Madzibaba akabata kasikana chibharo

17 Nov, 2017 - 00:11 0 Views

Kwayedza

Muchaneta Chimuka —
MUPOROFITA wekuChitungwiza svondo rapera akamiswa mudare reko akatarisana nemhosva yekubata chibharo kamwana kechikoro kane makore 15 okuberekwa panguva iyo “aikanamatira”.

Mutongi wedare reChitungwiza Magistrate’s Courts Blessing Murwisi akati Samson Kofi (30) — uyo anozivikanwa nezita rekuti Madzibaba Groshby, wepanhamba 2747 Unit C — adzoke kudare apo kutongwa kwenyaya iyi kuri kuenderera mberi.

Muporofita uyu ari kutongwa achibva muchizarira.

Muchuchisi Norman Koropi akaudza dare kuti nomusi wa1 Mbudzi munguva dzemanheru, kasikana aka kaive pasowe raMadzibaba Groshby pamwe nevamwe vanamati.

Mumwe wevanamati ava, Christine Hungwa, anonzi akabva akumbira kasikana aka kuti kamuperekedze kurwizi rwaNyatsime kuti vanoita mhiko dzeminamato dzainge dzarehwa nemuporofita uyu.

Mushure mekuita mhiko, vanonzi vakabva vaenda kumba kwaHungwa kunoita mimwe minamato yavainge vaudzwa naMadzibaba Groshby.

Madzibaba Groshby anonzi akazotevera kumba uku akanonamata kwekanguva kadiki achibva audza Hungwa nemumwe murume aivepo kuti vadzokere kurwizi rwaNyatsime kunotora tsanga dzeminamato. Pavakaenda, Madzibaba Groshby anonzi ndipo paakasara nemwana uyu muimba yainge isina chiyedza.

Anonzi akamuudza kuti avhare musuwo izvo akaita uye mushure mazvo ndokuti aswedere paaive ari pamwe nekubata jira rake raive neruvara rwemeroon – izvo mwana uyu akaita.

Muchuchisi Koropi anoti Madzibaba Groshby anonzi akaudza mwana uyu kuti amutambidze rimwe jira rake jena uye pakutambira jira iri akabva ashandisa chisimba mukumusunda achibva adonha negotsi.

Ndipo paanonzi akamupfumbira muromo neruwoko rwake ndokumubhinya kamwe chete pasina kushandisa dziviriro.

Mwana uyu anonzi akaridza mhere asi hapana amakunzwa sezvo Madzibaba Groshby akaramba akamuvhara muromo uye aimutyisidzira nerufu. Mushure mezvo, Madzibaba Groshby anonzi akabva atiza.

Mwana uyu anonzi akazonotaurira muvakidzani wepamusha paakabatirwa chibharo, uyo akamubatsira kunomhan’ara nyaya iyi kumapurisa.

Magwaro ekwachiremba akavheneka mwana uyu anoratidza kuti akabatwa chibharo.

Pamusoro pezvo, mwana uyu akakuvara chigunwe chekutsoka apo aiedza kutiza muporofita uyu.

Madzibaba Groshby ari kuramba mhosva yaari kupomerwa iyi.

“Mhosva yandiri kupomerwa ndinoiramba. Ndakangotora foni yangu ndokutiza,” anodaro.

Madzibaba Groshby ari kutongwa neimwe mhosva mudare iri yekunyepera kuva mupurisa uye kubira mufakazi ari munyaya yechibharo iyi — Hungwa — nharembozha yake.

Muporofita uyu anonzi mushure mekuba nharembozha iyi, akaishandisa mukubira vanhu mari dzavo nenzira yehutsotsi achiti vamutumire mari paEcoCash.

Share This:

Sponsored Links