Madzimai akazvitakura obatsirwa

17 Nov, 2017 - 00:11 0 Views

Kwayedza

Muchaneta Chimuka —
SANGANO reUNFPA, rakabatana nereGrant Thornton pamwe nekambani yeNyaradzo Funeral Services, vakaparura chirongwa chemushandirapamwe chekutsigira madzimai nevanasikana vakazvitakura paHoward Mission Hospital Maternity Waiting Home (MWH).

Nguva pfupi yadarika, chipatara ichi chakabatsirwa nezvakasiyana zvinosanganisira mibhedha yekusunungutsira madzimai, mbatya dzevana, chikafu nekudyarirwa miti.

Vachitaura pazuva rekutambidzwa kwemidziyo yekushandisa pamwe nezvimwe pachipatara ichi, mukuru anoona nezvepaHoward Mission Hospital, Matron Aquiline Chinembiri vanoti rubatsiro urwu rwakakosha mukuderedza ndufu dzemadzimai nevana panguva yekusununguka.

“Dzimba dzekugarira dzemadzimai akazvitakura idzo dzinenge dziri pedyo nezvipatara dzakatanga kuvakwa muna1980 uye dzakaonekwa dzakakosha zvikuru mukuchengetedza utano neupenyu hwemadzimai, zvikuru avo vanogara kure nezvipatara,” vanodaro.

Matron Chinembiri vanoti ndufu dzemadzimai akazvitakura pachipatara pavo dzakaderera zvichitevera rutsigiro rwavari kuwaniswa.

“Chipatara chino chakavambwa muna1923 sekiriniki chichibva chazokura nekufamba kwenguva. Tinobatsira vanhu vanosvika 24 244 uye gore rapera takasunungutsa madzimai 1 091 vanobva mudunhu rino reMashonaland Central nevamwe vanobva kune mamwe matunhu. Tine madhokotera matatu nevakoti 46,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti: “Pamwedzi, tinosungunutsa madzimai 180 asi mumwedzi waNyamavhuvhu huwandu uhwu hwakawedzera apo madzimai 260 vakasunungukira pano.

“Kubva gore rino richitanga, hatina kana mudzimai mumwe chete akarasikirwa neupenyu panguva yekusununguka kunze kwegore rapera apo mumwe mukadzi akashaika asi akanga anonoka kuuya kuzobatsirwa kuno kuchipatara.”

Mai Agnes Makoni, avo vanove Programme Analyst-Maternal Health kusangano reUNFPA, vanoti vechidiki vanofanira kuwaniswa ruzivo kuti vasakasike kupinda munyaya dzepabonde uye kuita pamuviri.

“Kupinda munyaya dzepabonde kwevechidiki kunokanganisa remangwana ravo apo vanoita pamuviri pasina kurongeka vogumisira vave kubvarukira dzimwe nhengo dzemuviri nekuti mitezo yavo inenge isati yanyatsokura,” vanodaro.

Vanoti sangano ravo rinobatsira madzimai nevarume panyaya dzekurera mhuri. Kurera mhuri, vanodaro Mai Makoni, kwakakosha nekuti kunoita kuti amai vawane nguva yekugwinya mumuviri wavo kana kuti vasagare vari ndonda nekunyanya kuzvara.

Zvakadai, Kwayedza yakawana mukana wekukurukura nemamwe emadzimai akange achimirira kusunungukira pachipatara ichi avo vakatsanangura nhunha dzavo dzakasiyana.

Esther Alimu wekwaJaji, kuChiweshe anoti ari kugadzirira kusununguka mwana wake wechina asi nhumbu dzake dzose dzinoda machiremba kuti mwana abude zvakanaka, izvo zvakamuuta kuti anogarira pachipatara.

Veronica Zembeni (25) wekuMvurwi – uyo ane pamuviri pechitatu – anoti kugarira pachipatara kwakakosha nekuti kunoderedza ndufu dzemadzimai nevana sezvo vachikasika kubatsirwa kana pachinge paita dambudziko pakusununguka.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey