Madzimai, chivanhu nenhaka

13 Dec, 2014 - 14:12 0 Views

Kwayedza

MAZUVA atiri kufamba nawo akagukuchira zviitiko. Svondo rapfuura chete kwakaitwa: musangano mukuru webato riri kutonga reZanu-PF (6th National People’s Congress) wakatanga musi wa2 Zvita ukapera musi wa7 Zvita. Kwakacherechedzwawo zuva rokudyara miti, inove tsika inoitwa gore negore, iri tsika yakananga kuti masango avandudzwe munyika.

Gore rino, miti yakadyarwa pasi pedingindira rinoti, “Forests for Food Security and Nutrition”, uyewo muti wegore rino unonzi Mukweshangoma kana kuti Mupaka.

Zvimwewo zviitiko zvamazuva achangopfuura zvinosanganisira kucherechedzwa kwezuva rokurwisana nechirwere chomukondombera (World Aids Day) uyewo mitambo yevechidiki mudunhu reSadc iri kuitirwa kuBulawayo.

Musi weSvondo, kwakaradzikwawo gamba renyika, Dr Kotsho Lloyd Dube, pamarinda eHeroes Acre, muHarare.

Zvizhinji zviri kuitika tatarisana neKirisimasi, asi, ndatuswa nenyaya ye“16 Days of Activism”, anove mazuva anoongororwa nyaya yemhirizhonga uyewo mamiriro ekodzero dzamadzimai nokupedzwa kwamatambudziko avanosangana nawo.

Pagara paine pfungwa yokuti madzimai anobatwa nokuseri kworuwoko navanhurume chete, potadza kuonekwa kuti madzimai anogona kuitirana zvimwe chete zvichipedzisira zvapa mhuri matambudziko.

Panoitwa izvi, vanhu vanenge vachiti vari kuita zviri mutsika namagariro avo. Vamwewo vanomira nechitendero chechiKristu
Tikatarisa pese panoshaya munhukadzi akawanikwa, tinoona kuti pane tsika inoitwa yaunoshaya kunzwisisa kuti kuwanikwa kunorevei kana hama dzokwake dzechidzimai dzichituta zvinhu zvake zvose zvokubikisa nokubikira, zvokudyira, uyewo paanorara namagumbeze acho.

Wanano inopera panoshaya munhu here? Ndobvunza madzimai ari mudzimba kuti zvamuripo kudaro muchishanda nokutenga midziyo yokushandisa mumba muri kuitira kuti kana mazofa vokwenyu vagowana zvokugovana zvakawanda here? Kuroorwa kaviri here? Ko vana venyu? Kana kuti muri kuzviita kuti mugorozvana pachenyu?

Mutsika dzechivanhu, mudzimai awanikwa anobvisirwa pfuma: danga remombe, rusambo nezvimwe zvinenge zvatarwa namadzitezvara. Anogona kuperekwa kana kupinda musvitsa zvichienderana nechitendero chechiKristu.

Pane zvese izvi, musikana achinotanga imba yake, vokwake vanomushuvira zvakanaka.

Zvino kana mambomuendesa muchiti enda undotanga imba yako, uvewo nemhuri yako uchishanda nesimba, sei kuzobvuta zvakare makomborero amakambomupa mave kudzoka nawo kumusha kwaakambobva achinotanga zvake? Kutorera mhuri yake makomborero here?
Pane umboo hwakawanda hwatinonzwa kuti pane madzimai akawanikwa vanoti kana vashaya, vana vavo vanosara vasina pokubikira kana chokubikisa, uyewo kuti vanosara vasina zvokufuga nokuti tsika dzechivanhu dzinoti zvomufi zvomudzimai ngazvipihwe hama dzake, kwete mhuri yake.

Makare-kare pakwaive nenhembe namagudza emhuka, vangani vaikwanisa kuwana zvomufi?

Tikatarisa muBhaibheri tinonzwa zvichinzi wanano inoreva kuti murume anotosiya baba namai vake agononamatirira kumukadzi wake, uye vachave nyama imwe chete (Genesisi 2 vhesi 24).

Havangave nyama imwe chete vasingashandiri mhuri nokuchengeta mhuri. Ndosaka mitemo yenyika yave kucherechedza kuti nhaka yavanhu vakawanana inosarira mupenyu navana, kana mumwe ashayika.

MuBhaibheri rimwe chete zvakare, pane nyaya yokuroora kwaIsaka achiroora Rabheka. Achisimuka kuenda kurume wake Rabheka anoturirwa mashoko eropafadzo nehanzvadzi dzake dzichiti: “Iwe hanzvadzi yedu, uve amai wavazhinji vane zviuru nezviuru; vana vako ngavatore masuo avavengi vavo.” (Genesisi 24:60)

Vana vazhinji vanoda kushandirwa, saka kwakange kusiri kuropafadza kwokuti kana wazoshandira vana touya totora zvawaropafadzwa nazvo.
Ndapoterera nenyaya asi pane mubvunzo wangu kumadzimai kunyanya ndepokuti pamusana pei magoverwo emidziyo yomunhukadzi akananga kufadza vokwake, vanenge vaine misha yavowo? Pamusana pei midziyo ichipedzisira yave kubika mune dzimwe dzimba, asi kumba kwomuridzi kwasara kusina chinhu?

Madzimai ari mumakereke murimowo munyaya iyi. Muchatanga kutarisa dambudziko iri rinhi?

Ndizvo zvimwe zvinoita kuti “16 Days of Activism” dziite mutsindo.

 

 

 

 

 

 

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey