‘Madzimai ongororwai gomarara rechibereko’

13 Jun, 2014 - 00:06 0 Views
‘Madzimai ongororwai  gomarara rechibereko’

Kwayedza

DAVID-PARIRENYATWA
GURUKOTA rezveutano nekurerwa kwevana, Dr David Parirenyatwa, vanokurudzira madzimai kuti vaenda kuzvipatara kunovhenekwa gomarara rechibereko (cervical cancer) nguva ichiripo kuitira kurwisana nechirwere ichi chisati chagodza mumiviri yavo. Vakataura mashoko aya kumadzimai emumusha weMbare, muHarare svondo radarika pachiitiko chekuchengetedza utsanana chaikotsverwa nekambani yeUnilever vachiti zvakanaka kuti vanhukadzi vanovhenekwa gomarara iri vorapwa nguva ichiripo.

“Ndinokukurudzirai kuenda kunovhenekwa gomarara remuromo wechibereko kuzvipatara zviri pedyo nemi nekuti madzimai mazhinji anogona kuve achirera chirwere ichi vasingazivi. Panguva yaanozoda kumhanya-mhanya chinenge chatopararira zvekutadza kurapika,” vakadaro Dr Parirenyatwa.

Vakaenderera mberi vachiti kune gomarara rezamu zvakare iro madzimai anofanira kugara vachiziva kuti vamire papi.
“Kune zvekare gomarara remuzamu saka vanamai munofanira kuzvitarisa, kuona kuti hapana bundu rauri kunzwa here muzamu mobva mamhanyira kuchipatara kunorapwa nekuti kudzivirira chirwere kuri nyore pane kurapwa,” vakadaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey