Machipisi ane soseji

06 Apr, 2018 - 00:04 0 Views
Machipisi ane soseji Machipisi nesoseji

Kwayedza

MACHIPISI ane soseji anonaka zvikuru kana achinge abikwa zvine unyanzvi uye kudya kwemazera ose.

Svondo rino Rumbidzai Moyo wekuBikita, kuMazvingo, anotsanangudza mamwe mabikirwo emachipisi ane soseji.

Zvinodiwa:

Mbatatisi, matomatisi, hanyanisi, soseji, munyu, mafuta, chip spice.

Mabikiro:

Menya mbatatisi wodzigeza. Dzicheke-cheke muzvidimbu zvidiki wodzipukuta kubvisa mvura.

Isa mafuta akati wandei mupoto wosiya achipisa wozokanda mbatatisi imomo.

Kana machipisi aibva, anoonekwa nekutsvukirira.

Machipisi anofanira kubviswa mupoto achiri kupisa kuitira kuti asanwe mafuta.

Chitora soseji uri kange asi uchicheka-cheka kuti riibve zvose nemukati.

Wozodii?

Gadzira salad yematomatisi, magaka nehanyanisi parutivi.

Mwaya chip spice pamachipisi wobva wazoabura. Kana wadai, chibura unakirwe nemhuri!

Usakanganwe kuisa mvura yekunwa parutivi kana chimwe chinwiwa chaunoda kuitira kuti zviendeke.

. Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281

Share This:

Sponsored Links