MADIMIKIRA NASEKURU MAN’ORO

21 Jun, 2014 - 18:06 0 Views

Kwayedza

MUUPENYU tinogarosangana nekudzidza (learning cave). Ndokusaka vakuru vachiti kudzidza hakuperi. Vazukuru muzvikoro, ndati ndimbotokonya urozvi hwenyu nekukupai madimikira asingajairiki asi mochitsvaga zvaanorevakuburikidza nekushandisa zvamunoziva (from known to unknown).

Zvikanzi, “Imbwa ine hona haihukuri” imbwa iyo yamirira munhu uye hona chinhu chaunacho asi imbwa ine hona mumuromo ikangoda kuhukura hona inodonha pasi.  Saka kuhukura kupukunyutsa chawakabata.  Dudziro yobuda ichiti kana uine chaunoda unotochinyengerera. Pangava pabasa, kunyangwe ukatukwa ukasunamiswa iwe nyarara nokiti kunyarara kunokunda zvose, zvako zvichitoita.

Heino mimwe muenzaniso:
1.    Nhasi panokamwe imbwa – kuitika kwezvinhu zvakaipa, zvichida kupengerana zvisati zvakamboitika.
2.    Totopfeka magirovhosi ndeevetsvina – pacharwiwa zvakaipa.
3.    Mazuva ano wave ngoda – hauchaonekwi nyore (ngoda chicherwa chinokosheswa).
4.    Rudo rwakapwa – kupera kwerudo (chinopwa imvura yemutsime kana mudziva).
5.    Satani akamugara matunduru – ane kuita kwakaipa (satani imharadzi).
6.    Zimunzwa mundove – anotambudza vanhu asi asingabudi pachena.
7.    Kubvutirwa chingwa pamuromo – kutorerwa chinhu chawange unacho.

Share This:

Sponsored Links