Uncategorized

mabhurugwa evanhukadzi ‘omera makumbo’

10 Aug, 2018 - 00:08 0 Views
mabhurugwa  evanhukadzi ‘omera makumbo’

Kwayedza

Rukisheni rwose . . .

Kingstone Mapupu
VANHUKADZI vane chitsama vemurukisheni rweUnit N Extension, kuChitungwiza, vanoti vari kushaya zvipfeko zvavo zvemukati izvo vanozoona zvakaunganidzwa pamwe chete uye zvakaposhongedzwa tsvina yevanhu, ropa nezvinenge mbeu yechirume.

Chiitiko ichi chasiya vanhukadzi vakawanda vemumusha uyu vazere nekutya uye zvinofungidzirwa kuti izvi zvine chekuita nemabasa ekushandisirana mishonga yakaipa.

Vamwe vari kusangana nedambudziko iri vanoti vatosara vasisina zvipfeko zvemukati sezvo zvapera kutsakatika, pamwe pacho zvakayanikwa.

Dambudziko iri rinonzi riri kusangana nevakadzi vakaroorwa zvose nevasikana.

Precious Mhlanga

Mumwe vevari kushaya mabhurugwa avo, Precious Mhlanga (20), anoti arasikirwa nezvipfeko izvi zvina. Anotiwo mumwe waanogara naye, Yolanda Muhlanga, ashaya ake mashanu.

“Hatizive kuti ndiyani ari kuita izvi, mabhurugwa edu apera kubiwa. Seni, ndaive neakawanda asi atopera.

“Patakazozviona, ndainge ndatorerwa mamwe nechekare. Pamabhurugwa angu aya, rimwe chete bedzi ndiro rakadzoswa, mamwe matatu ndokuenda zvachose.

“Muno bedzi, vanhukadzi vari kuti vashaya zvipfeko zvavo vanodarika 30,” anodaro.

Anoti bhurugwa rake rimwe chete neevamwe ainorika 12 vakazoaona akaitwa mhurwi mune imwe imba iri kuvakwa isingagarwe akaiswa tsvina yevanhu, ropa nezvimwe zvinoita sembeu yechirume. Ose anonzi ainge akanyorova.

“Mabhurugwa aya akatorwa akanopiswa nemamwe madzimai sezvo pasina akabvuma kuenda nawo kumba,” anodaro Mhlanga.

Anofungira kuti vari kuita izvi hadzisi mbavha, asi kuti vanhu vanoita zvemishonga yekuromba.

“Mabhurugwa ari kuzorwa tsvina pakati pawo, ukaashaya akachena unoawana ava netsvina ose,” anodaro.

Mabhuru aive akayanikwa ayo mamwe acho anonzi anozongotsakatika. – Mifananidzo naTariro Kamangira.

Musi wasvika Kwayedza munzvimbo iyi, yakaona bhurugwa rimwe chete rinonzi rakange rambotsakatika iro raiva risati rawana muridzi.

Mai Elinah Muchenje (26) vanoti vakashaya mabhurugwa avo maviri, rimwe chete rikazowanikwa rakazorwa tsvina yemunhu.

“Ndakashaya angu maviri ndiine pamuviri, rimwe chete rikazodzoka riine tsvina uye riri pakati pemamwe akawanda. Ndakazoita dambudziko pakusununguka uye handizive kuti zviri kumbofamba sei,” vanodaro.

Mudzimai uyu ane kasvava kachangobva kusunungukwa uye anoti vanoda kubatsirwa padambudziko rekutsakatika kwezvipfeko zvavo izvi nekuti havazive kuti nyaya iyi ichaguma nekudii.

Fiona Chikuvanyanga (29) anoti akashayawo mabhurugwa ake maviri.

“Ndakashaya angu maviri andinoziva, asi kare ndakamboita nguva ndichingoshaya mamwe ndichingoti pane paari. Ndakamboita dambudziko rekutadza kutevera kwemwedzi mitatu. Isu vamwe tinodawo kuzoroorwa nekuita vana, saka izvi zvinogona kutikanganisa,” anodaro.

Bhurugwa rinonzi rakange ratsakatika rikazowanikwa riine tsvina

Anoti zviri pachena kuti nyaya yekutsakatika kwemabhurugwa avo ine chekuita nekushandiswa kwemishonga yakaipa.

“Tine mumwe watinogara naye anonzi Valentine uyo akashaya rake rimwe chete rikazowanikwa riine ropa netsvina uye richinhuwa zvikuru. Akawanda madzimai murukisheni muno vari kushaya avo uye tinavo vasisina kana rekupfeka chairo nekuda kwedambudziko iri. Kungoti vamwe vacho vanonyara kubuda pachena,” anodaro. Chikuvanyanga anoti chiri kuvashamisa ndechekuti mabhurugwa anodzoswa aya anenge atsemurwa mamwe mativi.

Mai Sithembikile Mavhuro (43) vanotiwo vari kushushikana nekushaikwa kuri kuitwa zvipfeko izvi.

“Tinoti mabhurugwa aya ari kutorwa nemasaramusi nekuti hapana patinobva tose pamba kana tawacha asi tinongoashaya bedzi. Apa mbatya dzinodhura dzinosiiwa . . .” vanodaro.

VaTendai Manyika (51) vanoti vave kutyira madzimai avo nekuda kwenyaya dzakadai nekudaro vanoda kuti vabatsirwe nemaporofita kana nen’anga.

“Dambudziko iri richaguma ranharira kwatiri varume. Ndiyani anoshereketa kudai?” vanodaro.

Kuchiti Mai Agnes Kuipa (26) vanoti nyaya iyi inotyisa.

“Kuno kwaipa. Tinogona kuitwa ngomwa nevanhu ava kana kuitwa madzimai ezvikwambo,” vanodaro.

VaIshmael Muteswa (58) vanotiwo vane fungidziro yekuti pane vari kushereketa vachishandisa zvipfeko izvi.

“Mishonga yekupfuma iyi, tinoda kuti tibatane sevanhu vemuno titsvage kuti chiiko chapinda mumusha. Madzimai edu achagumisira ave kushinhwa nawo nezvikwambo,” vanodaro.

Mai Nobuhle Nyahuma (30) vanoti nyaya iyi ichakonzera kuti vamwe vanhu vatye kunogara mumusha uyu, kunyanya vanoroja.

“Maroja achatiza muno kuchisara varidzi vedzimba chete nekuti zvave kutyisa. Mapipi chaiwo aya, zvinoda kuti tibatsirwe nevemachechi,” vanodaro.

Votaura pamusoro penyaya iyi, imwe nyanzvi yezvechivanhu, Mbuya Madyira kana kuti Florence Mushipe, vekuChitungwiza vanoti madzimai nevasikana vari kushaya zvipfeko zvavo ava vanofanirwa kubatsirwa nekukurumidza.

“Hapana kuchena apa, madzimai aya anoda kubatsirwa,” vanodaro.

Zvichakadai, nyaya yakadai yakamboitika kwaMambo Njelele, kuGokwe, uko madzimai 27 vakafuma vasina kupfeka mbatya dzavo dzemukati idzo dzakazowanikwa dzakaunganidzwa musango.

KwaMurehwa zvakare, mamwe madzimai akamboshayawo zvipfeko zvavo izvo zvakazowanikwa zviri mudondo.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey