Madhigirii ezou anoita: Gandawa

18 Sep, 2014 - 00:09 0 Views

Kwayedza

MUTEVEDZERI wegurukota redzidzo yepamusoro, sainzi nekusimudzirwa kwemichina, Dr Godfrey Gandawa, vanoti madhigiri ose anodzidziswa kuburikidza neZimbabwe Open University anocherechedzwa nebazi ravo uye vadzidzi vanenge vapedza zvidzidzo payunivhesiti iyi vane mukana wekuwaniswa mabasa sevamwe.
Dr Gandawa vakataura mashoko aya nguva pfupi yadarika mudare reSenate apo vaipindua mubvunzo wemumiriri weMasvingo mudare iri, Senator Shuvai Mahofa.

Sen Mahofa vaida kuziva mamiriro ezvinhu pamusoro pemadhigiri anopihwa neZOU vachiti nyaya iyi yakambokurukurwa mudare iri asi yairamba ichidzoka zvakare.

“Ndinoda kuziva kuti vadzidzi vanenge vapedza zvidzidzo zvavo neZimbabwe Open University vari kuwaniswa mabasa here? Madhigiri avo anocherechedzwa here?” vakadaro.

Dr Gandawa vakati madhigiri ose eZOU ave kucherechedzwa uye vadzidzi vanenge vapedza zvidzidzo neyunivhesiti iyi vari kuwaniswa mabasa pasina matambudziko.

“Zvimhingamipinyi zvange zvichisanganikwa nazvo zvakagadziriswa. Nekudaro, vose vakapedza zvidzidzo vanokwanisa kuwaniswa mabasa. Pakange paita kusanzwisisana asi takazvigadzirisa.

“Ndinoda kuvimbisa vose vanopedza dzidzo yavo neZOU neavo vachazodzidza payunivhesiti iyi kuti vanocherechedzwa nekuti chikoro cheHurumende,” vakadaro.

 

Share This:

Sponsored Links