Mabhonzo enguruve

04 Jan, 2019 - 00:01 0 Views
Mabhonzo enguruve Mabhonzo enguruve

Kwayedza

ZVIRI MUGAPU NAMUCHANETA CHIMUKA

NYAMA yemabhonzo enguruve inonaka zvikuru kana ikabikwa nemazvo.Svondo rino Amanda Shereni wekuGoromonzi anotitsanangudza mamwe mabikirwo enyama iyi.

Zvinodiwa:

Chikari, poto kana pani, mugoti kana chipunu, banga, mabhonzo enguruve ane nyama, hanyanisi, matomatisi, munyu, mafuta nemvura.

Mabikiro:

Gadza chikari, poto kana pani pamoto woisa mafuta mashoma.

Kana apisa, isa nyama imomo, woramba uchikanga kwemaminitsi gumi nemashanu kusvikira yatsvukira.

Isa matomatisi nehanyanisi, woramba uchikanga kwemaminitsi makumi maviri.

Chiisa mvura komichi imwe chete.

Isa munyu wokwidibira zvombokwata kwemaminitsi makumi matatu uchipindura pindura.

Raidza wobura. Munogona kudya nyama yemabhonzo enguruve nesadza kana mupunga.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey