MADIMIKIRA NASEKURU MAN’ORO

26 Jun, 2014 - 16:06 0 Views

Kwayedza

RWENDO rwuno tati timbobata nezvekudyidzana kwemadimikira nezvipauro. Chipauro ndiro shoko rinotsanangura mamiriro chaiwo echinhu. Tikatora dimikira rokuti, “Ruwoko  rurefu” zvinodudzira munhu anoba.
Shoko rekuti, “rurefu”, chipauro nokuti rinotsanangura mamiriro eruwoko.
Ngatingwarirewo sungavirirano yemazwi nezvipauro zvacho. Zvino chiedzaiwo kurodza dzenyu pfungwa nekunyurura zvipauro zviri mumadimikira ari pazasi pamwe nokuadudzira. Pabasa rekumberi kwemberi vadzidzisi mungaedza kupatsanura mhando dzezvipauro muchiti chipauro cheruvara, chemamiriro kana chedudziramuiti.

1.    Kuva mutete – haungaukwanise mutoro.
2.    Kudya zvavapfupi nekureba – kuwana zvaunoda nokudzvinyirira vamwe.
3.    Kuva nemoyochena – moyo wakanaka.
4.    Musha mutema – mumusha uchangobva kufa munhu.
5.    Kuva usiku utema – kupusa.
6.    Kuudzwa makobvu namatete – kutukirirwa zvinorwadza.
7.    Kuchekwa nerakagomara – kurwadziswa.
8.    Mutambo watsvuka ropa – zvinhu zvaipa.
9.    Kutanda botso – kutambudzwa nemweya waamai vakafa vaine chigumbu.
10.    Muroora wekuzvara manyatatu (triplets) – wokuzvara vana vatatu nguva imwe.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey