Uncategorized

Mabhinya: ‘Hapana zvinobatika zviripo’

30 Mar, 2018 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Malven Mugadzikwa naKumbirai Bakuri
MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) anoti haasati awana chokwadi chaicho chiri pamusoro pemashoko ari kutenderera — kunyanya padandemutande – achiti kune mabhinya ari kubata nekuchekeresa vanhu kune dzimwe nzvimbo dzenyika.

Izvi zvinotevera mashoko ari kutenderera achiti kune mabhinya arura nekubata nekuuraya vanhu kune mamwe matunhu eZimbabwe. Muhurukuro neKwayedza, mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland West Province, Inspector Clemence Mabgweazara, vanoti nyaya yemabhinya vari kungoinzwa ichitaurwa asi hapana zvinobatika zvavati vave nazvo.

“Nyaya iyi tiri kuinzwa ichingotaurika asi hapana patakambobata mabhinya aya kana nyaya yatinayo inobatika maererano nezvemabhinya. Semapurisa, hatisi kuramba kuti hakuna mabhinya kana kubvuma kuti ariko, asi tiri kuti veruzhinji vagare vakangwarira uye kutaura kumapurisa kana paine kwavanzwa kuri kuwanikwa mabhinya.

“Tine vamwe vakambouya vachiti vakanga vaona mabhinya kurwizi Mupfure asi mapurisa edu paakaenda ikoko – nemotokari vamwe netsoka – vachiongorora, vakaona painzi mabhinya anga ari iri nzvimbo yanga yakagarwa nemakorokoza vanochera goridhe. Izvi vakazviona kuburikidza nezvavakasiya izvo zvavaishandisa kucheresa nezvimwe zvinoshandiswa pakuchera goridhe,” vanodaro Insp Mabgweazara.

Zvichakadai, Mambo Nyamweda vekuMhondoro, VaClaudious Mandaza, vanoti zvakakosha kuti veruzhinji vaone kuti vana vakachengetedzeka pose pavari zvichitevera mashoko ekuti kune mabhinya ari kufamba.

“Mwana wose anoda kuchengetedzwa. Kune shoko ratekeshera nenyika yose rekuti mabhinya ari kufamba achiuraya vanhu. Iyi ichenjedzo kune vanhu vane vana uye vane vana vari kuenda kuzvikoro. Ibasa rako semubereki, kuona kuti mwana akachengetedzeka here pakuenda nekudzoka kuchikoro.

“Pamusoro pezvo, onaiwo kuti pavari kutamba havasi kuenda kunzvimbo dzekuti vangazobatwa nemabhinya here ari kungotaurwa aya,” vanodaro Mambo Nyamweda.

Vanoenderera mberi vachiti: “Pari zvino hatina kwatakanzwa kuti kune munhu akabatwa kana kuuraiwa munzvimbo yedu. Tiri kungopa veruzhinji chenjedzo yekuti kana vakaona vanhu vavasinganzwisise mafambiro avo munzvimbo dzavagere, vakasire kuzivisa mapurisa kana kubvunzurudza kuti vakamira sei.”

Share This:

Sponsored Links