richishandira mumahofisi emutungamiriri wenyika, Dr Christopher Mushohwe. Mabhezari aya ari kupihwa pasi pechirongwa cheAfrica Scholarship Scheme neveIndian Council for Cultural Relations (ICCR).

“Indian Council for Cultural Relations (ICCR) iri kupa mabhezari kuZimbabwe pasi pechirongwa cheAfrica Scholarship Scheme mumakore anoti 2018-2019,” vanodaro Dr Mushowe.

Mabhezari aya ndeemadhigirii anoti Graduate, Post Graduate nePhD. Zvisinei, haasanganisire zvidzidzo zvekurapa nezvemucheno (fashion). Dr Mushowe vanoti vanoda kuita zvidzidzo izvi vanonyorera kudandemutande rinoti http://a2ascholarships.iccr.gov.in uko vanosungirwa kuendesa tsamba dzavo dzekutsvaga nzvimbo.

Tsamba dzekutsvaga nzvimbo idzi dzinofanirwa kunge dzanyorwa uye dzatumirwa musi wa10 Kukadzi, 2018 usati wadarika. Dr Mushohwe vanoti zvinodiwa kuti mudzidzi ange achinyorera pakutsvaga nzvimbo idzi zvinowanikwa padandemutande zvakare.

Vanotizve mabhezari aya anosanganisira mari yekuti mudzidzi akwanise kurarama, mari yerendi, mari yekukwira ndege nechitima apo mudzidzi enenge achienda kwaanozodzidza kunyika yeIndia. Dr Mushohwe vanokurudzira vadzidzi vanoda kupinda muchirongwa ichi kuti vaite tsvakurudzo izere pamusoro pezvinodiwa nemayunivhesiti ari kupa mabhezari aya.

“Vadzidzi ava vanokwanisa kuwana zvakawanda zvinodiwa nemayunivhesiti kubva kumabhuku anotaura nezvemayunivhesiti acho (Universities Handbook) kana padandemutande reUniversities Grants Commission’s rinoti www.ugc.ac.in, http://www.ugc.ac.in,” vanodaro Dr Mushowe.

Vanoti vadzidzi vanoda kuita zvidzidzo zveBachelor of Engineering (B.E) neBachelor of Technology (B.Tech) vanofanirwa kunge vakapasa Physics, Chemistry neMathematics paA-Level, sezvinodiwa pazvidzidzo zvose zveEngineering.

“Vanenge vachiita zvidzidzo zveSainzi vanotarisirwa kuti vabvise mari yemishonga nezvinoshandiswa mumalaboratory,” vanodaro.

“Vanenge vabudirira kunoita zvidzidzo izvi vanotarisirwa kunge vachigara mumahositeri emayuvhesiti aya, saka pakutsvaga nzvimbo vadzidzi vanofanira kuona kuti kwavanoda kuenda kunodzidza kune mahositeri ekuzogara.”

Dr Mushohwe vanozivisawo nezvemabhezari ari kupihwa neVlir-ous iri kuFlanders, kunyika yeBelgium. Mabhezari aya ndeanoti Master of Human Settlements, Master of Development Evaluation and Management, Master of Globalisation and Development, Master of Science in Food Technology, Master of Aquaculture (IMAQUA), Master of Cultures and Development Studies, Master of Epidemiology, Master of Agro-and-Environmental Nematology neMaster of Rural Development.

Zvimwe zvidzidzo ndezvinoti Master of Statistics, Master of Water Resources Engineering, Master of Sustainable Territorial Development, Master of Transportation Sciences, Master of Science in Marine and Lacustrine Science, Management (Oceans and Lakes) neSustainable Development and Human Rights Law (SUSTLAW).

Dr Mushohwe vanoti vose vanoda kutsvaga nzvimbo dzekuita zvidzidzo izvi vanonyorera padandemutande rinoti www.vliruos.be/scholarships, http://www.vliruos.be/scholarships.

Vanokwanisawo kunyorera kuna programme officer wechirongwa ichi, Ragna Frans, padandemutande rinoti: [email protected] kana kuti [email protected]

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>