Madzibaba ishmael: zvose bvu-u -Ane ronda risingapore -Chitupa anacho (63-938774R47) -Anobva kwaMurehwa

13 Jun, 2014 - 00:06 0 Views
Madzibaba ishmael: zvose bvu-u -Ane ronda risingapore -Chitupa anacho (63-938774R47) -Anobva kwaMurehwa LEONARD Chokurongerwa

Kwayedza

LEONARD Chokurongerwa

LEONARD Chokurongerwa

SEZVAKABVIRA zviburitswa neKwayedza svondo rapera, Madzibaba Ishmael – muporofita weJohane Masowe weChishanu – ari kunyeba zita rake zvose nekwaanobva. Madzibaba Ishmael, uyo nevamwe vake vakarova mapurisa nevatori venhau svondo rapera pamberi, ari kubuda munhau saIshmael Mufani uye achinzi anobva kuHwedza. Mamwe mashoko anomboti anobva kuMhondoro asi chokwadi chose chazobuda pachena apo muporofita uyu ari kuhwanda kusungwa.

Zita rake chairo ndiISHMAEL CHOKURONGERWA (kwete Mufani) uyo anobva mubhuku raMakombe, kuChigogodza, kwaShe Mangwende, kwaMUREHWA (kwete kuHwedza). Mwana wa Baba Denford Chokurongerwa naMai Magarate Matizanadzo-Chokurongerwa uye akaberekwa mugore ra1970. Akadzidza paMabika Primary School ikoko asati atora chitupa chake chine nhamba dzinoti 63-938774R47.

Kwayedza svondo rino yakashanyira kumusha kwemuporofita uyu kwaMurehwa uko yakanovhundunyura zvimwe zvakavanzika pamusoro peupenyu hwake nemhuri yacho.

Madzibaba Ishmael anobva maMakombe sadunhu wake ari Chitopi pedyo netaundishipi yeChigogodza iyo iri mumugwagwa unobva paCross uchienda kuMarondera.

Vatori venhau vakasvika pamba pevabereki vaIshmael ndokuwana paine munin’ina wake, Leonard Chokurongerwa (32), uyo anopinda chechi imwe cheteyo nemukoma wake ari kuvhimwa nemapurisa uyu.

Leonard, uyo ari kubheja kuti haafe akasiyana nemhiko dzekusowe ravo, anoti mumba mavo vanomwe, vari vana vaBaba Denford Chokurongerwa amai vavo vachinzi Magarate Matizanadzo-Chokurongerwa. Vose vanopinda chechi yeJohane Masowe.

“Ini ndiri munin’ina waIshmael chaiye wemudumbu rimwe chete. Tinoshandisa surname yekuti Chokurongerwa, iyo yekuti Mufani hamheno kuti zita iroro riri kuwanikwa kupi. Kana zvekuti anobva kuHwedza kana kuMhondoro handizvo.

“Izvozvi baba naamai havapo, vakaenda kuNjanja kumunin’ina waamai – Monica Matizanadzo – uyo ave kugara nemurume wake pamba pana sekuru naambuya vedu vakabereka amai avo vakafa kare. Mainini ava vaiva vakaroorwa kuBuhera uko vakazotama,” akadaro Leonard.

Leonard anoti Ishmael ndewechipiri pakuzvarwa mumba mavo, dangwe ari Luxmore, uyo anoshanda kuCentral Mechanical Equipment Department (CMED).

Mumhuri mavo vakomana vatanhatu nemusikana mumwe chete.

Akapa mazita evamwe vake nehukuru hwavo uye nekwavari kugara seizvi:
Luxmore (Zimbabwe), Ishmael (Zimbabwe), Morelove (Botswana), Virginia (Zimbabwe), Knowledge (Zimbabwe), Leonard (Zimbabwe) naBatsirai (South Africa).

Iye Leonard anoti ainge asipo pakaitika mhirizhonga kuBudiriro. Asi pane mashoko anoti Knowledge aivepo uye ari kutiza kusungwa pamwe chete nemukoma wake Ishmael.

Ishmael anonzi akadzidza paMabika Primary kwaMurehwa kwakare ndokuzopinda sekondari pachikoro chiri kuGlen View, muHarare zvisinei nekuti chitendero chake hachidi kuti nhengo dziende kuchikoro, kuva nechitupa kana kupfeka mbatya dzemukati. Vamwe vemapositori akasungwa vanonzi vainge vasina “chinhu” mukati mehembe dzekunze dzavo.

Leonard anoti ndiye akatanga kuenda kuchechi yeJohane Masowe.
“Ishmael aipinda chechi kwaMugodhi kuno kumusha. Akazonotendeuka kupinda Johane Masowe achigara nababa kuHarare apo vaishanda kwaigadzirwa matype-writers nemaprinting machines. Munhu akakura asingaite zvemhirizhonga, chake kunamata chete.

“Musi wakarohwa mapurisa Ishmael aisavepo, akanga abvakacha kare kunze kwenyika,” akadaro Leonard.
Akavhundutsira mutori wenhau uno apo airamba achiudzwa kuti Ishmael aivepo musi wakarohwa mapurisa achimuti, “Nongedzere zuva katatu kana uine chokwadi chekuti Ishmael aivapo pakaitika nyaya iyi kuBudiriro”. Akati kana achinyeba agona kufa pakarepo.
Zvisinei, mutori wenhau uno akanongedzera zuva katatu sezvakanga zvarehwa, asi hapana chakaitika.

Ishmael anonzi ava nemasvondo matatu abva kwaMurehwa uko ari kuvaka imba yake zvichinzi ari kushandisa mapositori pachena vachibatsirana naLeonard. Anonzi anongoenda kumusha achidzokera zuva rimwe chete aine vanhu vekumasowe kwake.
Asi pane mashoko anoti muporofita uyu akamboonekwa paCross mushure mekuparwa kwemhosva yekuBudiriro.

Ishmael, anodaro Leonard, ane mudzimai mumwe chete, uyo akangonzi Mai Lissa, achibva kwaMutoko nevana vatanhatu vanosanganisira Lissa uyo akaroorwa, Abed, Mirriam naAmon.

Leonard akatsinhira mhiko dzechechi yavo idzo dzakabuda muKwayedza yesvondo rapera, dzinosanganisira kusaendeswa kwevana kuzvikoro, kusaterera maredhiyo, kusaona TV, kusaenda kuzvipatara, kusashandisa nharembozha, kurambidzwa kuve nezvitupa nekusaenda kumabasa. Asi akapokana neyekuti vanababa ndivo vanotarisa vanasikana vavo humhandara.

“Zvekutarisa vana humhandara nekusapfeka mabhurugwa emukati handina chokwadi nazvo, mukoma wangu zvimwe ave kunyeperwa. Asi nyaya iripo paakauya kuno akasiya ati achabuda kunze kwenyika zvinoreva kuti pakarohwa mapurisa aisavapo.”

Leonard, uyo anoti akadzidza kusvika Form 2, ane chitupa chine nhamba dzinoti 63-1240094L47. Anoti akaenda kuchikoro nekuti vabereki vake panguva iyi vakanga vasati vave kunamata chechi iyi.

Zvakadai, Ishmael ari kuvaka imba ine mipanda mitatu nevharanda iyo isati yapera nemba yekubikira kumusha.
Leonard akaroora Locadia Makurumidze uye vane vana vaviri. Pakashanyirwa mhuri iyi mudzimai waLeonard ainzi akange aenda kuchitsidzo kunosununguka.

Leonard ane vamwe vana vaviri nemumwe mukadzi waakarambana naye. Anoti havana mutupo wavanoshevedzwa nawo sezvo vachingonzi Madzibaba.

Anotizve haazive kuna Ishmael nemhuri yake zvisinei kuti pekutanga akambenge ati Ishmael akabuda kunze kare.
Mubhuku rekwaMakombe mune vanhu vehukama vakawanda vekwaChokurongerwa avo vakatya kutaura nevatori venhau nekuda kwenyaya iyi vachiti vaizorikitwa nemamonya aIshmael.

KUMUSHA kwaIshmael-13/06/14
LEONARD Chokurongerwa
Leonard mubindu
Leonard nechitupa
pamusha pevabereki
Imba iri kuvakiswa naIshmael.

Share This:

Sponsored Links