Mabhuku matsva eMass Displays

06 Oct, 2017 - 00:10 0 Views
Mabhuku matsva eMass Displays

Kwayedza

BUMBIRO idzva redzidzo remuZimbabwe (New Curriculum) rine zvidzidzo zvakasiyana-siyana zvinofanira kuitwa nevana kubva padanho rekutanga redzidzo.

Danho rekutanga ratiinaro ndiro reECD A.

Pazvidzidzo zviri mubumbiro idzva pane chidzidzo cheMass Displays. Chidzidzo ichi chitsva, nokudaro ndekekutanga kuti vanhu vazhinji vanzwe ne- zvacho.

Nedonzvo rekutsigira dzidzo muZimbabwe, College Press Publishers yakaona zvakakodzera kuti itsikise mabhuku eVentures Primary Mass Displays ECD A ayo anobatsira vana nevadzidzisi.

Pane mabhuku maviri evadzidzi nebhuku rimwe remudzidzisi. Bhuku revana rekutanga nderekuverenga (Ventures Primary Mass Displays ECD A Learners’ Book). Bhuku iri rine mifananidzo yakajeka yekuti vana vaverenge pamusoro pezvidzidzwa zvavo.

Pachidzidzwa chega-chega, pane tsananguro inopuwa mudzidzisi yekuti vana vaverenge kubva pamufananidzo.

Bhuku rezviitwa (Ventures Primary Mass Displays ECD A Workbook) rinopa vana basa rekuita, zvikurusei basa rekunyora. Pazera revana veECD A, vana havatarisirwi kuti vange vogona kunyora kana kuverenga sezvingaitwa nevanhu vakuru.

Nokudaro zvekunyora zvavanonyanyoita kutara mifananidzo, kunyora vachipedzisa mifananidzo yakapuhwa uye kukwanisa kuvhura mabhuku nekuabata zvakanaka.

Basa rose iri ririmo mumabhuku maviri evana eCollege Press aya.

Bhuku romudzidzisi (Ventures Primary Mass Displays ECD A Facilitator’s Guide) rinopa vadzidzisi hurongwa hwebasa ringaitwa nevana pachidzidzo choga-choga uye pamavhiki ose emutemu imwe neimwe.

Mubumbiro munotarisirwa kuti vana vaite misoro (topics) inosanganisira gymnastics iyo ine chekuita nezvekusimbisa muviri, arena choreography ine chekuita nezvekutamba nekufambirana nemimhanzi, music zvine chekuita nezvekuridza mimhanzi yakakodzera uye art ine chekuita nezvekutara mifananidzo inofambirana nezvimwewo zvinenge zvichidzidzwa kana kuti zvinodiwa nevadzidzisi.

Zvidzidzo zvose izvi zvakanyatsorongwa nemazvo mumabhuku eVentures Primary Mass Displays ECD A aya kuti zvibatsire pakudzidza nekudzidzisa chidzidzo ichi pagwaro reECD A.

Mabhuku eVentures Primary Mass Displays ECD A akarongwa kuti abatsire vana kuti vawane unyanzvi hwekushanda nevamwe seboka, hwekugwinya kwemuviri, kurodza pfungwa, kuzviratidza zvavanofarira kuita uye kuyemura tsika neunhu hwevanhu vemuZimbabwe.

Mabhuku aya ndiwo ekutanga pahwaro hweECD. Munguva diki inotevera mabhuku eVentures Primary ECD B anenge ave kuwanikwa kuCollege Press Pub- lishers.

Mabhuku eVentures Primary Mass Dispalys ECD A akanyorwa naVaP. Shadrick naS. Kugara.

Share This:

Sponsored Links