Madzimai dzave nhungamiri

18 Sep, 2014 - 18:09 0 Views
Madzimai dzave nhungamiri

Kwayedza

Kuziva Mbuya Huudzwa
SVONDO rapfuura rakazadza madzimai nevanasikana vakawanda norufaro vachiona mudzimai woumtungamiri wenyika Amai Grace Mugabe nemutevedzeri womutungamiri wenyika, Amai Joice T.R. Mujuru, vose vachitora zvitupa zvedzidzo yapamusoro-soro, zveDoctor of Philosophy (PhD) pagungano rakaitwa paUniversity of Zimbabwe musi wa12 September.

Vave nawo mabhachi matsvuku nenguwani nhema dzokupendekera. Kutaura kudai vaviri ava vatove Dr Grace Mugabe naDr Joice T.R. Mujuru. Vaya vakaimba kuti VaMugabe vanofamba nemamonya, rwendo rwuno ngavazive kuti vave kufamba nezvikwapuro pafundo.

Haasi madhokotera anorapa urwere, asi madhokotera amabhi-i, mabhi-i okuzviwanira kwete okupihwa. Zvinofanirwa kufadza mwanasikana weZimbabwe nokuti kusimuka kwamadzimai kukatanga nevari pamusoro-soro uyewo vakave nehanya yokuti vasimuke zvinopa vari pasi chido chokutevera tsoka dzavo.

Tinokorokotedza Dr Grace Mugabe naDr Joice Mujuru, kubudikidza nechidimbu chedetembo rakanyorwa nanyanduri J.C. Kumbirai, detembo rakange rizere nechiono rinonzi, “Tungamirai vakadzi veAfrica” riri mubhuke re“Mabvumira Enhetembo”, rakatsikiswa neMambo Press mugore ra1969. Pakanzi Africa unogona kutiwo “Tungamirai vakadzi veZimbabwe”, asi kubudirira kwamadzimai eZimbabwe, kubudirira kweAfrica yese zvayo.

Haanoi makorokoto:

Tungamirai nyika vakadzi veAfrica,
Sungirirai vana kumusana mufambe,
Dare rorupenyu norufaro zvino rarira;
Wasara mushure wasarira rufu.
Vadzimai ndimika vatinhi venyika yedu,
Munotitinhira kugova rainofura,
Kunodya dzimwe nyika uswa hwebumharutsva
Mukasara shure hapana angaitinhe.

Rambai munarwo, madzimai eAfrica,
Mhanyai nesu makatibata mumujahwe,
Kana toda kuneta mutitinhe neshamhu
Kuti tibudirire tisvike kumagumo.

Hatichisirika mugore ragochanhembe,
Tave mugore rinonzi wasara-wasara
Munodyiwa neanorova nhende usiku
Anomuka dzarira anowana dzayamwa.

Rambai munarwo madzimai eAfrica.
Nyika dzapsi pose dzaforera mujahwe.
Ina vakadzi pamberi ndiyo ichakunda.
Ina vari mushure ndiyo ichave gotwe.

Ndizvo zvatinochemera vakadzi veAfrica
Zvokuti mutikakate tiri mumujahwe
Tirege kuwana dzamira nemhuru mombe
Tichiva rudzi gotwe muwasara-wasara.

Makorokoto, Amhlophe kuna Dr G. Mugabe naDr J.T.R. Mujuru namamwe madzimai akaita nhangaruvanze, uyewo namadzimai ose achatevera gwara ravafamba naro. Ngaive tsika nditsikewo savachati.

Elder Harry Munatsi vakapihwawo chitupa cheMasters in Business Administration (MBA) zuva rimwe chete vakaparidza musi weSvondo vakati kubatwa musoro ikoko kwaiitwa vanhu vakaita zvidzidzo zvapamusoro naPresident Mugabe hazvina kusiyana nokudenga vanhu vave kuenda pamberi poMusiki vachipihwa korona dzamabasa avakabata panyika.

Share This:

Sponsored Links